1Zvino namazuva iwayo kusina mambo pakati paIsiraeri, mumwe muRevhi waigara mberi kwenyika yamakomo yaEfuremu, akazvitorera mukadzi murongo paBheterehemu-judha.
1そのころ、イスラエルに王がなかった時、エフライムの山地の奥にひとりのレビびとが寄留していた。彼はユダのベツレヘムからひとりの女を迎えて、めかけとしていたが、
2Zvino murongo wake akafeva, akabva kwaari, akaenda kumba kwababa vake paBheterehemu-judha, akagarako mwedzi mina.
2そのめかけは怒って、彼のところを去り、ユダのベツレヘムの父の家に帰って、そこに四か月ばかり過ごした。
3Zvino murume wake akasimuka, akamutevera, ano muranda wake nembongoro mbiri, akataura zvakanaka naye, kuti amudzoserezve kwaari, iye mukadzi akamuisa kumba kwababa vake; zvino baba vomusikana vakati vachimuona, vakafara kusangana naye.
3そこで夫は彼女をなだめて連れ帰ろうと、しもべと二頭のろばを従え、立って彼女のあとを追って行った。彼が女の父の家に着いた時、娘の父は彼を見て、喜んで迎えた。
4Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakamwa, vakavatapo.
4娘の父であるしゅうとが引き留めたので、彼は三日共におり、みな飲み食いしてそこに宿った。
5Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukwasha wavo, Simbisa moyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu.
5四日目に彼らは朝はやく起き、彼が立ち去ろうとしたので、娘の父は婿に言った、「少し食事をして元気をつけ、それから出かけなさい」。
6Ipapo vakagara pasi, vakadya, vakamwa vose; baba vomusikana vakati kumurume, Tenda hako ugare usiku hwose, moyo wako ufare.
6そこでふたりは座して共に飲み食いしたが、娘の父はその人に言った、「どうぞもう一晩泊まって楽しく過ごしなさい」。
7Asi murume wakasimuka, achida kuziva; mukarahwa wake akamugombedzera, akavatapozve.
7その人は立って去ろうとしたが、しゅうとがしいたので、ついにまたそこに宿った。
8Nomusi weshanu akamuka mangwanani, achida kubva; baba vomusikana vakati, Simbisa moyo wako, ugare kusvikira zuva rovira; vakadya vose vari vaviri.
8五日目になって、朝はやく起きて去ろうとしたが、娘の父は言った、「どうぞ、元気をつけて、日が傾くまでとどまりなさい」。そこで彼らふたりは食事をした。
9Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, moyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.
9その人がついにめかけおよびしもべと共に去ろうとして立ちあがったとき、娘の父であるしゅうとは彼に言った、「日も暮れようとしている。どうぞもう一晩泊まりなさい。日は傾いた。ここに宿って楽しく過ごしなさい。そしてあしたの朝はやく起きて出立し、家に帰りなさい」。
10Asi murume wakaramba kuvatapo usiku uhwo, asi wakasimuka, akabva, ndokusvika pakatarisana neJebhusi (ndiro Jerusaremu); wakange ane mbongoro mbiri dzakanga dzakaiswa zvigaro; nomurongo wake wakange anaye.
10しかし、その人は泊まることを好まないので、立って去り、エブスすなわちエルサレムの向かいに着いた。くらをおいた二頭のろばと彼のめかけも一緒であった。
11Zvino vakati vasvika pedo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, Ngatitsaukire hedu kuguta iri ravaJebhusi, tivatemo.
11彼らがエブスに近づいたとき、日はすでに没したので、しもべは主人に言った、「さあ、われわれは道を転じてエブスびとのこの町にはいって、そこに宿りましょう」。
12Tenzi wake akati kwaari, Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana vaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhiya.
12主人は彼に言った、「われわれは道を転じて、イスラエルの人々の町でない外国人の町に、はいってはならない。ギベアまで行こう」。
13Akati kumuranda wake, Hendei, tiswedere kune imwe yenzvimbo idzi, tivate paGibhiya kana paRama.
13彼はまたしもべに言った、「さあ、われわれはギベアかラマか、そのうちの一つに着いてそこに宿ろう」。
14Ipapo vakapfuura parwendo rwavo, vakavirirwa pedo neGibhiya, raiva guta ravaBhenjamini.
14彼らは進んで行ったが、ベニヤミンに属するギベアの近くで日が暮れたので、
15Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhiya akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nekuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make.
15ギベアへ行って宿ろうと、そこに道を転じ、町にはいって、その広場に座した。だれも彼らを家に迎えて泊めてくれる者がなかったからである。
16Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakange ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhiya; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini.
