1Zvino Samusoni wakaburukira Timuna, akaona paTimuna mukadzi pakati pavakunda vavaFirisitia.
1サムソンはテムナに下って行き、ペリシテびとの娘で、テムナに住むひとりの女を見た。
2Akakwira akandoudza baba vake namai vake, akati, Ndaona mukadzi paTimuna pakati pavakunda vavaFirisitia; naizvozvo zvino nditorerei iye, ave mukadzi wangu.
2彼は帰ってきて父母に言った、「わたしはペリシテびとの娘で、テムナに住むひとりの女を見ました。彼女をめとってわたしの妻にしてください」。
3Ipapo baba vake namai vake vakati kwaari, Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapano mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFirisitia vasina kudzingiswa? Samusoni akati kuna baba vake, Nditorerei iye, nekuti unondifadza kwazvo.
3父母は言った、「あなたが行って、割礼をうけないペリシテびとのうちから妻を迎えようとするのは、身内の娘たちのうちに、あるいはわたしたちのすべての民のうちに女がないためなのですか」。しかしサムソンは父に言った、「彼女をわたしにめとってください。彼女はわたしの心にかないますから」。
4Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti zvakanga zvichibva kuna Jehovha, nekuti wakange achitsvaka mhaka yokurwa navaFirisitia. Zvino nenguva iyo vaFirisitia vakanga vakabata Isiraeri.
4父母はこの事が主から出たものであることを知らなかった。サムソンはペリシテびとを攻めようと、おりをうかがっていたからである。そのころペリシテびとはイスラエルを治めていた。
5Zvino Samusoni wakaburukira Timuna nababa vake namai vake, vakasvika paminda yemizambiringa paTimuna; onei mwana weshumba ukamuombera.
5かくてサムソンは父母と共にテムナに下って行った。彼がテムナのぶどう畑に着くと、一頭の若いししがほえたけって彼に向かってきた。
6Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana, zvino wakange asina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake kana mai vake zvaakanga aita.
6時に主の霊が激しく彼に臨んだので、彼はあたかも子やぎを裂くようにそのししを裂いたが、手にはなんの武器も持っていなかった。しかしサムソンはそのしたことを父にも母にも告げなかった。
7Akaburuka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samusoni kwazvo.
7サムソンは下って行って女と話し合ったが、女はサムソンの心にかなった。
8Zvino nguva yakati yapfuura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoona chitunha cheshumba, ndokuona bumha renyuchi muchitunha cheshumba, nouchi.
8日がたって後、サムソンは彼女をめとろうとして帰ったが、道を転じて、かのししのしかばねを見ると、ししのからだに、はちの群れと、蜜があった。
9Akahutora namaoko ake, akaenda achidya; akasvika kuna baba vake namai vake, akavapa vakadyawo; asi haana kuvaudza kuti wakange abura uchi muchitunha cheshumba.
9彼はそれをかきあつめ、手にとって歩きながら食べ、父母のもとに帰って、彼らに与えたので、彼らもそれを食べた。しかし、ししのからだからその蜜をかきあつめたことは彼らに告げなかった。
10Baba vake vakaburukira kumukadzi, Samusoni akagadzirapo mutambo, nekuti majaya aisiita saizvozvo.
10そこで父が下って、女のもとに行ったので、サムソンはそこにふるまいを設けた。そうすることは花婿のならわしであったからである。
11Zvino vakati vachimuona, vakauya neshamwari dzina makumi matatu kuzova naye.
11人々はサムソンを見ると、三十人の客を連れてきて、同席させた。
12Samusoni akati kwavari, Nditaurirei chirabwe zvino; kana mukagona kundidudzira icho pamazuva manomwe omutambo, mukawana dudziro yacho, ini ndichakupai nguvo dzomucheka dzina makumi matatu nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu.
