1Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nekuti akati ndakarurama hangu.
1このようにヨブが自分の正しいことを主張したので、これら三人の者はヨブに答えるのをやめた。
2Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nekuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari.
2その時ラム族のブズびとバラケルの子エリフは怒りを起した。すなわちヨブが神よりも自分の正しいことを主張するので、彼はヨブに向かって怒りを起した。
3Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nekuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyange zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva.
3またヨブの三人の友がヨブを罪ありとしながら、答える言葉がなかったので、エリフは彼らにむかっても怒りを起した。
4Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nekuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero.
4エリフは彼らが皆、自分よりも年長者であったので、ヨブに物言うことをひかえて待っていたが、
5Zvino Erihu akati achiona kuti hapene mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo.
5ここにエリフは三人の口に答える言葉のないのを見て怒りを起した。
6Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, Ini ndiri muduku, asi imwi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.
6ブズびとバラケルの子エリフは答えて言った、「わたしは年若く、あなたがたは年老いている。それゆえ、わたしははばかって、わたしの意見を述べることをあえてしなかった。
7Ndakati, Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.
7わたしは思った、『日を重ねた者が語るべきだ、年を積んだ者が知恵を教えるべきだ』と。
8Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa.
8しかし人のうちには霊があり、全能者の息が人に悟りを与える。
9Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira.
9老いた者、必ずしも知恵があるのではなく、年とった者、必ずしも道理をわきまえるのではない。
10Saka ndakati, Chindinzwai; Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.
10ゆえにわたしは言う、『わたしに聞け、わたしもまたわが意見を述べよう』。
11Tarirai, ndakambomirira mashoko Ndakateerera kuti ndinzwe nharo dzenyu, Nguva yamakatsvaka zvamungataura.
11見よ、わたしはあなたがたの言葉に期待し、その知恵ある言葉に耳を傾け、あなたがたが言うべき言葉を捜し出すのを待っていた。
12Zvirokwazvo, ndakakucherekedzai, Asi tarirai, hakuna munhu akapwisa Jobho. Kana akapindura mashoko ake pakati penyu.
12わたしはあなたがたに心をとめたが、あなたがたのうちにヨブを言いふせる者はひとりもなく、また彼の言葉に答える者はひとりもなかった。
13Chenjerai, murege kuti, Takawana huchenjeri; Mwari ndiye angamukunda, asi munhu kwete.
13おそらくあなたがたは言うだろう、『われわれは知恵を見いだした、彼に勝つことのできるのは神だけで、人にはできない』と。
14Nekuti haana kutaura mashoko ake kwandiri; Neni handingamupinduri iye nokutaura kwenyu.
14彼はその言葉をわたしに向けて言わなかった。わたしはあなたがたの言葉をもって彼に答えることはしない。
15Vashamiswa, havachapinduri; Havachine shoko ravangataura.
15彼らは驚いて、もはや答えることをせず、彼らには、もはや言うべき言葉がない。
16Ko ini ndingamirira, zvavasingatauri ivo, Zvavanoramba vamire, vasina chavangapindura here?
16彼らは物言わず、立ちとどまって、もはや答えるところがないので、わたしはこれ以上待つ必要があろうか。
17Neniwo ndichapindura padzoro rangu, Neniwo ndichazivisa kufunga kwangu.
17わたしもまたわたしの分を答え、わたしの意見を述べよう。
18Nekuti ndizere namashoko; Mweya, uri mukati mangu, unondimanikidza.
18わたしには言葉が満ち、わたしのうちの霊がわたしに迫るからだ。
19Tarirai, mukati mangu makafanana newaini isina pokubuda napo; Zvakafanana nehombodo itsva dzinokaroparuka.
19見よ、わたしの心は口を開かないぶどう酒のように、新しいぶどう酒の皮袋のように、今にも張りさけようとしている。
20Ndichataura, kuti ndiremudzwe, Ndichashamisa miromo yangu ndipindure.
20わたしは語って、気を晴らし、くちびるを開いて答えよう。
21Ndirege hangu kutsaura munhu upi noupi; Uye handingatumidzi ani nani mazita anobata kumeso.
21わたしはだれをもかたより見ることなく、また何人とにもへつらうことをしない。わたしはへつらうことを知らないからだ。もしへつらうならば、わたしの造り主は直ちにわたしを滅ぼされるであろう。
22Nekuti handizivi kutumidza mazita anobata kumeso; Zvimwe Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.
22わたしはへつらうことを知らないからだ。もしへつらうならば、わたしの造り主は直ちにわたしを滅ぼされるであろう。