1Zvino Joshua akamuka mangwanani, vakabva Shitimi, vakasvika paJoridhani, iye navana vaIsiraeri vose; vakavatapo vasati vayambuka.
1ヨシュアは朝早く起き、イスラエルの人々すべてとともにシッテムを出立して、ヨルダンに行き、それを渡らずに、そこに宿った。
2Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa,
2三日の後、つかさたちは宿営の中を行き巡り、
3vakaraira vanhu, vachiti, Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapristi vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera.
3民に命じて言った、「レビびとである祭司たちが、あなたがたの神、主の契約の箱をかきあげるのを見るならば、あなたがたはその所を出立して、そのあとに従わなければならない。
4Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nekuti mugere kumbofamba nenzira iyi.
4そうすれば、あなたがたは行くべき道を知ることができるであろう。あなたがたは前にこの道をとおったことがないからである。しかし、あなたがたと箱との間には、おおよそ二千キュビトの距離をおかなければならない。それに近づいてはならない」。
5Zvino Joshua akati kuvanhu, Zvinatsei, nekuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu.
5ヨシュアはまた民に言った、「あなたがたは身を清めなさい。あす、主があなたがたのうちに不思議を行われるからである」。
6Joshua akataura navapristi, akati, Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka. Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu.
6ヨシュアは祭司たちに言った、「契約の箱をかき、民に先立って渡りなさい」。そこで彼らは契約の箱をかき、民に先立って進んだ。
7Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMozisi.
7主はヨシュアに言われた、「きょうからわたしはすべてのイスラエルの前にあなたを尊い者とするであろう。こうしてわたしがモーセと共にいたように、あなたとともにおることを彼らに知らせるであろう。
8Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, Kana masvika parutivi rwemvura yaJoridhani, munofanira kumira muJoridhani.
8あなたは契約の箱をかく祭司たちに命じて言わなければならない、『あなたがたは、ヨルダンの水ぎわへ行くと、すぐ、ヨルダンの中に立ちとどまらなければならない』」。
9Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.
9ヨシュアはイスラエルの人々に言った、「あなたがたはここに近づいて、あなたがたの神、主の言葉を聞きなさい」。
10Joshua akati, Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKanani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi.
10そしてヨシュアは言った、「生ける神があなたがたのうちにおいでになり、あなたがたの前から、カナンびと、ヘテびと、ヒビびと、ペリジびと、ギルガシびと、アモリびと、エブスびとを、必ず追い払われることを、次のことによって、あなたがたは知るであろう。
11Tarirai, areka yesungano yaIshe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Joridhani.
11ごらんなさい。全地の主の契約の箱は、あなたがたに先立ってヨルダンを渡ろうとしている。
12Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe.
12それゆえ、今、イスラエルの部族のうちから、部族ごとにひとりずつ、合わせて十二人を選びなさい。
13Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJoridhani, mvura yaJoridhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.
13全地の主なる神の箱をかく祭司たちの足の裏が、ヨルダンの水の中に踏みとどまる時、ヨルダンの水は流れをせきとめられ、上から流れくだる水はとどまって、うず高くなるであろう」。
14Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Joridhani, vapristi vaitakura areka vakatungamirira vanhu;
14こうして民はヨルダンを渡ろうとして天幕をいで立ち、祭司たちは契約の箱をかき、民に先立って行ったが、
15zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJoridhani, netsoka dzavapristi vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura (nokuti Joridhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,)
15箱をかく者がヨルダンにきて、箱をかく祭司たちの足が水ぎわにひたると同時に、――ヨルダンは刈入れの間中、岸一面にあふれるのであるが、――
16mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kure-kure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
16上から流れくだる水はとどまって、はるか遠くのザレタンのかたわらにある町アダムのあたりで、うず高く立ち、アラバの海すなわち塩の海の方に流れくだる水は全くせきとめられたので、民はエリコに向かって渡った。すべてのイスラエルが、かわいた地を渡って行く間、主の契約の箱をかく祭司たちは、ヨルダンの中のかわいた地に立っていた。そしてついに民はみなヨルダンを渡り終った。
17Vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJoridhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridhani.
17すべてのイスラエルが、かわいた地を渡って行く間、主の契約の箱をかく祭司たちは、ヨルダンの中のかわいた地に立っていた。そしてついに民はみなヨルダンを渡り終った。