16時にひとりの老人が夕暮に畑の仕事から帰ってきた。この人はエフライムの山地の者で、ギベアに寄留していたのである。ただしこの所の人々はベニヤミンびとであった。
17Iye akatarira, akaona murume uyu mufambi ari munzira yomuguta; mutana akati, Ko unoendepi? Uye, unobvepiko?
17彼は目をあげて、町の広場に旅人のおるのを見た。老人は言った、「あなたはどこへ行かれるのですか。どこからおいでになりましたか」。
18Iye akati kwaari, Tinobva Bheterehemu-judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bheterehemu-judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make.
18その人は言った、「われわれはユダのベツレヘムから、エフライムの山地の奥へ行くものです。わたしはあそこの者で、ユダのベツレヘムへ行き、今わたしの家に帰るところですが、だれもわたしを家に泊めてくれる者がありません。
19Kunyange zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaikwa.
19われわれには、ろばのわらも飼葉もあり、またわたしと、はしためと、しもべと共にいる若者との食物も酒もあって、何も欠けているものはありません」。
20Zvino mutana akati, Farao hako, zvose zvawaishaiwa, ini ndichakupa; asi usavata munzira yomuguta.
20老人は言った、「安心しなさい。あなたの必要なものはなんでも備えましょう。ただ広場で夜を過ごしてはなりません」。
21ipapo akavaisa mumba make, akapa mbongoro zvokudya; vakashambidza tsoka dzavo, vakadya nokumwa.
21そして彼を家に連れていって、ろばに飼葉を与えた。彼らは足を洗って飲み食いした。
22Zvino vakati vofara pamoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive.
22彼らが楽しく過ごしていた時、町の人々の悪い者どもがその家を取り囲み、戸を打ちたたいて、家のあるじである老人に言った、「あなたの家にきた人を出しなさい。われわれはその者を知るであろう」。
23Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nekuti murume uyu wakapinda mumba mangu.
23しかし家のあるじは彼らのところに出ていって言った、「いいえ、兄弟たちよ、どうぞ、そんな悪いことをしないでください。この人はすでにわたしの家にはいったのだから、そんなつまらない事をしないでください。
24Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda, asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai.
24ここに処女であるわたしの娘と、この人のめかけがいます。今それを出しますから、それをはずかしめ、あなたがたの好きなようにしなさい。しかしこの人にはそのようなつまらない事をしないでください」。
25Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega koedza.
25しかし人々が聞きいれなかったので、その人は自分のめかけをとって彼らのところに出した。彼らはその女を犯して朝まで終夜はずかしめ、日ののぼるころになって放し帰らせた。
26Zvino mukadzi akauya koedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo.
26朝になって女は自分の主人を宿してくれた人の家の戸口にきて倒れ伏し、夜のあけるまでに及んだ。
27Zvino ishe wake wakamuka mangwanani, akazarura mikova yeimba, akabuda, achida kupfuura parwendo rwake; akawana mukadzi, iye murongo wake, akawira pasi pamukova weimba, maoko ake ari pachikumbaridzo.
27彼女の主人は朝起きて家の戸を開き、出て旅立とうとすると、そのめかけである女が家の戸口に、手を敷居にかけて倒れていた。
28Akati kwaari, Simuka, tiende; asi hakuna wakapindura; ipapo akamuisa pambongoro yake, murume akasimuka, akaenda kumba kwake.
28彼は女に向かって、「起きよ、行こう」と言ったけれども、なんの答もなかった。そこでその人は女をろばに乗せ、立って自分の家におもむいたが、
29Wakati asvika kumba kwake, akatora banga, akabata murongo wake, akadimuranya mitezo yake, akaita nhindi dzine gumi nembiri, akadzituma munyika yose yavaIsiraeri.
29その家に着いたとき、刀を執り、めかけを捕えて、そのからだを十二切れに断ち切り、それをイスラエルの全領域にあまねく送った。それを見たものはみな言った、「イスラエルの人々がエジプトの地から上ってきた日から今日まで、このような事は起ったこともなく、また見たこともない。この事をよく考え、協議して言うことを決めよ」。
30Zvino vose vakati vachizviona, vakati, Chinguva vana vaIsiraeri vakakwira vachibva panyika yeEgipita, kusvikira zuva ranhasi, hakune chinhu chakadai chakaitwa kana chakaonekwa; rangarirai izvozvo, murangane mutaure.
30それを見たものはみな言った、「イスラエルの人々がエジプトの地から上ってきた日から今日まで、このような事は起ったこともなく、また見たこともない。この事をよく考え、協議して言うことを決めよ」。