1Zvino Jerubhaari, ndiye Gidheoni, wakamuka mangwanani, iye navanhu vose vaiva naye, vakandodzika matende avo patsime reHarodhi; misasa yaMidhiani yakanga iri nechokumusoro kwavo, pachikomo cheMore pamupata.
1さてエルバアルと呼ばれるギデオンおよび彼と共にいたすべての民は朝早く起き、ハロデの泉のほとりに陣を取った。ミデアンびとの陣は彼らの北の方にあり、モレの丘に沿って谷の中にあった。
2Jehovha akati kuna Gidheoni, Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, Maoko edu ndiwo akatiponesa.
2主はギデオンに言われた、「あなたと共におる民はあまりに多い。ゆえにわたしは彼らの手にミデアンびとをわたさない。おそらくイスラエルはわたしに向かってみずから誇り、『わたしは自身の手で自分を救ったのだ』と言うであろう。
3Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGiriyadhi. Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi.
3それゆえ、民の耳に触れ示して、『だれでも恐れおののく者は帰れ』と言いなさい」。こうしてギデオンは彼らを試みたので、民のうち帰った者は二万二千人あり、残った者は一万人であった。
4Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, Nazvino vanhu vachiri vazhinji, enda navo kumvura ndivaidzepo; zvino kana ndikati kwauri, Uyu anofanira kuenda newe, ndiye uchaenda newe; asi kana ndikati kwauri, Uyu haafaniri kuenda newe, iye haangaendi.
4主はまたギデオンに言われた、「民はまだ多い。彼らを導いて水ぎわに下りなさい。わたしはそこで、あなたのために彼らを試みよう。わたしがあなたに告げて『この人はあなたと共に行くべきだ』と言う者は、あなたと共に行くべきである。またわたしがあなたに告げて『この人はあなたと共に行ってはならない』と言う者は、だれも行ってはならない」。
5Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakumwa.
5そこでギデオンが民を導いて水ぎわに下ると、主は彼に言われた、「すべて犬のなめるように舌をもって水をなめる者はそれを別にしておきなさい。またすべてひざを折り、かがんで水を飲む者もそうしなさい」。
6Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakumwa mvura.
6そして手を口にあてて水をなめた者の数は三百人であった。残りの民はみなひざを折り、かがんで水を飲んだ。
7Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, Ndichakuponesai navarume ava vana mazana matatu vakakapa mvura, nokuisa vaMidhiani muruoko rwako; vanhu vose ngavaende havo, mumwe nomumwe kutende rake.
7主はギデオンに言われた、「わたしは水をなめた三百人の者をもって、あなたがたを救い、ミデアンびとをあなたの手にわたそう。残りの民はおのおのその家に帰らせなさい」。
8Naizvozvo vanhu vakatora mbuva yavo mumaoko avo, nehwamanda dzavo; akaendisa vamwe varume vose vaIsiraeri, mumwe nomumwe kutende rake, asi wakasara navana mazana matatu; misasa yaMidhiani yakanga iri pasi pake mumupata.
8そこで彼はかの三百人を留めおき、残りのイスラエルびとの手から、つぼとラッパを取り、民をおのおのその天幕に帰らせた。時にミデアンびとの陣は下の谷の中にあった。
9Zvino nousiku uhwo Jehovha akati kwaari, Simuka, uburukire kumisasa, nekuti ndakavaisa muruoko rwako.
9その夜、主はギデオンに言われた、「立てよ、下っていって敵陣に攻め入れ。わたしはそれをあなたの手にわたす。
10Asi kana uchitya kuburuka, uburuke kumisasa una Pura muranda wako;
10もしあなたが下って行くことを恐れるならば、あなたのしもべプラと共に敵陣に下っていって、
11ugondonzwa zvavanotaura; shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa kuburukira kumisasa. Ipapo akaburuka ana Pura muranda wake, kusvikira kumudzivo wavarwi, vakanga vari pamisasa.
11彼らの言うところを聞け。そうすればあなたの手が強くなって、敵陣に攻め下ることができるであろう」。ギデオンがしもべプラと共に下って、敵陣にある兵隊たちの前哨地点に行ってみると、
12Zvino vaMidhiani navaAmareki navana vose vamabvazuva vakanga vari mumupata, vakawanda semhashu; namakamera avo akanga asingagoni kuverengwa, akanga akawanda sejecha riri pamahombekombe egungwa.
