1Zvino Jakove akaona kuti zviyo zvaiveko kuEgipita, Jakove akati kuvanakomana vake, Munotarirana neiko?
1ヤコブはエジプトに穀物があると知って、むすこたちに言った、「あなたがたはなぜ顔を見合わせているのですか」。
2Akati, Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuEgipita; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa.
2また言った、「エジプトに穀物があるということだが、あなたがたはそこへ下って行って、そこから、われわれのため穀物を買ってきなさい。そうすれば、われわれは生きながらえて、死を免れるであろう」。
3Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Egipita.
3そこでヨセフの十人の兄弟は穀物を買うためにエジプトへ下った。
4Asi Bhenjamini, munin'ina waJosefa, Jakove haana kumutuma navakoma vake; nekuti akati, Zvimwe angawirwa nenjodzi.
4しかし、ヤコブはヨセフの弟ベニヤミンを兄弟たちと一緒にやらなかった。彼が災に会うのを恐れたからである。
5Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani.
5こうしてイスラエルの子らは穀物を買おうと人々に交じってやってきた。カナンの地にききんがあったからである。
6Zvino Josefa aiva mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.
6ときにヨセフは国のつかさであって、国のすべての民に穀物を売ることをしていた。ヨセフの兄弟たちはきて、地にひれ伏し、彼を拝した。
7Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, Mabvepiko? Ivo vakati, Tabva kunyika yeKanani kuzotenga zvokudya.
7ヨセフは兄弟たちを見て、それと知ったが、彼らに向かっては知らぬ者のようにし、荒々しく語った。すなわち彼らに言った、「あなたがたはどこからきたのか」。彼らは答えた、「食糧を買うためにカナンの地からきました」。
8Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.
8ヨセフは、兄弟たちであるのを知っていたが、彼らはヨセフとは知らなかった。
9Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.
9ヨセフはかつて彼らについて見た夢を思い出して、彼らに言った、「あなたがたは回し者で、この国のすきをうかがうためにきたのです」。
10Ivo vakati kwaari, Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.
10彼らはヨセフに答えた、「いいえ、わが主よ、しもべらはただ食糧を買うためにきたのです。
11Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori;
11われわれは皆、ひとりの人の子で、真実な者です。しもべらは回し者ではありません」。
12iye akati kwavari, Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi.
12ヨセフは彼らに言った、「いや、あなたがたはこの国のすきをうかがうためにきたのです」。
13Ivo vakati, Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKanani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.
13彼らは言った、「しもべらは十二人兄弟で、カナンの地にいるひとりの人の子です。末の弟は今、父と一緒にいますが、他のひとりはいなくなりました」。
14Josefa akati kwavari, Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;
14ヨセフは彼らに言った、「わたしが言ったとおり、あなたがたは回し者です。
15hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana munin'ina wenyu worugotwe asina kuuya pano.
15あなたがたをこうしてためしてみよう。パロのいのちにかけて誓います。末の弟がここにこなければ、あなたがたはここを出ることはできません。
16Tumai mumwe wenyu kuti andotora munin'ina wenyu, asi imwi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.
16あなたがたのひとりをやって弟を連れてこさせなさい。それまであなたがたをつないでおいて、あなたがたに誠実があるかどうか、あなたがたの言葉をためしてみよう。パロのいのちにかけて誓います。あなたがたは確かに回し者です」。
17Ipapo akavaisa pamwechete vose mutirongo, kuti vachengetwe mazuva matatu.
17ヨセフは彼らをみな一緒に三日の間、監禁所に入れた。
18Josefa akati kwavari nezuva retatu, Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;
18三日目にヨセフは彼らに言った、「こうすればあなたがたは助かるでしょう。わたしは神を恐れます。
19kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanin'ina venyu ngaagare akasungwa mutirongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.
19もしあなたがたが真実な者なら、兄弟のひとりをあなたがたのいる監禁所に残し、あなたがたは穀物を携えて行って、家族の飢えを救いなさい。
20Mugouya nomunununa wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa. Vakaita saizvozvo.
20そして末の弟をわたしのもとに連れてきなさい。そうすればあなたがたの言葉のほんとうであることがわかって、死を免れるでしょう」。彼らはそのようにした。
21Vakataurirana vachiti, Zvirokwazvo tine mhosva nokuda komunin'ina wedu, nokuti takaona kutambudzika komweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika.
