1Zvino varume vaIsiraeri vakanga vapika paMizipa, vachiti, Hakuna mumwe wedu uchapa muBhenjamini mukunda wake, kuti ave mukadzi wake.
1かつてイスラエルの人々はミヅパで、「われわれのうちひとりもその娘をベニヤミンびとの妻として与える者があってはならない」と言って誓ったので、
2Vanhu vakasvika paBheti-eri, vakagarapo pamberi paMwari kusvikira madekwana; vakachema kwazvo.
2民はベテルに行って、そこで夕暮まで神の前に座し、声をあげて激しく泣いて、
3Vakati, Jehovha,Mwari waIsiraeri, chinhu ichi chakaitirweiko pakati paIsiraeri, kuti nhasi rumwe rudzi rushaikwe pakati paIsiraeri?
3言った、「イスラエルの神、主よ、どうしてイスラエルにこのような事が起って、今日イスラエルに一つの部族が欠けるようになったのですか」。
4Zvino fume mangwana vanhu vakamuka mangwanani, vakavakapo atari, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.
4翌日、民は早く起きて、そこに祭壇を築き、燔祭と酬恩祭をささげた。
5Ipapo vana vaIsiraeri vakati, Ndianiko pakati pamarudzi ose aIsiraeri vasina kukwira kuungano yaJehovha? nekuti vakanga vapika nokupika kukuru pamusoro pomunhu usina kukwira kuna Jehovha paMizipa, vachiti, Zvirokwazvo, anofanira kuurawa.
5そしてイスラエルの人々は言った、「イスラエルのすべての部族のうちで集会に上って、主のもとに行かなかった者はだれか」。これは彼らがミヅパにのぼって、主のもとに行かない者のことについて大いなる誓いを立てて、「その人は必ず殺されなければならない」と言ったからである。
6Zvino vana vaIsiraeri vakazvidemba pamusoro pavaBhenjamini, hama dzavo, vakati, Nhasi rumwe rudzi rwagurwa pakati pavaIsiraeri.
6しかしイスラエルの人々は兄弟ベニヤミンをあわれんで言った、「今日イスラエルに一つの部族が絶えた。
7Tichadiniko kuti tiwanire vakasara vakadzi, zvatakapika naJehovha, kuti hatingavapi vakunda vedu vave vakadzi vavo?
7われわれは主をさして、われわれの娘を彼らに妻として与えないと誓ったので、かの残った者どもに妻をめとらせるにはどうしたらよいであろうか」。
8Vakati, Ndianiko pamarudzi aIsiraeri usina kukwira kuna Jehovha paMizipa? Onei, kwakanga kusina munhu wakabva Jabheshi-Giriyadhi wakakwira kumisasa kuungano.
8彼らはまた言った、「イスラエルの部族のうちで、ミヅパにのぼって主のもとに行かなかったのはどの部族か」。ところがヤベシ・ギレアデからはひとりも陣営にきて集会に臨んだ者がなかった。
9nekuti vanhu vakati vachiverengwa, onei kwakanga kusina munhu wavagere Jabheshi-Giriyadhi ipapo.
9すなわち民を集めて見ると、ヤベシ・ギレアデの住民はひとりもそこにいなかった。
10Zvino ungano ikatumirako varume voumhare kwazvo vane zviuru zvine gumi nezviviri, vakavaraira vachiti, Endai mundouraya vagere Jabheshi-Giriyadhi neminondo inopinza, pamwechete navakadzi navana.
10そこで会衆は勇士一万二千人をかしこにつかわし、これに命じて言った、「ヤベシ・ギレアデに行って、その住民を、女、子供もろともつるぎをもって撃て。
11Munofanira kuitawo chinhu ichi: Munofanira kuparadza chose varume vose, nomukadzi mumwe nomumwe wakambovata nomurume.
11そしてこのようにしなければならない。すなわち男および男と寝た女はことごとく滅ぼさなければならない」。
12Zvino vakandowana kuna vagere Jabheshi-Giriyadhi mhandara dzina mazana mana, vasina kumbovata nomurume; vakauya navo kumisasa paShiro munyika yeKanani.
12こうして彼らはヤベシ・ギレアデの住民のうちで四百人の若い処女を獲た。これはまだ男と寝たことがなく、男を知らない者である。彼らはこれをカナンの地にあるシロの陣営に連れてきた。
13Zvino ungano yose yakatuma nhume kundotaurirana navana vaBhenjamini vakanga vari padombo reRimoni, vakavaparidzira rugare.
