1Zvino Dhina mwanasikana waRea, waakaberekera Jakove, akabuda kunoona vakunda venyika iyoyo.
1レアがヤコブに産んだ娘デナはその地の女たちに会おうと出かけて行ったが、
2Uye Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, muchinda wenyika, wakamuona; akamutora, akarara naye, akamufumura.
2その地のつかさ、ヒビびとハモルの子シケムが彼女を見て、引き入れ、これと寝てはずかしめた。
3Mweya wake ndokunamatira panaDhina, mukunda waJakove, ndokuda musikana, akataura kumoyo wemusikana.
3彼は深くヤコブの娘デナを慕い、この娘を愛して、ねんごろに娘に語った。
4Zvino Shekemu ndokutaura kuna baba vake Hamori achiti: Nditorerei musikana uyo ave mukadzi wangu.
4シケムは父ハモルに言った、「この娘をわたしの妻にめとってください」。
5Zvino Jakove wakanzwa kuti akasvibisa Dhina mukunda wake; zvino vanakomana vake vakange vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakove ndokunyarara kusvikira vauya.
5さてヤコブはシケムが、娘デナを汚したことを聞いたけれども、その子らが家畜を連れて野にいたので、彼らの帰るまで黙っていた。
6Hamori baba vaShekemu vakabuda vakaenda kuna Jakove kunotaurirana naye.
6シケムの父ハモルはヤコブと話し合おうと、ヤコブの所に出てきた。
7Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakove vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakazarirwa kwazvo, vakatsamwa zvikuru nekuti wakange aita upenzi pakati pevaIsiraeri nekurara nemukunda waJakove; chinhu chisingafaniri kuitwa saizvozvo.
7ヤコブの子らは野から帰り、この事を聞いて、悲しみ、かつ非常に怒った。シケムがヤコブの娘と寝て、イスラエルに愚かなことをしたためで、こんなことは、してはならぬ事だからである。
8Zvino Hamori wakataurirana navo achiti: Shekemu mwanakomana wangu, moyo wake unodokwairira mukunda wenyu; domupai henyu iye ave mukadzi wake.
8ハモルは彼らと語って言った、「わたしの子シケムはあなたがたの娘を心に慕っています。どうか彼女を彼の妻にください。
9Uye waniranai nesu, tipei vakunda venyu, mugozvitorera vakunda vedu.
9あなたがたはわたしたちと婚姻し、あなたがたの娘をわたしたちに与え、わたしたちの娘をあなたがたにめとってください。
10Uye garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garai mutengeserane, mupfuwe mairi.
10こうしてあなたがたとわたしたちとは一緒に住みましょう。地はあなたがたの前にあります。ここに住んで取引し、ここで財産を獲なさい」。
11Shekemu ndokuti kuna baba vemusikana nekuhanzvadzi dzake, Ngandiwane nyasha pameso enyu; uye chamuchareva kwandiri, ndichakupai.
11シケムはまたデナの父と兄弟たちとに言った、「あなたがたの前に恵みを得させてください。あなたがたがわたしに言われるものは、なんでもさしあげましょう。
12Pamhidzirai zvikuru kwandiri roora nechipo; uye ndichapa sezvamuchareva kwandiri; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.
12たくさんの結納金と贈り物とをお求めになっても、あなたがたの言われるとおりさしあげます。ただこの娘はわたしの妻にください」。
13Vanakomana vaJakove ndokupindura Shekemu naHamori baba vake, neunyengeri, vakati, nekuti wakasvibisa hanzvadzi yavo Dhina,
13しかし、ヤコブの子らはシケムが彼らの妹デナを汚したので、シケムとその父ハモルに偽って答え、
14ndokuti kwavari: Hatingagoni kuita chinhu ichi, kupa hanzvadzi yedu munhu une ganda repamberi, nekuti chinyadzo kwatiri.
14彼らに言った、「われわれは割礼を受けない者に妹をやる事はできません。それはわれわれの恥とするところですから。
15Asi nechinhu ichi tingatenderana nemwi, kana mukava sesu, kuti murume umwe neumwe wekwenyu adzingiswe,
15ただ、こうなさればわれわれはあなたがたに同意します。もしあなたがたのうち男子がみな割礼を受けて、われわれのようになるなら、
16zvino tichakupai vakunda vedu, nesu vakunda venyu tizvitorere; uye tichagara nemwi tive rudzi rumwe.
16われわれの娘をあなたがたに与え、あなたがたの娘をわれわれにめとりましょう。そしてわれわれはあなたがたと一緒に住んで一つの民となりましょう。
17Asi kana musingatitereri mukadzingiswa, tichatora mukunda wedu tiende.
