1Zvino vana vaIsiraeri vose vakabuda, ungano yose ikaungana nomoyo mumwe kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, pamwechete nenyika yeGiriyadhi, kuna Jehovha paMizipa.
1そこでイスラエルの人々は、ダンからベエルシバまで、またギレアデの地からもみな出てきて、その会衆はひとりのようにミヅパで主のもとに集まった。
2Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose avaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.
2民の首領たち、すなわちイスラエルのすべての部族の首領たちは、みずから神の民の集合に出た。つるぎを帯びている歩兵が四十万人あった。
3(Zvino vana vaBhenjamini vakanga vanzwa kuti vaIsiraeri vakwira Mizipa.) Vana vaIsiraeri vakati, Tiudzei kuti zvakashata izvi zvakaitwa sei?
3ベニヤミンの人々は、イスラエルの人々がミヅパに上ったことを聞いた。イスラエルの人々は言った、「どうして、この悪事が起ったのか、われわれに話してください」。
4Zvino muRevhi, murume womukadzi wakange aurawa, akapindura, akati, Ndakanga ndasvika paGibhiya ravaBhenjamini ndinomurongo wangu, kuti tavatepo.
4殺された女の夫であるレビびとは答えて言った、「わたしは、めかけと一緒にベニヤミンに属するギベアへ行って宿りましたが、
5Varume veGibhiya vakandimukira, vakakomba imba usiku kuzorwa neni, vakanga vachida kundiuraya ini, uye murongo wangu vakamuchinya, akafa.
5ギベアの人々は立ってわたしを攻め、夜の間に、わたしのおる家を取り囲んで、わたしを殺そうと企て、ついにわたしのめかけをはずかしめて、死なせました。
6Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nekuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.
6それでわたしはめかけを捕えて断ち切り、それをイスラエルの嗣業のすべての地方にあまねく送りました。彼らがイスラエルにおいて憎むべきみだらなことを行ったからです。
7Tarirai, imwi vana vaIsiraeri, imwi mose, mutipei zano nomurangariro wenyu pano.
7イスラエルの人々よ、あなたがたは皆自分の意見と考えをここに述べてください」。
8Ipapo vanhu vose vakasimuka nomoyo mumwe, vakati, Hakuna mumwe wedu ungaenda kutende rake, hakuna mumwe wedu ungadzokera kumba kwake.
8民は皆ひとりのように立って言った、「われわれはだれも自分の天幕に行きません。まただれも自分の家に帰りません。
9Asi tichaitira vanhu veGibhiya chinhu ichi: Tichandorwa navo, sezvatinoratidzwa nemijenya.
9われわれが今ギベアに対してしようとする事はこれです。われわれはくじを引いて、ギベアに攻めのぼりましょう。
10Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose avalsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhiya ravaBhenjamini vavaitire zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri.
10すなわちイスラエルのすべての部族から百人について十人、千人について百人、万人について千人を選んで、民の糧食をとらせ、民はベニヤミンのギベアに行って、ベニヤミンびとがイスラエルにおいておこなったすべてのみだらな事に対して、報復しましょう」。
11Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakaungana paguta vano moyo mumwe.
11こうしてイスラエルの人々は皆集まり、一致結束して町を攻めようとした。
12Zvino marudzi avalsiraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vakati, Izvi zvakashata zvakaitwa pakati penyu ndezveiko?
12イスラエルのもろもろの部族は人々をあまねくベニヤミンの部族のうちにつかわして言わせた、「あなたがたのうちに起ったこの事は、なんたる悪事でしょうか。
13Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhiya, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri, asi vana vaBhenjamini vakaramba kuteerera inzwi rehama dzavo, ivo vana vaIsiraeri.
13それで今ギベアにいるあの悪い人々をわたしなさい。われわれは彼らを殺して、イスラエルから悪を除き去りましょう」。しかしベニヤミンの人々はその兄弟であるイスラエルの人々の言葉を聞きいれなかった。
14Vana vaBhenjamini vakabva kumaguta vakaungana paGibhiya, kuti varwe navana vaIsiraeri.
14かえってベニヤミンの人々は町々からギベアに集まり、出てイスラエルの人々と戦おうとした。
15Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhiya havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.
15その日、町々から集まったベニヤミンの人々はつるぎを帯びている者二万六千人あり、ほかにギベアの住民で集まった精兵が七百人あった。
16Pakati pavanhu ava vose kwakanga kuna varume vana mazana manomwe vakasanangurwa, vakanga vane zviboshwe; mumwe nomumwe wavo waigona kurova ruvhudzi nebwe asingaposhi.
16このすべての民のうちに左ききの精兵が七百人あって、いずれも一本の毛すじをねらって石を投げても、はずれることがなかった。
17Zvino varume vaIsiraeri, kunze kwavaBhenjamini, vakaverengwa, vakasvika varume vane zviuru zvina mazana mana, vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varwi.