13そこで全会衆は人をつかわして、リンモンの岩におるベニヤミンの人々に平和を告げた。
14Nenguva iyo vaBhenjamini vakadzoka; vakavapa vakadzi vavakanga vachengeta vari vapenyu pavakadzi veJabheshi-Giriyadhi; asi havana kuvaringana.
14ベニヤミンの人々がその時、帰ってきたので、彼らはヤベシ・ギレアデの女のうちから生かしておいた女をこれに与えたが、なお足りなかった。
15Vanhu vakazvidemba pamusoro pavaBhenjamini, nekuti Jehovha wakange aparadza vamwe pakati pamarudzi avaIsiraeri.
15こうして民は、主がイスラエルの部族のうちに欠陥をつくられたことのために、ベニヤミンをあわれんだ。
16Ipapo vakuru veungano vakati, Tichadiniko kuti tiwanire vakasara vakadzi, vakadzi zvavaparadzwa pakati pavaBhenj amini?
16会衆の長老たちは言った、「ベニヤミンの女が絶えたので、かの残りの者どもに妻をめとらせるにはどうしたらよいでしょうか」。
17Vakati, VaBhenjamini vakapukunyuka vanofanira kuva nenhaka yavo, kuti rudzi rumwe rurege kurova pakati pavaIsiraeri.
17彼らはまた言った、「イスラエルから一つの部族が消えうせないためにベニヤミンのうちの残りの者どもに、あとつぎがなければならない。
18Asi hatingavapi vakunda vedu, vave vakadzi vavo; nekuti vana vaIsiraeri vakanga vapika, vachiti, Munhu unopa vaBhenjamini mukadzi ngaatukwe.
18しかし、われわれの娘を彼らの妻に与えることはできない。イスラエルの人々が『ベニヤミンに妻を与える者はのろわれる』と言って誓ったからである」。
19Vakati: Gore rimwe nerimwe kune mutambo waJehovha paShiro, kurutivi rwekumusoro kweBheti-eri, kumabvazuva enzira huru inobva Bheti-eri ichikwira Shekemu, nezasi kweRebhona.
19それで彼らは言った、「年々シロに主の祭がある」。シロはベテルの北にあって、ベテルからシケムにのぼる大路の東、レバナの南にある。
20Vakaraira vana vaBhenjamini, vachiti, Endai, mundovandira muminda yemizambiringa;
20そして彼らはベニヤミンの人々に命じて言った、「あなたがたは行って、ぶどう畑に待ち伏せして、
21mutarire, muone kana vakunda veShiro vachibuda kuzotamba; zvino mubude paminda yenyu yemizambiringa, murume mumwe nomumwe agozvitorera mukadzi pakati pavakunda veShiro, muende kunyika yavaBhenjamini.
21うかがいなさい。もしシロの娘たちが踊りを踊りに出てきたならば、ぶどう畑から出て、シロの娘たちのうちから、めいめい自分の妻をとって、ベニヤミンの地に連れて行きなさい。
22Zvino kana madzibaba avo kana hama dzavo vachiuya kuzovakwirira kwatiri, isu tichati kwavari, Chitipai henyu ivavo zvakanaka, nekuti hatina kuvatapira vose vakadzi pakurwa; nemiwo hamuna kuvapa ivo, mungadai mune mhosva.
22もしその父あるいは兄弟がきて、われわれに訴えるならば、われわれは彼らに、『われわれのために彼らをゆるしてください。戦争のときにわれわれは、彼らおのおのに妻をとってやらなかったし、またあなたがたも彼らに与えなかったからです。もし与えたならば、あなたがたは罪を犯したことになるからでした』と言いましょう」。
23Vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, vakazvitorera vakadzi kuna vakanga vachitamba, vakavaringana; vakaenda navo; vakabva ndokudzokera kunhaka yavo, vakavaka maguta, ndokugara mukati mawo.
23ベニヤミンの人々はそのように行い、踊っている者どものうちから自分たちの数にしたがって妻を取り、それを連れて領地に帰り、町々を建てなおして、そこに住んだ。
24Zvino vana vaIsiraeri vakabvapo nenguva iyo, murume mumwe nomumwe kurudzi rwake nokumhuri yake; vakabudapo murume mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.
24こうしてイスラエルの人々は、その時そこを去って、おのおのその部族および氏族に帰った。すなわちそこを立って、おのおのその嗣業の地に帰った。そのころ、イスラエルには王がなかったので、おのおの自分の目に正しいと見るところをおこなった。
25Namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati palsiraeri; murume mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
25そのころ、イスラエルには王がなかったので、おのおの自分の目に正しいと見るところをおこなった。