17けれども、もしあなたがたがわれわれに聞かず、割礼を受けないなら、われわれは娘を連れて行きます」。
18Mashoko avo akava akanaka pameso aHamori, nepameso aShekemu, mwanakomana waHamori.
18彼らの言葉がハモルとハモルの子シケムとの心にかなったので、
19Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichi, nekuti waifarira mukunda waJakove; uye waikudzwa kupfuura imba yose yababa vake.
19若者は、ためらわずにこの事をした。彼がヤコブの娘を愛したからである。また彼は父の家のうちで一番重んじられた者であった。
20Zvino Hamori wakasvika, naShekemu mwanakomana wake, kusuwo reguta ravo, ndokutaurirana nevanhu veguta ravo vachiti:
20そこでハモルとその子シケムとは町の門に行き、町の人々に語って言った、
21Varume ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare munyika, vagotengeseranamo; nekuti nyika, tarirai, yakafara pamberi pavo; vakunda vavo tichavatora vave vakadzi vedu, nevakunda vedu tichavapa ivo.
21「この人々はわれわれと親しいから、この地に住まわせて、ここで取引をさせよう。地は広く、彼らをいれるにじゅうぶんである。そしてわれわれは彼らの娘を妻にめとり、われわれの娘を彼らに与えよう。
22Asi pachinhu ichi chete varume vachatenderana nesu, kugara nesu, nekuva serudzi rumwe, kuti murume wose wedu adzingiswa, sezvavakadzingiswa ivo.
22彼らが割礼を受けているように、もしわれわれのうちの男子が皆、割礼を受けるなら、ただこの事だけで、この人々はわれわれに同意し、われわれと一緒に住んで一つの民となるのだ。
23Ko mombe dzavo, nenhumbi dzavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo koga, vagogara nesu.
23そうすれば彼らの家畜と財産とすべての獣とは、われわれのものとなるではないか。ただわれわれが彼らに同意すれば、彼らはわれわれと一緒に住むであろう」。
24Zvino vakateerera Hamori naShekemu mwanakomana wake, vose vaibuda pasuwo reguta rake, ndokudzingiswa, murume umwe neumwe, vose vaibuda pasuwo reguta rake.
24そこで町の門に出入りする者はみなハモルとその子シケムとに聞き従って、町の門に出入りするすべての男子は割礼を受けた。
25Zvino zvakaitika nezuva retatu vachiri pakurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simioni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora umwe neumwe munondo wake, vakanyangira guta, ndokuuraya varume vose.
25三日目になって彼らが痛みを覚えている時、ヤコブのふたりの子、すなわちデナの兄弟シメオンとレビとは、おのおのつるぎを取って、不意に町を襲い、男子をことごとく殺し、
26Ndokuuraya Hamori naShekemu mwanakomana wake, nekwakapinza kwemunondo, vakabudisa Dhina mumba maShekemu, vakabuda.
26またつるぎの刃にかけてハモルとその子シケムとを殺し、シケムの家からデナを連れ出した。
27Vanakomana vaJakove vakauya pamusoro pevakauraiwa, vakapamba guta, nekuti vakange vasvibisa hanzvadzi yavo.
27そしてヤコブの子らは殺された人々をはぎ、町をかすめた。彼らが妹を汚したからである。
28Vakatora makwai avo nemombe dzavo nemadhongi avo nezvaiva muguta nezvaiva kusango;
28すなわち羊、牛、ろば及び町にあるものと、野にあるもの、
29nefuma yavo yose, nevana vavo vaduku vose, nevakadzi vavo vakavatapa vakapamba, nezvinhu zvose zvaiva mudzimba.
29並びにすべての貨財を奪い、その子女と妻たちを皆とりこにし、家の中にある物をことごとくかすめた。
30Jakove ndokuti kuna Simioni naRevhi: Manditambudza, nekundinhuwisa pakati pevagari vemunyika ino, pakati pevaKanani nevaPerezi; ini ndiri mushoma pauwandu, vachandiunganira, vagondirova; ndichaparara ini neimba yangu.
30そこでヤコブはシメオンとレビとに言った、「あなたがたはわたしをこの地の住民、カナンびととペリジびとに忌みきらわせ、わたしに迷惑をかけた。わたしは、人数が少ないから、彼らが集まってわたしを攻め撃つならば、わたしも家族も滅ぼされるであろう」。彼らは言った、「わたしたちの妹を遊女のように彼が扱ってよいのですか」。
31Ivo ndokuti: Aite hanzvadzi yedu sechifeve here?
31彼らは言った、「わたしたちの妹を遊女のように彼が扱ってよいのですか」。