1Asi nguva duku yakati yapera, panguva yekukohwa gorosi, Samusoni akandoshanyira mukadzi wake, akabata mbudzana; akati, Ndinoda kupinda kumukadzi wangu mumba. Asi baba vake vakaramba kumutendera kupinda.
1日がたって後、麦刈の時にサムソンは子やぎを携えて妻をおとずれ、「へやにはいって、妻に会いましょう」と言ったが、妻の父ははいることを許さなかった。
2Baba vake vakati, Zvirokwazvo, ndakati wamuvenga kwazvo; saka ndakamupa shamwari yako. Ko munin'ina wake haamupfuuri nokunaka here? Mutore hake iye panzvimbo yake.
2そして父は言った、「あなたが確かに彼女をきらったに相違ないと思ったので、わたしは彼女をあなたの客であった者にやりました。彼女の妹は彼女よりもきれいではありませんか。どうぞ、彼女の代りに妹をめとってください」。
3Samusoni akati kwavari, Nguva ino handingavi nemhosva kuvaFirisitia, kana ndikavaitira zvakaipa.
3サムソンは彼らに言った、「今度はわたしがペリシテびとに害を加えても、彼らのことでは、わたしに罪がない」。
4Ipapo Samusoni akandobata makava ana mazana matatu, akatora mazhenje, akabatanidza miswe miviri-miviri, ndokuisa zhenje pakati pemiswe miviri.
4そこでサムソンは行って、きつね三百匹を捕え、たいまつをとり、尾と尾をあわせて、その二つの尾の間に一つのたいまつを結びつけ、
5Zvino akatungidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muzviyo zvavaFirisitia zvakanga zvaunganidzwa nezvakanga zvigere kukohwiwa, neminda yemizambiringa neyemiorivhi.
5たいまつに火をつけて、そのきつねをペリシテびとのまだ刈らない麦の中に放し入れ、そのたばね積んだものと、まだ刈らないものとを焼き、オリブ畑をも焼いた。
6Ipapo vaFirisitia vakati, Ndianiko waita izvozvo? Vakati, NdiSamusoni, mukwasha womuTimuna, nekuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamwari yake. Zvino vaFirisitia vakakwira, vakamupisa iye nomukadzi nababa vake nomoto.
6ペリシテびとは言った、「これはだれのしわざか」。人々は言った、「テムナびとの婿サムソンだ。そのしゅうとがサムソンの妻を取り返して、その客であった者に与えたからだ」。そこでペリシテびとは上ってきて彼女とその父の家を火で焼き払った。
7Samusoni akati kwavari, Kana mukaita saizvozvo, zvirokwazvo ndichakutsivai, pashure ndigorega.
7サムソンは彼らに言った、「あなたがたがそんなことをするならば、わたしはあなたがたに仕返しせずにはおかない」。
8Akavarova pazvidya nezviuno, akavauraya nokuuraya kukuru; akaburuka, akandogara pabako redombo reEtami.
8そしてサムソンは彼らを、さんざんに撃って大ぜい殺した。こうしてサムソンは下って行って、エタムの岩の裂け目に住んでいた。
9Zvino vaFirisitia vakakwira, vakandodzika matende avo paJudha, vakapararira muRehi.
9そこでペリシテびとは上ってきて、ユダに陣を取り、レヒを攻めたので、
10Varume vaJudha vakati, Makwirireiko kuzorwa nesu. Ivo vakati, Takwira kuzosunga Samusoni, timuitire sezvaakatiitira isu.
10ユダの人々は言った、「あなたがたはどうしてわれわれのところに攻めのぼってきたのですか」。彼らは言った、「われわれはサムソンを縛り、彼がわれわれにしたように、彼にするために上ってきたのです」。
11Ipapo varume vaJudha vakanga vane zviuru zvitatu vakaburukira kubako redombo reEtami, vakati kuna Samusoni, Hauzivi kuti vaFirisitia vabati vedu here? Chinyiko ichi chawatiitira? Akati kwavari, Sezvavakandiitira ini, ndizvo zvandakavaitirawo.
11そこでユダの人々三千人がエタムの岩の裂け目に下って行って、サムソンに言った、「ペリシテびとはわれわれの支配者であることをあなたは知らないのですか。あなたはどうしてわれわれにこんな事をしたのですか」。サムソンは彼らに言った、「彼らがわたしにしたように、わたしは彼らにしたのです」。
12Vakati kwaari, Isu taburukira kuno kuzokusunga, kuti tikuise mumaoko avaFirisitia. Samusoni akati kwavari, Pikai kwandiri, kuti imwi hamungandivambi mumene.
12彼らはまたサムソンに言った、「われわれはあなたを縛って、ペリシテびとの手にわたすために下ってきたのです」。サムソンは彼らに言った、「あなたがた自身はわたしを撃たないということを誓いなさい」。
13Vakataura naye, vakati, Kwete; asi tichakusunga, nokukuisa mumaoko avo; asi zvirokwazvo hatingakuurayi. Vakamusunga netambo mbiri itsva, vakakwira naye vachibva padombo.
13彼らはサムソンに言った、「いや、われわれはただ、あなたを縛って、ペリシテびとの手にわたすだけです。決してあなたを殺しません」。彼らは二本の新しい綱をもって彼を縛って、岩からひきあげた。
14Zvino wakati achisvika Rehi, vaFirisitia vakamupurudzira. Ipapo Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru; tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzikafanana noruchinda rwakatsva nomoto, zvisungo zvake zvikanyauka pamaoko ake.
14サムソンがレヒにきたとき、ペリシテびとは声をあげて、彼に近づいた。その時、主の霊が激しく彼に臨んだので、彼の腕にかかっていた綱は火に焼けた亜麻のようになって、そのなわめが手から解けて落ちた。
15Akawana rushaya rwembongoro, akatambanudza ruoko rwake, akarutora, ndokuuraya varume vana mazana ane gumi narwo.
15彼はろばの新しいあご骨一つを見つけたので、手を伸べて取り、それをもって一千人を打ち殺した。
16Ipapo Samusoni akati,Norushaya rwembongoro ndakauraya boka namapoka, Norushaya rwembongoro ndakauraya vana mazana ane gumi.
16そしてサムソンは言った、「ろばのあご骨をもって山また山を築き、ろばのあご骨をもって一千人を打ち殺した」。
17Zvino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakanga ruri muruoko rwake nzvimbo iyo ikanzi Ramafirehi.
17彼は言い終ると、その手からあご骨を投げすてた。これがためにその所は「あご骨の丘」と呼ばれた。
18Ipapo akanzwa nyota kwazvo, akachema kuna Jehovha, akati, Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa.
18時に彼はひどくかわきを覚えたので、主に呼ばわって言った、「あなたはしもべの手をもって、この大きな救を施されたのに、わたしは今、かわいて死に、割礼をうけないものの手に陥ろうとしています」。
19Asi Mwari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikabudapo; zvino wakati amwa, mweya wake ukadzokera maari, akaponazve; naizvozvo ipapo pakatumidzwa Enihakori, tsime riri paRehi kusvikira nhasi.
19そこで神はレヒにあるくぼんだ所を裂かれたので、そこから水が流れ出た。サムソンがそれを飲むと彼の霊はもとにかえって元気づいた。それでその名を「呼ばわった者の泉」と呼んだ。これは今日までレヒにある。サムソンはペリシテびとの時代に二十年の間イスラエルをさばいた。
20Iye akatonga vaIsiraeri makore makumi maviri pamazuva avaFirisitia.
20サムソンはペリシテびとの時代に二十年の間イスラエルをさばいた。