1Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda.
1ヨセフは父の顔に伏して泣き、口づけした。
2Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri n'anga, kuti vasasike baba vake, n'anga dzikasasika Isiraeri.
2そしてヨセフは彼のしもべである医者たちに、父に薬を塗ることを命じたので、医者たちはイスラエルに薬を塗った。
3Vakapedza mazuva makumi mana naye, nekuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaEgipita vakamuchema mazuva makumi manomwe.
3このために四十日を費した。薬を塗るにはこれほどの日数を要するのである。エジプトびとは七十日の間、彼のために泣いた。
4Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, Zvino kana ndawana nyasha kwamuri, dorevai munzeve dzaFarao, muti,
4彼のために泣く日が過ぎて、ヨセフはパロの家の者に言った、「今もしわたしがあなたがたの前に恵みを得るなら、どうかパロに伝えてください。
5Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muguva randakazvicherera munyika yeKanani, ndimo maunofanira kundivigamo. Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka.
5『わたしの父はわたしに誓わせて言いました「わたしはやがて死にます。カナンの地に、わたしが掘って置いた墓に葬ってください」。それで、どうかわたしを上って行かせ、父を葬らせてください。そうすれば、わたしはまた帰ってきます』」。
6Farao akati, Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa.
6パロは言った、「あなたの父があなたに誓わせたように上って行って彼を葬りなさい」。
7Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao vakakwira naye, vakuru veimba yake, navakuru venyika yeEgipita,
7そこでヨセフは父を葬るために上って行った。彼と共に上った者はパロのもろもろの家来たち、パロの家の長老たち、エジプトの国のもろもろの長老たち、
8naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vakazvisiya panyika yeGosheni,
8ヨセフの全家とその兄弟たち及びその父の家族であった。ただ子供と羊と牛はゴセンの地に残した。
9ngoro navatasvi vamabhiza vakakwirawo naye, rikava boka guru-guru.
9また戦車と騎兵も彼と共に上ったので、その行列はたいそう盛んであった。
10Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJoridhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe.
10彼らはヨルダンの向こうのアタデの打ち場に行き着いて、そこで大いに嘆き、非常に悲しんだ。そしてヨセフは七日の間父のために嘆いた。
11Zvino vanhu vaigara panyika yeKanani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, Kuchema uku kukuru ndokwavaEgipita; naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJoridhani.
11その地の住民、カナンびとがアタデの打ち場の嘆きを見て、「これはエジプトびとの大いなる嘆きだ」と言ったので、その所の名はアベル・ミツライムと呼ばれた。これはヨルダンの向こうにある。
12Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira;
12ヤコブの子らは命じられたようにヤコブにおこなった。
13nekuti vanakomana vake vakandomuisa kunyika yeKanani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya rakatengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakatarisana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.
13すなわちその子らは彼をカナンの地へ運んで行って、マクペラの畑のほら穴に葬った。このほら穴はマムレの東にあって、アブラハムがヘテびとエフロンから畑と共に買って、所有の墓地としたものである。
14Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Egipita, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye kundoviga baba vake.
14ヨセフは父を葬った後、その兄弟たち及びすべて父を葬るために一緒に上った者と共にエジプトに帰った。
15Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, Zvimwe Josefa achativenga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira.
15ヨセフの兄弟たちは父の死んだのを見て言った、「ヨセフはことによるとわれわれを憎んで、われわれが彼にしたすべての悪に、仕返しするに違いない」。
16Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti,
16そこで彼らはことづけしてヨセフに言った、「あなたの父は死ぬ前に命じて言われました、
17Taurai naJosefa, muti, Zvino dokangamwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; nezvivi zvavo, nekuti vakakuitirai zvakaipa; zvino dokangamwirai kutadza kwavaranda vaMwari wababa venyu. Josefa akachema pakutaura kwavo naye.
17『おまえたちはヨセフに言いなさい、「あなたの兄弟たちはあなたに悪をおこなったが、どうかそのとがと罪をゆるしてやってください」』。今どうかあなたの父の神に仕えるしもべらのとがをゆるしてください」。ヨセフはこの言葉を聞いて泣いた。
18Vakuru vake vakaendawo, vakawira pasi pamberi pake, vakati, Tarirai, tiri varanda venyu.
18やがて兄弟たちもきて、彼の前に伏して言った、「このとおり、わたしたちはあなたのしもべです」。
19Josefa akati kwavari, Musatya, nekuti ini ndiri pachigaro chaMwari here?
19ヨセフは彼らに言った、「恐れることはいりません。わたしが神に代ることができましょうか。
20Kana murimwi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe.
20あなたがたはわたしに対して悪をたくらんだが、神はそれを良きに変らせて、今日のように多くの民の命を救おうと計らわれました。
21Naizvozvo zvino musatya, ndichakuchengetai, nepwere dzenyu. Akavanyaradza, akataura navo nomoyo wakanaka.
21それゆえ恐れることはいりません。わたしはあなたがたとあなたがたの子供たちを養いましょう」。彼は彼らを慰めて、親切に語った。
22Josefa akagara Egipita, iye naveimba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi.
22このようにしてヨセフは父の家族と共にエジプトに住んだ。そしてヨセフは百十年生きながらえた。
23Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaberekerwa pamabvi aJosefa.
23ヨセフはエフライムの三代の子孫を見た。マナセの子マキルの子らも生れてヨセフのひざの上に置かれた。
24Josefa akati kuhama dzake, Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakove.
24ヨセフは兄弟たちに言った、「わたしはやがて死にます。神は必ずあなたがたを顧みて、この国から連れ出し、アブラハム、イサク、ヤコブに誓われた地に導き上られるでしょう」。
25Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemwi mutakure mafupa angu abve pano.
25さらにヨセフは、「神は必ずあなたがたを顧みられる。その時、あなたがたはわたしの骨をここから携え上りなさい」と言ってイスラエルの子らに誓わせた。こうしてヨセフは百十歳で死んだ。彼らはこれに薬を塗り、棺に納めて、エジプトに置いた。
26Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paEgipita.
26こうしてヨセフは百十歳で死んだ。彼らはこれに薬を塗り、棺に納めて、エジプトに置いた。