1Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi.
1二年の後パロは夢を見た。夢に、彼はナイル川のほとりに立っていた。
2Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe.
2すると、その川から美しい、肥え太った七頭の雌牛が上がってきて葦を食っていた。
3Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamahombekombe erwizi.
3その後、また醜い、やせ細った他の七頭の雌牛が川から上がってきて、川の岸にいた雌牛のそばに立ち、
4Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka.
4その醜い、やせ細った雌牛が、あの美しい、肥えた七頭の雌牛を食いつくした。ここでパロは目が覚めた。
5Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka,
5彼はまた眠って、再び夢を見た。夢に、一本の茎に太った良い七つの穂が出てきた。
6akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.
6その後また、やせて、東風に焼けた七つの穂が出てきて、
7Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.
7そのやせた穂が、あの太って実った七つの穂をのみつくした。ここでパロは目が覚めたが、それは夢であった。
8Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana n'anga dzose dzeEgipita navakachenjera vose voko; Farao akavaudza kurota kwake; asi kwakanga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao.
8朝になって、パロは心が騒ぎ、人をつかわして、エジプトのすべての魔術師とすべての知者とを呼び寄せ、彼らに夢を告げたが、これをパロに解き明かしうる者がなかった。
9Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu;
9そのとき給仕役の長はパロに告げて言った、「わたしはきょう、自分のあやまちを思い出しました。
10Farao akanga akatsamwira varanda vake, mukandisunga, ndikachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki;
10かつてパロがしもべらに向かって憤り、わたしと料理役の長とを侍衛長の家の監禁所にお入れになった時、
11tikarota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo.
11わたしも彼も一夜のうちに夢を見、それぞれ意味のある夢を見ましたが、
12Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda womukuru wavarindi; tikamuudza, iye akatidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota.
12そこに侍衛長のしもべで、ひとりの若いヘブルびとがわれわれと共にいたので、彼に話したところ、彼はわれわれの夢を解き明かし、その夢によって、それぞれ解き明かしをしました。
13Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa.
13そして彼が解き明かしたとおりになって、パロはわたしを職に返し、彼を木に掛けられました」。
14Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao.
14そこでパロは人をつかわしてヨセフを呼んだ。人々は急いで彼を地下の獄屋から出した。ヨセフは、ひげをそり、着物を着替えてパロのもとに行った。
15Farao akati kuna Josefa, Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.
15パロはヨセフに言った、「わたしは夢を見たが、これを解き明かす者がない。聞くところによると、あなたは夢を聞いて、解き明かしができるそうだ」。
16Josefa akapindura Farao, akati, Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.
16ヨセフはパロに答えて言った、「いいえ、わたしではありません。神がパロに平安をお告げになりましょう」。
17Farao akarondedzera kuna Josefa akati, Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamahombekombe erwizi;
17パロはヨセフに言った、「夢にわたしは川の岸に立っていた。
18ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe;
18その川から肥え太った、美しい七頭の雌牛が上がってきて葦を食っていた。
19ndikaonazve dzimwe mhou nomwe dzichikwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeEgipita.
19その後、弱く、非常に醜い、やせ細った他の七頭の雌牛がまた上がってきた。わたしはエジプト全国で、このような醜いものをまだ見たことがない。
20Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga;
20ところがそのやせた醜い雌牛が、初めの七頭の肥えた雌牛を食いつくしたが、
21dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikamwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka.
21腹にはいっても、腹にはいった事が知れず、やはり初めのように醜かった。ここでわたしは目が覚めた。
22Ndikaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka;
22わたしはまた夢をみた。一本の茎に七つの実った良い穂が出てきた。
23ndikaonazve dzimwe hura nomwe, dzakaoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.
23その後、やせ衰えて、東風に焼けた七つの穂が出てきたが、
24Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n'anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo.
24そのやせた穂が、あの七つの良い穂をのみつくした。わたしは魔術師に話したが、わたしにそのわけを示しうる者はなかった」。
25Ipapo Josefa akati kuna Farao, Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazivisa Farao.
25ヨセフはパロに言った、「パロの夢は一つです。神がこれからしようとすることをパロに示されたのです。
26Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe.
26七頭の良い雌牛は七年です。七つの良い穂も七年で、夢は一つです。
27Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe enzara.
27あとに続いて、上がってきた七頭のやせた醜い雌牛は七年で、東風に焼けた実の入らない七つの穂は七年のききんです。
28Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakaratidza Farao.
28わたしがパロに申し上げたように、神がこれからしようとすることをパロに示されたのです。
29Tarirai, kunouya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeEgipita;
29エジプト全国に七年の大豊作があり、
30shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeEgipita; nzara ichapedza nyika;
30その後七年のききんが起り、その豊作はみなエジプトの国で忘れられて、そのききんは国を滅ぼすでしょう。
31maguta haangazozikamwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozotevera, nekuti ichanyanya kwazvo.
