1Ndidzo nhaka dzakagamuchirwa navana vaIsiraeri panyika yeKanani, dzavakagoverwa nomupristi Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri.
1イスラエルの人々が、カナンの地で受けた嗣業の地は、次のとおりである。すなわち、祭司エレアザル、ヌンの子ヨシュア、およびイスラエルの人々の部族の首長たちが、これを彼らに分かち、
2Vakagoverwa nhaka yavo nemijenya, sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, nhaka yamarudzi mapfumbamwe nehafu.
2主がモーセによって命じられたように、くじによって、これを九つの部族と、半ばの部族とに、嗣業として与えた。
3nekuti Mozisi wakange apa marudzi maviri nehafu nhaka yavo mhiri kwaJoridhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo.
3これはヨルダンの向こう側で、モーセがすでに他の二つの部族と、半ばの部族とに、嗣業を与えていたからである。ただしレビびとには、彼らの中で嗣業を与えず、
4Nekuti vana vaJosefa vakange vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nefuma yavo.
4ヨセフの子孫が、マナセと、エフライムの二つの部族となったからである。レビびとには土地の分け前を与えず、ただ、その住むべき町々および、家畜と持ち物とを置くための放牧地を与えたばかりであった。
5Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakakamura nyika.
5イスラエルの人々は、主がモーセに命じられたようにおこなって、その地を分けた。
6Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi-bharinea.
6時に、ユダの人々がギルガルのヨシュアの所にきて、ケニズびとエフンネの子カレブが、ヨシュアに言った、「主がカデシ・バルネアで、あなたとわたしとについて、神の人モーセに言われたことを、あなたはごぞんじです。
7Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMozisi muranda waJehovha paKadheshi-bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini.
7主のしもべモーセが、この地を探るために、わたしをカデシ・バルネアからつかわした時、わたしは四十歳でした。そしてわたしは、自分の信ずるところを復命しました。
8Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza moyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wose.
8しかし、共に上って行った兄弟たちは、民の心をくじいてしまいましたが、わたしは全くわが神、主に従いました。
9Mozisi akapika nomusi uyo, akati, Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nekuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wako wose.
9その日モーセは誓って、言いました、『おまえの足で踏んだ地は、かならず長くおまえと子孫との嗣業となるであろう。おまえが全くわが神、主に従ったからである』。
10Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mozisi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu.
10主がこの言葉をモーセに語られた時からこのかた、イスラエルが荒野に歩んだ四十五年の間、主は言われたように、わたしを生きながらえさせてくださいました。わたしは今日すでに八十五歳ですが、
11Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMozisi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.
11今もなお、モーセがわたしをつかわした日のように、健やかです。わたしの今の力は、あの時の力に劣らず、どんな働きにも、戦いにも堪えることができます。
12Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nekuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.
12それで主があの日語られたこの山地を、どうか今、わたしにください。あの日あなたも聞いたように、そこにはアナキびとがいて、その町々は大きく堅固です。しかし、主がわたしと共におられて、わたしはついには、主が言われたように、彼らを追い払うことができるでしょう」。
13Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni, ive nhaka yake.
13そこでヨシュアはエフンネの子カレブを祝福し、ヘブロンを彼に与えて嗣業とさせた。
14Naizvozvo Hebhuroni rakazova nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, kusvikira nhasi; nekuti wakange atevera Jehovha Mwari waIsiraeri nomoyo wake wose.
14こうしてヘブロンは、ケニズびとエフンネの子カレブの嗣業となって、今日に至っている。彼が全くイスラエルの神、主に従ったからである。ヘブロンの名は、もとはキリアテ・アルバといった。アルバは、アナキびとのうちの、最も大いなる人であった。こうしてこの地に戦争はやんだ。
15Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati-aribha; iye Aribha wakange ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
15ヘブロンの名は、もとはキリアテ・アルバといった。アルバは、アナキびとのうちの、最も大いなる人であった。こうしてこの地に戦争はやんだ。