1Josefa akanga aburutsirwa Egipita; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muEgipita, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Egipita.
1さてヨセフは連れられてエジプトに下ったが、パロの役人で侍衛長であったエジプトびとポテパルは、彼をそこに連れ下ったイシマエルびとらの手から買い取った。
2Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muEgipita.
2主がヨセフと共におられたので、彼は幸運な者となり、その主人エジプトびとの家におった。
3Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.
3その主人は主が彼とともにおられることと、主が彼の手のすることをすべて栄えさせられるのを見た。
4Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake.
4そこで、ヨセフは彼の前に恵みを得、そのそば近く仕えた。彼はヨセフに家をつかさどらせ、持ち物をみな彼の手にゆだねた。
5Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuEgipita nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.
5彼がヨセフに家とすべての持ち物をつかさどらせた時から、主はヨセフのゆえにそのエジプトびとの家を恵まれたので、主の恵みは彼の家と畑とにあるすべての持ち物に及んだ。
6Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya.
6そこで彼は持ち物をみなヨセフの手にゆだねて、自分が食べる物のほかは、何をも顧みなかった。さてヨセフは姿がよく、顔が美しかった。
7Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, Vata neni.
7これらの事の後、主人の妻はヨセフに目をつけて言った、「わたしと寝なさい」。
8Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri kwandiri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;
8ヨセフは拒んで、主人の妻に言った、「御主人はわたしがいるので家の中の何をも顧みず、その持ち物をみなわたしの手にゆだねられました。
9hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nekuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?
9この家にはわたしよりも大いなる者はありません。また御主人はあなたを除いては、何をもわたしに禁じられませんでした。あなたが御主人の妻であるからです。どうしてわたしはこの大きな悪をおこなって、神に罪を犯すことができましょう」。
10Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,
10彼女は毎日ヨセフに言い寄ったけれども、ヨセフは聞きいれず、彼女と寝なかった。また共にいなかった。
11nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo.
11ある日ヨセフが務をするために家にはいった時、家の者がひとりもそこにいなかったので、
12Ipapo akamubata nguvo yake, akati, Vata neni; iye akasiya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.
12彼女はヨセフの着物を捕えて、「わたしと寝なさい」と言った。ヨセフは着物を彼女の手に残して外にのがれ出た。
13Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda,
13彼女はヨセフが着物を自分の手に残して外にのがれたのを見て、
14akadana varume veimba yake, akataura navo akati, Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.
14その家の者どもを呼び、彼らに告げて言った、「主人がわたしたちの所に連れてきたヘブルびとは、わたしたちに戯れます。彼はわたしと寝ようとして、わたしの所にはいったので、わたしは大声で叫びました。
15Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze.
15彼はわたしが声をあげて叫ぶのを聞くと、着物をわたしの所に残して外にのがれ出ました」。
16Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.
16彼女はその着物をかたわらに置いて、主人の帰って来るのを待った。
17Akataura kwaari mashoko iwayo akati, Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.
17そして彼女は次のように主人に告げた、「あなたがわたしたちに連れてこられたヘブルのしもべはわたしに戯れようとして、わたしの所にはいってきました。
18Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze.
18わたしが声をあげて叫んだので、彼は着物をわたしの所に残して外にのがれました」。
19Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka.
19主人はその妻が「あなたのしもべは、わたしにこんな事をした」と告げる言葉を聞いて、激しく怒った。
20Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutirongo.
20そしてヨセフの主人は彼を捕えて、王の囚人をつなぐ獄屋に投げ入れた。こうしてヨセフは獄屋の中におったが、
21Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe tsitsi nomutariri wetirongo.
21主はヨセフと共におられて彼にいつくしみを垂れ、獄屋番の恵みをうけさせられた。
22Mutariri wetirongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutirongo; iye aiva muiti wezvose zvaiitwamo.
22獄屋番は獄屋におるすべての囚人をヨセフの手にゆだねたので、彼はそこでするすべての事をおこなった。獄屋番は彼の手にゆだねた事はいっさい顧みなかった。主がヨセフと共におられたからである。主は彼のなす事を栄えさせられた。
23Mutariri wetirongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nekuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.
23獄屋番は彼の手にゆだねた事はいっさい顧みなかった。主がヨセフと共におられたからである。主は彼のなす事を栄えさせられた。