31後に来るそのききんが、非常に激しいから、その豊作は国のうちで記憶されなくなるでしょう。
32Kurota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nekuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuzviita.
32パロが二度重ねて夢を見られたのは、この事が神によって定められ、神がすみやかにこれをされるからです。
33Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeEgipita.
33それゆえパロは今、さとく、かつ賢い人を尋ね出してエジプトの国を治めさせなさい。
34Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIjipiti pamakore manomwe emaguta.
34パロはこうして国中に監督を置き、その七年の豊作のうちに、エジプトの国の産物の五分の一を取り、
35Ngaaunganidze zvokudya zvose zvamakore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvokudya mumaguta; vazvichengete.
35続いて来る良い年々のすべての食糧を彼らに集めさせ、穀物を食糧として、パロの手で町々にたくわえ守らせなさい。
36Zvokudya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeEgipita, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.
36こうすれば食糧は、エジプトの国に臨む七年のききんに備えて、この国のためにたくわえとなり、この国はききんによって滅びることがないでしょう」。
37Chinhu ichi chakanga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose.
37この事はパロとそのすべての家来たちの目にかなった。
38Farao akati kuvaranda vake, Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?
38そこでパロは家来たちに言った、「われわれは神の霊をもつこのような人を、ほかに見いだし得ようか」。
39Farao akati kuna Josefa, Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe;
39またパロはヨセフに言った、「神がこれを皆あなたに示された。あなたのようにさとく賢い者はない。
40ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.
40あなたはわたしの家を治めてください。わたしの民はみなあなたの言葉に従うでしょう。わたしはただ王の位でだけあなたにまさる」。
41Zvino Farao akati kuna Josefa, Tarira, ndakuita mubati panyika yeEgipita yose.
41パロは更にヨセフに言った、「わたしはあなたをエジプト全国のつかさとする」。
42Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguvo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake;
42そしてパロは指輪を手からはずして、ヨセフの手にはめ、亜麻布の衣服を着せ、金の鎖をくびにかけ、
43akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, Pfugamai! Akamuita mubati wenyika yose yeEgipita.
43自分の第二の車に彼を乗せ、「ひざまずけ」とその前に呼ばわらせ、こうして彼をエジプト全国のつかさとした。
44Farao akati kuna Josefa, Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeEgipita.
44ついでパロはヨセフに言った、「わたしはパロである。あなたの許しがなければエジプト全国で、だれも手足を上げることはできない」。
45Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeEgipita.
45パロはヨセフの名をザフナテ・パネアと呼び、オンの祭司ポテペラの娘アセナテを妻として彼に与えた。ヨセフはエジプトの国を巡った。
46Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weEgipita.
46ヨセフがエジプトの王パロの前に立った時は三十歳であった。ヨセフはパロの前を出て、エジプト全国をあまねく巡った。
47Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta.
47さて七年の豊作のうちに地は豊かに物を産した。
48Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, aivapo panyika yeEgipita, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo.
48そこでヨセフはエジプトの国にできたその七年間の食糧をことごとく集め、その食糧を町々に納めさせた。すなわち町の周囲にある畑の食糧をその町の中に納めさせた。
49Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nekuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa.
49ヨセフは穀物を海の砂のように、非常に多くたくわえ、量りきれなくなったので、ついに量ることをやめた。
50Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni.
50ききんの年の来る前にヨセフにふたりの子が生れた。これらはオンの祭司ポテペラの娘アセナテが産んだのである。
51Josefa akatumidza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, nekuti Mwari akandikangamwisa kutambudzika kwangu kose neimba yababa vangu yose.
51ヨセフは長子の名をマナセと名づけて言った、「神がわたしにすべての苦難と父の家のすべての事を忘れさせられた」。
52Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, nekuti Mwari akandiberekesa vana panyika yokutambudzika kwangu.
52また次の子の名をエフライムと名づけて言った、「神がわたしを悩みの地で豊かにせられた」。
53Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeEgipita, akapera.
53エジプトの国にあった七年の豊作が終り、
54Makore manomwe enzara akatanga kusvika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeEgipita pakanga pane zvokudya.
54ヨセフの言ったように七年のききんが始まった。そのききんはすべての国にあったが、エジプト全国には食物があった。
55Zvino vanhu vose veEgipita vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veEgipita, Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.
55やがてエジプト全国が飢えた時、民はパロに食物を叫び求めた。そこでパロはすべてのエジプトびとに言った、「ヨセフのもとに行き、彼の言うようにせよ」。
56Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaEgipita; nekuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeEgipita.
56ききんが地の全面にあったので、ヨセフはすべての穀倉を開いて、エジプトびとに売った。ききんはますますエジプトの国に激しくなった。ききんが全地に激しくなったので、諸国の人々がエジプトのヨセフのもとに穀物を買うためにきた。
57Vanhu venyika dzose vakaenda Egipita kuna Josefa kuzotenga zviyo; nekuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.
57ききんが全地に激しくなったので、諸国の人々がエジプトのヨセフのもとに穀物を買うためにきた。