17イスラエルの人々の集まった者はベニヤミンを除いて、つるぎを帯びている者四十万人あり、いずれも軍人であった。
18Vana vaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini? Jehovha akati, Judha ndiye anofanira kutanga.
18イスラエルの人々は立ちあがってベテルにのぼり、神に尋ねた、「われわれのうち、いずれがさきにのぼって、ベニヤミンの人々と戦いましょうか」。主は言われた、「ユダがさきに」。
19Zvino vana vaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhiya.
19そこでイスラエルの人々は、朝起きて、ギベアに対し陣を取った。
20Varume vaIsiraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini; varume vaIsiraeri vakarongedza hondo kuzorwa navo paGibhiya.
20すなわちイスラエルの人々はベニヤミンと戦うために出て行って、ギベアで彼らに対して戦いの備えをしたが、
21Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhiya, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume vaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
21ベニヤミンの人々はギベアから出てきて、その日イスラエルの人々のうち二万二千人を地に撃ち倒した。
22Ipapo vanhu, varume vaIsiraeri, vakazvisimbisa, vakarongedzazve hondo pavakanga vairongedza nezuva rokutanga.
22しかしイスラエルの民の人々は奮いたって初めの日に備えをした所にふたたび戦いの備えをした。
23(Vana vaIsiraeri vakakwira, vakandochema kuna Jehovha kusvikira madekwana; vakabvunza Jehovha, vakati, Tinofanira kuswederazve kundorwa nehama dzedu, vana vaBhenjamini, here? Jehovha akati kwavari, Kwirai, mundorwa navo.)
23そしてイスラエルの人々は上って行って主の前に夕暮まで泣き、主に尋ねた、「われわれは再びわれわれの兄弟であるベニヤミンの人々と戦いを交えるべきでしょうか」。主は言われた、「攻めのぼれ」。
24Zvino vana vaIsiraeri vakaswedera kuzorwa navana vaBhenjamini nezuva repiri.
24そこでイスラエルの人々は、次の日またベニヤミンの人々の所に攻めよせたが、
25VaBhenjamini vakabuda paGibhiya kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana vaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
25ベニヤミンは次の日またギベアから出て、これを迎え、ふたたびイスラエルの人々のうち一万八千人を地に撃ち倒した。これらは皆つるぎを帯びている者であった。
26Zvino vana vaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBhei-teri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakatsanya zuva iro kusvikira madekwana, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.
26これがためにイスラエルのすべての人々すなわち全軍はベテルに上って行って泣き、その所で主の前に座して、その日夕暮まで断食し、燔祭と酬恩祭を主の前にささげた。
27Vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha (nokuti areka yesungano yaMwari yakanga iripo pamazuva iwayo.
27そしてイスラエルの人々は主に尋ね、――そのころ神の契約の箱はそこにあって、
28NaPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here? Jehovha akati, Kwirai, nekuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.
28アロンの子エレアザルの子であるピネハスが、それに仕えていた――そして言った、「われわれはなおふたたび出て、われわれの兄弟であるベニヤミンの人々と戦うべきでしょうか。あるいはやめるべきでしょうか」。主は言われた、「のぼれ。わたしはあす彼らをあなたがたの手にわたすであろう」。
29Valsiraeri vakaisa vanhu kuvandira Gibhiya kunhivi dzose.
29そこでイスラエルはギベアの周囲に伏兵を置き、
30Vana vaIsiraeri vakandorwa navana vaBhenjamini nezuva retatu, vakazvirongedza kundorwa neGibhiya sapane dzimwe nguva.
30そしてイスラエルの人々は三日目にまたベニヤミンの人々のところに攻めのぼり、前のようにギベアに対して備えをした。
31Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti-eri, neimwe Gibhiya, kusango, vakauraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu.
31ベニヤミンの人々は出て、民を迎えたが、ついに町からおびき出されたので、彼らは前のように大路で民を撃ちはじめ、また野でイスラエルの人を三十人ばかり殺した。その大路は、一つはベテルに至り、一つはギベアに至るものであった。
32Zvino vana vaBhenjamini vakati, Vakundwa nesu sapakutanga. Asi vaIsiraeri vakati, Ngatitize, tivanyengere vabude kunzira huru dziri kure neguta.
32ベニヤミンの人々は言った、「彼らは初めのように、われわれの前に撃ち破られる」。しかしイスラエルの人々は言った、「われわれは逃げて、彼らを町から大路におびき出そう」。
33Varume vose vaIsiraeri vakasimuka kwavakanga vari, vakazvirongedza paBhaari-tamari; uye vaIsiraeri, vakanga vakavandira, vakakurumidza kubuda kwavakanga vari, paMaare-gebha;
33そしてイスラエルの人々は皆その所から立ってバアル・タマルに備えをした。その間に待ち伏せていたイスラエルの人々がその所から、すなわちゲバの西から現れ出た。
34vakabuda pakatarisana neGibhiya vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati pavaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedo.
