1Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Joridhani, Jehovha akataura naJoshua, akati,
1民が皆、ヨルダンを渡り終った時、主はヨシュアに言われた、
2Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe;
2「民のうちから、部族ごとにひとりずつ、合わせて十二人を選び、
3ugovaraira, uchiti, Pano pakati paJoridhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyambuke nawo mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.
3彼らに命じて言いなさい、『ヨルダンの中で祭司たちが足を踏みとどめたその所から、石十二を取り、それを携えて渡り、今夜あなたがたが宿る場所にすえなさい』」。
4Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe,
4そこでヨシュアはイスラエルの人々のうちから、部族ごとに、ひとりずつ、かねて定めておいた十二人の者を召し寄せ、
5Joshua akati kwavari, Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJoridhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri.
5ヨシュアは彼らに言った、「あなたがたの神、主の契約の箱の前に立って行き、ヨルダンの中に進み入り、イスラエルの人々の部族の数にしたがって、おのおの石一つを取り上げ、肩にのせて運びなさい。
6Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, Mabwe awa anoti kudiniko?
6これはあなたがたのうちに、しるしとなるであろう。後の日になって、あなたがたの子どもたちが、『これらの石は、どうしたわけですか』と問うならば、
7imwi muti kwavari, nekuti mvura yaJoridhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Joridhani, mvura yaJoridhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.
7その時あなたがたは彼らに、むかしヨルダンの水が、主の契約の箱の前で、せきとめられたこと、すなわちその箱がヨルダンを渡った時、ヨルダンの水が、せきとめられたことを告げなければならない。こうして、それらの石は永久にイスラエルの人々の記念となるであろう」。
8Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJoridhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo.
8イスラエルの人々はヨシュアが命じたようにし、主がヨシュアに言われたように、イスラエルの人々の部族の数にしたがって、ヨルダンの中から十二の石を取り、それを携えて渡り、彼らの宿る場所へ行って、そこにすえた。
9Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJoridhani, pakanga pamire tsoka dzavapristi vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi.
9ヨシュアはまたヨルダンの中で、契約の箱をかく祭司たちが、足を踏みとどめた所に、十二の石を立てたが、今日まで、そこに残っている。
10Nekuti vapristi vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJoridhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMozisi; vanhu vakakurumidza kuyambuka.
10箱をかく祭司たちは、主がヨシュアに命じて、民に告げさせられた事が、すべて行われてしまうまで、ヨルダンの中に立っていた。すべてモーセがヨシュアに命じたとおりである。民は急いで渡った。
11Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapristi pamberi pavanhu.
11民がみな渡り終った時、主の箱と祭司たちとは、民の見る前で渡った。
12Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMozisi.
12ルベンの子孫とガドの子孫、およびマナセの部族の半ばは、モーセが彼らに命じていたように武装して、イスラエルの人々に先立って渡り、
13Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
13戦いのために武装したおおよそ四万の者が戦うため、主の前に渡って、エリコの平野に着いた。
14Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi pavaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mozisi mazuva ose oupenyu hwake.
14この日、主はイスラエルのすべての人の前にヨシュアを尊い者とされたので、彼らはみなモーセを敬ったように、ヨシュアを一生のあいだ敬った。
15Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati,
15主はヨシュアに言われた、
16Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJoridhani.
16「あかしの箱をかく祭司たちに命じて、ヨルダンから上がってこさせなさい」。
17Naizvozvo Joshua akaraira vapristi, akati, Kwirai, mubude mukati maJoridhani.
17ヨシュアは祭司たちに命じて言った、「ヨルダンから上がってきなさい」。
18Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJoridhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJoridhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.
18主の契約の箱をかく祭司たちはヨルダンの中から上がってきたが、祭司たちの足の裏がかわいた地にあがると同時に、ヨルダンの水はもとの所に流れかえって、以前のように、その岸にことごとくあふれた。
19Vanhu vakakwira vakabuda paJoridhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.
19民は正月の十日に、ヨルダンから上がってきて、エリコの東の境にあるギルガルに宿営した。
20Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJoridhani paGirigari.
20そしてヨシュアは、人々がヨルダンから取ってきた十二の石をギルガルに立て、
21Akataura navana vaIsiraeri, akati, Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, Mabwe awa anoti kudiniko?
21イスラエルの人々に言った、「後の日にあなたがたの子どもたちが、その父に『これらの石は、どうしたわけですか』とたずねたならば、
22imwi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, VaIsiraeri vakayambuka Joridhani urwu vachitsika pasi pakaoma.
22『むかしイスラエルがこのヨルダンを、かわいた地にされて渡ったのだ』と言って、その子どもたちに知らせなければならない。
23nekuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJoridhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;
23すなわちあなたがたの神、主はヨルダンの水を、あなたがたのために干しからして、あなたがたを渡らせてくださった。それはあたかも、あなたがたの神、主が、われわれのために紅海を干しからして、われわれを渡らせてくださったのと同じである。このようにされたのは、地のすべての民に、主の手に力のあることを知らせ、あなたがたの神、主をつねに恐れさせるためである」。
24kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
24このようにされたのは、地のすべての民に、主の手に力のあることを知らせ、あなたがたの神、主をつねに恐れさせるためである」。