1Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.
1そのころユダは兄弟たちを離れて下り、アドラムびとで、名をヒラという者の所へ行った。
2Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKanani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.
2ユダはその所で、名をシュアというカナンびとの娘を見て、これをめとり、その所にはいった。
3Iye akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Eri.
3彼女はみごもって男の子を産んだので、ユダは名をエルと名づけた。
4Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Onani.
4彼女は再びみごもって男の子を産み、名をオナンと名づけた。
5Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Shera; iye aiva paKezibhi mukadzi wake achimubereka.
5また重ねて、男の子を産み、名をシラと名づけた。彼女はこの男の子を産んだとき、クジブにおった。
6Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.
6ユダは長子エルのために、名をタマルという妻を迎えた。
7Asi dangwe raJudha, aiva munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.
7しかしユダの長子エルは主の前に悪い者であったので、主は彼を殺された。
8Zvino Judha akati kuna Onani, Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munin'ina womurume, umutsire mukoma wako vana.
8そこでユダはオナンに言った、「兄の妻の所にはいって、彼女をめとり、兄に子供を得させなさい」。
9Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womukoma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.
9しかしオナンはその子が自分のものとならないのを知っていたので、兄の妻の所にはいった時、兄に子を得させないために地に洩らした。
10Chinhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya naiyewo.
10彼のした事は主の前に悪かったので、主は彼をも殺された。
11Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura; nekuti akati, Zvimwe angafa savakoma vake. Tamari akandogara kumba kwababa vake.
11そこでユダはその子の妻タマルに言った、「わたしの子シラが成人するまで、寡婦のままで、あなたの父の家にいなさい」。彼は、シラもまた兄弟たちのように死ぬかもしれないと、思ったからである。それでタマルは行って父の家におった。
12Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTimuna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.
12日がたってシュアの娘ユダの妻は死んだ。その後、ユダは喪を終ってその友アドラムびとヒラと共にテムナに上り、自分の羊の毛を切る者のところへ行った。
13Tamari akaudzwa, zvichinzi, Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo;
13時に、ひとりの人がタマルに告げて、「あなたのしゅうとが羊の毛を切るためにテムナに上って来る」と言ったので、
14ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuwo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nekuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
14彼女は寡婦の衣服を脱ぎすて、被衣で身をおおい隠して、テムナへ行く道のかたわらにあるエナイムの入口にすわっていた。彼女はシラが成人したのに、自分がその妻にされないのを知ったからである。
15Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nekuti akanga afukidza chiso chake.
15ユダは彼女を見たとき、彼女が顔をおおっていたため、遊女だと思い、
16Akatsaukira kwaari panzira, akati, Douya, ndipinde kwauri; nekuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwanakomana wake. Iye akati, Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?
16道のかたわらで彼女に向かって言った、「さあ、あなたの所にはいらせておくれ」。彼はこの女がわが子の妻であることを知らなかったからである。彼女は言った、「わたしの所にはいるため、何をくださいますか」。
17Akati, Ndichakutumira mbudzana inobva kuzvipfuwo zvangu. Akati, Uchandipa rubatso kusvikira waituma here?
17ユダは言った、「群れのうちのやぎの子をあなたにあげよう」。彼女は言った、「それをくださるまで、しるしをわたしにくださいますか」。
18Akati, Ndichagokupa rubatso rweiko? Iye akati, Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako. Akamupa izvozvo, akapinda kwaari, akava nemimba naye.
18ユダは言った、「どんなしるしをあげようか」。彼女は言った、「あなたの印と紐と、あなたの手にあるつえとを」。彼はこれらを与えて彼女の所にはいった。彼女はユダによってみごもった。
19Akasimuka, akaenda, akabvisa chokufukidzira chake, akafuka nguvo dzouchirikadzi hwake.
19彼女は起きて去り、被衣を脱いで寡婦の衣服を着た。
20Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.
20やがてユダはその女からしるしを取りもどそうと、その友アドラムびとに託してやぎの子を送ったけれども、その女を見いだせなかった。
21Akabvunza vanhu vokwake, achiti, Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira? Vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.
21そこで彼はその所の人々に尋ねて言った、「エナイムで道のかたわらにいた遊女はどこにいますか」。彼らは言った、「ここには遊女はいません」。
22Akadzokera kuna Judha, akati, Handina kumuwana; navanhu voko vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.
22彼はユダのもとに帰って言った、「わたしは彼女を見いだせませんでした。またその所の人々は、『ここには遊女はいない』と言いました」。
23Ipapo Judha akati, Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamuwana.
23そこでユダは言った、「女に持たせておこう。わたしたちは恥をかくといけないから。とにかく、わたしはこのやぎの子を送ったが、あなたは彼女を見いだせなかったのだ」。
24Zvino mwedzi inenge mitatu yakati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichinzi, Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake. Judha akati, Uyai naye, apiswe.
24ところが三月ほどたって、ひとりの人がユダに言った、「あなたの嫁タマルは姦淫しました。そのうえ、彼女は姦淫によってみごもりました」。ユダは言った、「彼女を引き出して焼いてしまえ」。
25Zvino vakati vachiuya naye, akatuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwonzi, netsvimbo.
25彼女は引き出された時、そのしゅうとに人をつかわして言った、「わたしはこれをもっている人によって、みごもりました」。彼女はまた言った、「どうか、この印と、紐と、つえとはだれのものか、見定めてください」。
26Judha akazviziva, akati, Iye wakarurama kukunda ini, nekuti handina kumupa Shera, mwanakomana wangu. Haana kuzomuzivazve.
26ユダはこれを見定めて言った、「彼女はわたしよりも正しい。わたしが彼女をわが子シラに与えなかったためである」。彼は再び彼女を知らなかった。
27Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.
27さて彼女の出産の時がきたが、胎内には、ふたごがあった。
28Zvino akati achibereka, mumwe akabudisa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, Uyu atanga kubuda.
28出産の時に、ひとりの子が手を出したので、産婆は、「これがさきに出た」と言い、緋の糸を取って、その手に結んだ。
29Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munununa wake akabuda; ivo vakati, Wazvipasanurira seiko? Naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Perezi.
29そして、その子が手をひっこめると、その弟が出たので、「どうしてあなたは自分で破って出るのか」と言った。これによって名はペレヅと呼ばれた。その後、手に緋の糸のある兄が出たので、名はゼラと呼ばれた。
30Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.
30その後、手に緋の糸のある兄が出たので、名はゼラと呼ばれた。