1Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weEgipita nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weEgipita.
1これらの事の後、エジプト王の給仕役と料理役とがその主君エジプト王に罪を犯した。
2Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.
2パロはふたりの役人、すなわち給仕役の長と料理役の長に向かって憤り、
3Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutirongo, pakanga pakasungwa Josefa.
3侍衛長の家の監禁所、すなわちヨセフがつながれている獄屋に入れた。
4Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa.
4侍衛長はヨセフに命じて彼らと共におらせたので、ヨセフは彼らに仕えた。こうして彼らは監禁所で幾日かを過ごした。
5Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe kurota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomubiki vamambo weEgipita, vakanga vakasungwa mutirongo.
5さて獄屋につながれたエジプト王の給仕役と料理役のふたりは一夜のうちにそれぞれ意味のある夢を見た。
6Zvino fume mangwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.
6ヨセフが朝、彼らのところへ行って見ると、彼らは悲しみに沈んでいた。
7Akabvunza varanda vaFarao vakanga vachengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, Nhasi makasuwa neiko?
7そこでヨセフは自分と一緒に主人の家の監禁所にいるパロの役人たちに尋ねて言った、「どうして、きょう、あなたがたの顔色が悪いのですか」。
8Vakati kwaari, Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira. Josefa akati kwavari, Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai henyu.
8彼らは言った、「わたしたちは夢を見ましたが、解いてくれる者がいません」。ヨセフは彼らに言った、「解くことは神によるのではありませんか。どうぞ、わたしに話してください」。
9Zvino mukuru wavadiri akarondedzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, muchiroto kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuzambiringa pakanga pana matavi matatu;
9給仕役の長はその夢をヨセフに話して言った、「わたしが見た夢で、わたしの前に一本のぶどうの木がありました。
10ukaita sokutumbuka, ukabudisa maruva; masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva;
10そのぶどうの木に三つの枝があって、芽を出し、花が咲き、ぶどうのふさが熟しました。
11mukombe waFarao wakange uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruoko rwaFarao.
11時にわたしの手に、パロの杯があって、わたしはそのぶどうを取り、それをパロの杯にしぼり、その杯をパロの手にささげました」。
12Josefa akati kwaari, Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;
12ヨセフは言った、「その解き明かしはこうです。三つの枝は三日です。
13mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.
13今から三日のうちにパロはあなたの頭を上げて、あなたを元の役目に返すでしょう。あなたはさきに給仕役だった時にされたように、パロの手に杯をささげられるでしょう。
14Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire tsitsi, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;
14それで、あなたがしあわせになられたら、わたしを覚えていて、どうかわたしに恵みを施し、わたしの事をパロに話して、この家からわたしを出してください。
15nekuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.
15わたしは、実はヘブルびとの地からさらわれてきた者です。またここでもわたしは地下の獄屋に入れられるような事はしなかったのです」。
16Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu;
16料理役の長はその解き明かしの良かったのを見て、ヨセフに言った、「わたしも夢を見たが、白いパンのかごが三つ、わたしの頭の上にあった。
17mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabikwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswanda yaiva pamusoro wangu.
17一番上のかごには料理役がパロのために作ったさまざまの食物があったが、鳥がわたしの頭の上のかごからそれを食べていた」。
18Ipapo Josefa akapindura, akati, Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;
18ヨセフは答えて言った、「その解き明かしはこうです。三つのかごは三日です。
19mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusungirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri.
19今から三日のうちにパロはあなたの頭を上げ離して、あなたを木に掛けるでしょう。そして鳥があなたの肉を食い取るでしょう」。
20Zvino nomusi wetatu, musi wokuzvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womukuru wavabiki pakati pavaranda vake,
20さて三日目はパロの誕生日であったので、パロはすべての家来のためにふるまいを設け、家来のうちの給仕役の長の頭と、料理役の長の頭を上げた。
21akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;
21すなわちパロは給仕役の長を給仕役の職に返したので、彼はパロの手に杯をささげた。
22asi akasungirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.
22しかしパロは料理役の長を木に掛けた。ヨセフが彼らに解き明かしたとおりである。ところが、給仕役の長はヨセフを思い出さず、忘れてしまった。
23Asi mukuru wavadiri haana kurangarira Josefa, asi akamukangamwa.
23ところが、給仕役の長はヨセフを思い出さず、忘れてしまった。