21彼らは互に言った、「確かにわれわれは弟の事で罪がある。彼がしきりに願った時、その心の苦しみを見ながら、われわれは聞き入れなかった。それでこの苦しみに会うのだ」。
22Ipapo Rubheni akapindura, akati, Handina kukuudzai here, ndichiti, Regai kutadzira mwana, mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.
22ルベンが彼らに答えて言った、「わたしはあなたがたに、この子供に罪を犯すなと言ったではないか。それにもかかわらず、あなたがたは聞き入れなかった。それで彼の血の報いを受けるのです」。
23Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nekuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.
23彼らはヨセフが聞きわけているのを知らなかった。相互の間に通訳者がいたからである。
24Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
24ヨセフは彼らを離れて行って泣き、また帰ってきて彼らと語り、そのひとりシメオンを捕えて、彼らの目の前で縛った。
25Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo.
25そしてヨセフは人々に命じて、彼らの袋に穀物を満たし、めいめいの銀を袋に返し、道中の食料を与えさせた。ヨセフはこのように彼らにした。
26Ipapo vakatakudza madhongi avo zviyo zvavo, vakaenda.
26彼らは穀物をろばに負わせてそこを去った。
27Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape dhongi rake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
27そのひとりが宿で、ろばに飼葉をやるため袋をあけて見ると、袋の口に自分の銀があった。
28Akati kuhama dzake, Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora moyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?
28彼は兄弟たちに言った、「わたしの銀は返してある。しかも見よ、それは袋の中にある」。そこで彼らは非常に驚き、互に震えながら言った、「神がわれわれにされたこのことは何事だろう」。
29Vakasvika kuna baba vavo panyika yeKanani, vakavaudza zvose zvakanga zvavawira;
29こうして彼らはカナンの地にいる父ヤコブのもとに帰り、その身に起った事をことごとく告げて言った、
30vakati, Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.
30「あの国の君は、われわれに荒々しく語り、国をうかがう回し者だと言いました。
31Tikati kwaari, Tiri vanhu vakatendeka, hatizi vashori;
31われわれは彼に答えました、『われわれは真実な者であって回し者ではない。
32tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mumwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKanani.
32われわれは十二人兄弟で、同じ父の子である。ひとりはいなくなり、末の弟は今父と共にカナンの地にいる』。
33Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.
33その国の君であるその人はわれわれに言いました、『わたしはこうしてあなたがたの真実な者であるのを知ろう。あなたがたは兄弟のひとりをわたしのもとに残し、穀物を携えて行って、家族の飢えを救いなさい。
34Mugouyazve kwandiri nomunin'ina wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munin'ina wenyu, mugotenga panyika ino.
34そして末の弟をわたしのもとに連れてきなさい。そうすればあなたがたが回し者ではなく、真実な者であるのを知って、あなたがたの兄弟を返し、この国であなたがたに取引させましょう』」。
35Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
35彼らが袋のものを出して見ると、めいめいの金包みが袋の中にあったので、彼らも父も金包みを見て恐れた。
36Zvino Jakove akati kwavari, Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haachipo, zvino moda kutora naBhenjaminiwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira.
36父ヤコブは彼らに言った、「あなたがたはわたしに子を失わせた。ヨセフはいなくなり、シメオンもいなくなった。今度はベニヤミンをも取り去る。これらはみなわたしの身にふりかかって来るのだ」。
37Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mumaoko angu, ini ndichauya nayezve kwamuri.
37ルベンは父に言った、「もしわたしが彼をあなたのもとに連れて帰らなかったら、わたしのふたりの子を殺してください。ただ彼をわたしの手にまかせてください。わたしはきっと、あなたのもとに彼を連れて帰ります」。ヤコブは言った、「わたしの子はあなたがたと共に下って行ってはならない。彼の兄は死に、ただひとり彼が残っているのだから。もしあなたがたの行く道で彼が災に会えば、あなたがたは、しらがのわたしを悲しんで陰府に下らせるであろう」。
38Vakati, Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nekuti mukoma wake wakafa, iye asiiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuguva nokuchema.
38ヤコブは言った、「わたしの子はあなたがたと共に下って行ってはならない。彼の兄は死に、ただひとり彼が残っているのだから。もしあなたがたの行く道で彼が災に会えば、あなたがたは、しらがのわたしを悲しんで陰府に下らせるであろう」。