12ミデアンびと、アマレクびとおよびすべての東方の民はいなごのように数多く谷に沿って伏していた。そのらくだは海べの砂のように多くて数えきれなかった。
13Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakange achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi.
13ギデオンがそこへ行ったとき、ある人がその仲間に夢を語っていた。その人は言った、「わたしは夢を見た。大麦のパン一つがミデアンの陣中にころがってきて、天幕に達し、それを打ち倒し、くつがえしたので、天幕は倒れ伏した」。
14Shamwari yake ikapindura, ikati, Hachizi chimwe chinhu, asi ndiwo munondo waGidheoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsiraeri, Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake.
14仲間は答えて言った、「それはイスラエルの人、ヨアシの子ギデオンのつるぎにちがいない。神はミデアンとすべての軍勢を彼の手にわたされるのだ」。
15Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, Simukai, nekuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu.
15ギデオンは夢の物語とその解き明かしとを聞いたので、礼拝し、イスラエルの陣営に帰り、そして言った、「立てよ、主はミデアンの軍勢をあなたがたの手にわたされる」。
16Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo.
16そして彼は三百人を三組に分け、手に手にラッパと、からつぼとを取らせ、つぼの中にたいまつをともさせ、
17Akati kwavari, Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndichisvika kumudzivo wemisasa, sezvandinoita ini, nemiwo muite saizvozvo.
17彼らに言った、「わたしを見て、わたしのするようにしなさい。わたしが敵陣のはずれに達したとき、あなたがたもわたしのするようにしなさい。
18Kana ndoridza hwamanda ini navose vandinavo, nemiwo muridze hwamanda kunhivi dzose dzemisasa, muchiti, Munondo waJehovha nowaGidheoni!
18わたしと共におる者がみなラッパを吹くと、あなたがたもまたすべての陣営の四方でラッパを吹き、『主のためだ、ギデオンのためだ』と言いなさい」。
19Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi, vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo.
19こうしてギデオンと、彼と共にいた百人の者が、中更の初めに敵陣のはずれに行ってみると、ちょうど番兵を交代した時であったので、彼らはラッパを吹き、手に携えていたつぼを打ち砕いた。
20Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, munondo waJehovha nowaGidheoni!
20すなわち三組の者がラッパを吹き、つぼを打ち砕き、左の手にはたいまつをとり、右の手にはラッパを持ってそれを吹き、「主のためのつるぎ、ギデオンのためのつるぎ」と叫んだ。
21Vakamira mumwe nomumwe panzvimbo yake, vakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, vakaridza mhere, vakatiza.
21そしておのおのその持ち場に立ち、敵陣を取り囲んだので、敵軍はみな走り、大声をあげて逃げ去った。
22Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati.
22三百人のものがラッパを吹くと、主は敵軍をしてみな互に同志打ちさせられたので、敵軍はゼレラの方、ベテシッタおよびアベルメホラの境、タバテの近くまで逃げ去った。
23Zvino varume vaIsiraeri vakaungana, vachibva kwaNafutari, nokwaAsheri, nokwaManase, vakatevera Midhiani.
23イスラエルの人々はナフタリ、アセルおよび全マナセから集まってきて、ミデアンびとを追撃した。
24Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJoridhaniwo.
24ギデオンは使者をあまねくエフライムの山地につかわし、「下ってきて、ミデアンびとを攻め、ベタバラに至るまでの流れを取り、またヨルダンをも取れ」と言わせた。そこでエフライムの人々はみな集まってきて、ベタバラに至るまでの流れを取り、またヨルダンをも取った。彼らはまたミデアンびとのふたりの君オレブとゼエブを捕え、オレブをオレブ岩のほとりで殺し、ゼエブをゼエブの酒ぶねのほとりで殺した。またミデアンびとを追撃し、オレブとゼエブの首を携えてヨルダンの向こうのギデオンのもとへ行った。
25Vakabata machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, vakauraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi, vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, vakatevera vaMidhiani; vakauya nemisoro ya Orebhi naZeebhi kuna Gidheoni mhiri kwaJoridhani.
25彼らはまたミデアンびとのふたりの君オレブとゼエブを捕え、オレブをオレブ岩のほとりで殺し、ゼエブをゼエブの酒ぶねのほとりで殺した。またミデアンびとを追撃し、オレブとゼエブの首を携えてヨルダンの向こうのギデオンのもとへ行った。