12サムソンは彼らに言った、「わたしはあなたがたに一つのなぞを出しましょう。あなたがたがもし七日のふるまいのうちにそれを解いて、わたしに告げることができたなら、わたしはあなたがたに亜麻の着物三十と、晴れ着三十をさしあげましょう。
13Asi kana musingagoni kundidudzira icho, imwi muchafanira kundipa nguvo dzomucheka dzina makumi matatu, nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu. Ivo vakati kwaari, Chitaura hako chirabwe, chako, tichinzwe.
13しかしあなたがたが、それをわたしに告げることができなければ、亜麻の着物三十と晴れ着三十をわたしにくれなければなりません」。彼らはサムソンに言った、「なぞを出しなさい。わたしたちはそれを聞きましょう」。
14Akati kwavari, Chokudya chakabuda kumudyi, Uye zvinotapira zvakabuda kuno une simba.Asi vakanga vasingagoni kududzira chirabwe icho namazuva matatu.
14サムソンは彼らに言った、「食らう者から食い物が出、強い者から甘い物が出た」。彼らは三日のあいだなぞを解くことができなかった。
15Zvino nezuva rechinomwe vakati kumukadzi waSamusoni, Nyengetedza murume wako, atidudzire chirabwe, tirege kukupisa nomoto, iwe naveimba yababa vako;
15四日目になって、彼らはサムソンの妻に言った、「あなたの夫を説きすすめて、なぞをわたしたちに明かすようにしてください。そうしなければ、わたしたちは火をつけてあなたとあなたの父の家を焼いてしまいます。あなたはわたしたちの物を取るために、わたしたちを招いたのですか」。
16Ipapo mukadzi waSamusoni wakachema kumurume wake, akati, Unondivenga hako, haundidi; wakataurira vana vavanhu vangu chirabwe, asi hauna kundiudza icho ini. Akati kwaari, Tarira, handina kuchiudza baba vangu kana mai vangu; zvino ndingakuudza icho iwe here?
16そこでサムソンの妻はサムソンの前に泣いて言った、「あなたはただわたしを憎むだけで、愛してくれません。あなたはわたしの国の人々になぞを出して、それをわたしに解き明かしませんでした」。サムソンは彼女に言った、「わたしは自分の父にも母にも解き明かさなかった。どうしてあなたに解き明かせよう」。
17Akaramba achichema kwaari mazuva manomwe panguva yomutambo; zvino nezuva rechinomwe akamuudza, nekuti wakamutambudza kwazvo; ipapo akandoudza vana vavanhu vake chirabwe icho.
17彼女は七日のふるまいの間、彼の前に泣いていたが、七日目になって、サムソンはついに彼女に解き明かした。ひどく彼に迫ったからである。そこで彼女はなぞを自分の国の人々にあかした。
18Nezuva rechinomwe zuva richigere kuvira, varume veguta vakati kwaari, Ko chinotapira kukunda uchi chinyi? Uye chine simba kukunda shumba chinyiko?Iye akati kwavari, Dai musina kurima netsiru rangu, Hamuzaiwana chirabwe changu.
18七日目になって、日の没する前に町の人々はサムソンに言った、「蜜より甘いものに何があろう。ししより強いものに何があろう」。サムソンは彼らに言った、「わたしの若い雌牛で耕さなかったなら、わたしのなぞは解けなかった」。
19Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru, akaburukira Ashikeroni, akauraya varume vana makumi matatu kwavari, akatora nguvo dzavo, akandopa vakadudzira chirabwe hanzu dzavo dzakanaka. Asi kutsamwa kwake kwakanga kwamutswa kwazvo, akadzokera kumba kwababa vake.
19この時、主の霊が激しくサムソンに臨んだので、サムソンはアシケロンに下って行って、その町の者三十人を殺し、彼らからはぎ取って、かのなぞを解いた人々に、その晴れ着を与え、激しく怒って父の家に帰った。サムソンの妻は花婿付添人であった客の妻となった。
20Asi mukadzi waSamusoni akapiwa shamwari yake, wakange amuperekedza.
20サムソンの妻は花婿付添人であった客の妻となった。