34すなわちイスラエルの全軍のうちから精兵一万人がきて、ギベアを襲い、その戦いは激しかった。しかしベニヤミンの人々は災の自分たちに迫っているのを知らなかった。
35Zvino Jehovha akaparadza Bhenjamini pamberi paIsiraeri, vana vaIsiraeri vakaparadza nomusi iwoyo varume vaBhenjamini vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvishanu nezana rimwe; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
35主がイスラエルの前にベニヤミンを撃ち敗られたので、イスラエルの人々は、その日ベニヤミンびと二万五千一百人を殺した。これらは皆つるぎを帯びている者であった。
36Ipapo vana vaBhenjamini vakaona kuti vakundwa; nekuti varume vaIsiraeri vakatiza pamberi paBhenjamini, nekuti vakanga vachivimba navanhu vakanga vaiswa kuvandira paGibhiya.
36こうしてベニヤミンの人々は自分たちの撃ち敗られたのを見た。そこでイスラエルの人々はギベアに対して設けた伏兵をたのんで、ベニヤミンびとを避けて退いた。
37Zvino vavandiri vakakurumidza, vakamhanyira Gibhiya; vavandiri vakapfuura, vakaparadza guta rose neminondo inopinza.
37伏兵は急いでギベアに突き入り、進んでつるぎをもって町をことごとく撃った。
38Zvino varume valsiraeri navavandiri vakanga vatenderana pamusoro pechiratidzo, kuti vachamutsa gore guru routsi rinobva muguta.
38イスラエルの人々と伏兵の間に定めた合図は、町から大いなるのろしがあがるとき、
39Varume vaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu; nekuti vakati, Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kokutanga.
39イスラエルの人々が戦いに転じることであった。さてベニヤミンは初めイスラエルの人々を撃って三十人ばかりを殺したので言った、「まことに彼らは最初の戦いのようにわれわれの前に撃ち敗られる」。
40Asi gore rakati rotanga kukwira richibva muguta, seshongwe youtsi, vaBhenjamini vakacheuka, vakaona guta rose richipfungairira kudenga.
40しかし、のろしが煙の柱となって町からのぼりはじめたので、ベニヤミンの人々がうしろを見ると、町はみな煙となって天にのぼっていた。
41Varume vaIsiraeri vakadzoka, varume vaBhenjamini vakavhunduswa, nekuti vakaona kuti vawirwa nenjodzi.
41その時イスラエルの人々が向きを変えたので、ベニヤミンの人々は災が自分たちに迫ったのを見て、うろたえ、
42Ipapo vakatiza pamberi pavarume vaIsiraeri, vakamhanya nenzira inoenda kurenje; asi hondo yakavatevera, uye vakanga vachibva mumaguta vakavauraya pakati pawo.
42イスラエルの人々の前から身をめぐらして荒野の方に向かったが、戦いが彼らに追い迫り、町から出てきた者どもは、彼らを中にはさんで殺した。
43Vakakomba vaBhenjamini kunhivi dzose, vakavadzinga ndokuvabata pavakazorora kusvikira pakatarisana neGibhiya kumabvazuva.
43すなわちイスラエルの人々はベニヤミンの人々を切り倒し、追い撃ち、踏みにじって、ノハから東の方ギベアの向かいにまで及んだ。
44Vane zviuru zvine gumi nezvisere vaBhenjamini vakaurawa; avo vose vakanga vari varume voumhare.
44ベニヤミンの倒れた者は一万八千人で、みな勇士であった。
45Vakatendeuka, ndokutizira kurenje kudombo reRimoni; vakauraya vamwe vavo panzira huru varume vane zviuru zvishanu; vakavatevera kusvikira paGidhomi, vakauraya pakati pavo varume vane zviuru zviviri.
45彼らは身をめぐらして荒野の方、リンモンの岩まで逃げたが、イスラエルの人々は大路でそのうち五千人を切り倒し、なおも追撃してギドムに至り、そのうちの二千人を殺した。
46Naizvozvo varume vaBhenjamini, vakaurawa nezuva iro, vakanga vane zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, varume vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varume voumhare.
46こうしてその日ベニヤミンの倒れた者はつるぎを帯びている者合わせて二万五千人で、みな勇士であった。
47Asi varume vana mazana matanhatu vakatendeuka, vakatizira kurenje padombo reRimoni, vakagara padombo reRimoni mwedzi mina.
47しかし六百人の者は身をめぐらして荒野の方、リンモンの岩まで逃げて、四か月の間リンモンの岩に住んだ。そこでイスラエルの人々はまた身をかえしてベニヤミンの人々を攻め、つるぎをもって人も獣もすべて見つけたものを撃ち殺し、また見つけたすべての町に火をかけた。
48Varume vaIsiraeri vakadzokerazve kuvana vaBhenjamini, vakavauraya neminondo inopinza, guta rose, nemombe, nezvose zvavakawanapo; vakapisawo maguta ose avakawana.
48そこでイスラエルの人々はまた身をかえしてベニヤミンの人々を攻め、つるぎをもって人も獣もすべて見つけたものを撃ち殺し、また見つけたすべての町に火をかけた。