1Zvino madzimambo ose avaAmori, akanga agere mhiri kwaJoridhani kumavirazuva, namadzimambo ose avaKanani, akanga agere pagungwa, akati achinzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yaJoridhani pamberi pavana vaIsiraeri, kusvikira tayambuka, moyo yavo ikavhunduka, vakasazova nomweya mukati mavo, nokuda kwavana vaIsiraeri.
1ヨルダンの向こう側、すなわち西の方におるアモリびとの王たちと、海べにおるカナンびとの王たちとは皆、主がイスラエルの人々の前で、ヨルダンの水を干しからして、彼らを渡らせられたと聞いて、イスラエルの人々のゆえに、心は消え、彼らのうちに、もはや元気もなくなった。
2Nenguva iyo Jehovha akati kuna Joshua, Uzviitire mapanga amabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsiraeri.
2その時、主はヨシュアに言われた、「火打石の小刀を造り、重ねてまたイスラエルの人々に割礼を行いなさい」。
3Joshua akazviitira mapanga amabwe anopinza, akadzingisa vana vaIsiraeri pachikomo chezvikanda zvapamberi.
3そこでヨシュアは火打石の小刀を造り、陽皮の丘で、イスラエルの人々に割礼を行った。
4Joshua akavadzingisa nemhaka iyi, nekuti vanhurume vose vakanga vabuda Egipita, ivo varume vehondo, vakanga vafira panzira murenje pakubuda kwavo Egipita.
4ヨシュアが人々に割礼を行った理由はこうである。エジプトから出てきた民のうちの、すべての男子、すなわち、いくさびとたちは皆、エジプトを出た後、途中、荒野で死んだが、
5nekuti vanhu vose vakabuda Egipita vakanga vadzingiswa; asi vanhu vose vakanga vaponerwa murenje panzira pakubuda kwavo Egipita, vakanga vasina kudzingiswa.
5その出てきた民は皆、割礼を受けた者であった。しかし、エジプトを出た後に、途中、荒野で生まれた民は、みな割礼を受けていなかった。
6nekuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Egipita, vaparadzwa, nekuti havana kuteerera inzwi raJehovha, Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.
6イスラエルの人々は四十年の間、荒野を歩いていて、そのエジプトから出てきた民、すなわち、いくさびとたちは、みな死に絶えた。これは彼らが主の声に聞き従わなかったので、主は彼らの先祖たちに誓って、われわれに与えると仰せられた地、乳と蜜の流れる地を、彼らに見させないと誓われたからである。
7Zvino vana vavo vaakanga amutsa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshua; nekuti vakanga vasina kudzingiswa, zvavakanga vasina kudzingiswa panzira.
7ヨシュアが割礼を行ったのは、この人々についで起されたその子どもたちであった。彼らは途中で割礼を受けていなかったので、無割礼の者であったからである。
8Zvino vakati vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora.
8すべての民に割礼を行うことが終ったので、民は宿営のうちの自分の所にとどまって傷の直るのを待った。
9Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Nhasi ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwamakazvidzwa nako navaEgipita. Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Girigari, kusvikira nhasi.
9その時、主はヨシュアに言われた、「きょう、わたしはエジプトのはずかしめを、あなたがたからころがし去った」。それでその所の名は、今日までギルガルと呼ばれている。
10Vana vaIsiraeri vakavaka misasa yavo paGirigari, vakadya Pasika pazuva regumi namana romwedzi madekwana, pamapani eJeriko.
10イスラエルの人々はギルガルに宿営していたが、その月の十四日の夕暮、エリコの平野で過越の祭を行った。
11Nomusi uyo, uri musi wakatevera Pasika, vakadya zvibereko zvenyika iyo, zvingwa zvisina kuviriswa pamwechete nehura dzakakangwa nomusi iwoyo.
11そして過越の祭の翌日、その地の穀物、すなわち種入れぬパンおよびいり麦を、その日に食べたが、
12mana*ikaguma nomusi wakatevera uyo wavakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana vaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKanani gore irero.
12その地の穀物を食べた翌日から、マナの降ることはやみ、イスラエルの人々は、もはやマナを獲なかった。その年はカナンの地の産物を食べた。
13Zvino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaona murume amire pakatarisana naye, akabata munondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; Joshua akenda kwaari, akati kwaari, Uri mumwe wedu here, kana wavavengi vedu?
13ヨシュアがエリコの近くにいたとき、目を上げて見ると、ひとりの人が抜き身のつるぎを手に持ち、こちらに向かって立っていたので、ヨシュアはその人のところへ行って言った、「あなたはわれわれを助けるのですか。それともわれわれの敵を助けるのですか」。
14Iye akati, Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha. Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?
14彼は言った、「いや、わたしは主の軍勢の将として今きたのだ」。ヨシュアは地にひれ伏し拝して言った、「わが主は何をしもべに告げようとされるのですか」。すると主の軍勢の将はヨシュアに言った、「あなたの足のくつを脱ぎなさい。あなたが立っている所は聖なる所である」。ヨシュアはそのようにした。
15Mukuru wehondo yaJehovha akati kuna Joshua, Bvisa shangu yako parutsoka rwako, nekuti paumire patsvene; Joshua akaita saizvozvo.
15すると主の軍勢の将はヨシュアに言った、「あなたの足のくつを脱ぎなさい。あなたが立っている所は聖なる所である」。ヨシュアはそのようにした。