1Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari, Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani? Vakamupopotera kwazvo.
1エフライムの人々はギデオンに向かい「あなたが、ミデアンびとと戦うために行かれたとき、われわれを呼ばれなかったが、どうしてそういうことをされたのですか」と言って激しく彼を責めた。
2Akati kwavari, Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi? Handiti zvakaunganidzwa naEfuremu zvinopfuura kukohwa kose kwaAbhiezeri here?
2ギデオンは彼らに言った、「今わたしのした事は、あなたがたのした事と比べものになりましょうか。エフライムの拾い集めた取り残りのぶどうはアビエゼルの収穫したぶどうにもまさるではありませんか。
3Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, mumaoko enyu; zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi? Ipapo kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari, avaudza izvozvo.
3神はミデアンの君オレブとゼエブをあなたがたの手にわたされました。わたしのなし得た事は、あなたがたのした事と比べものになりましょうか」。ギデオンがこの言葉を述べると、彼らの憤りは解けた。
4Gidheoni akasvika paJoridhani, akayambuka, iye navarume vana mazana matatu vaakanga anavo; vakanga vaneta, kunyange zvakadaro vakanga vachiteverera havo.
4ギデオンは自分に従っていた三百人と共にヨルダンに行ってこれを渡り、疲れながらもなお追撃したが、
5Akati kuvarume veSukoti, Ipai henyu vanhu ava vanonditevera mapundu ezvingwa, nekuti vaneta; ndinoteverera Zebha naZarimuna, madzimambo aMidhiani.
5彼はスコテの人々に言った、「どうぞわたしに従っている民にパンを与えてください。彼らが疲れているのに、わたしはミデアンの王ゼバとザルムンナを追撃しているのですから」。
6Machinda eSukoti akati, Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe hondo yako chingwa?
6スコテのつかさたちは言った、「ゼバとザルムンナは、すでにあなたの手のうちにあるのですか。われわれはどうしてあなたの軍勢にパンを与えねばならないのですか」。
7Gidheoni akati, Saka, kana Jehovha akaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichapura nyama yenyu nemhinzwa yomurenje norukato.
7ギデオンは言った、「それならば主がわたしの手にゼバとザルムンナをわたされるとき、わたしは野のいばらと、おどろをもって、あなたがたの肉を打つであろう」。
8Akabvapo, akakwira Penueri, akandotaura navo saizvozvo. Varume vePenueri vakamupindura sezvakapindura varume veSukoti.
8そしてギデオンはそこからペヌエルに上り、同じことをペヌエルの人々に述べると、彼らもスコテの人々が答えたように答えたので、
9Akataurawo navarume vePenueri, akati, Kana ndikadzoka norugare, ndichaputsa rusvingo urwu.
9ペヌエルの人々に言った、「わたしが安らかに帰ってきたとき、このやぐらを打ちこわすであろう」。
10Zvino Zebha naZarimuna vakanga vari Karikori, vane hondo dzavo varume vane zviuru zvine gumi nezvishanu; ndivo vose vakanga vakasara pahondo yose yavana vamabvazuva; nekuti varume vane zviuru zvina makumi matatu, vaigona kurwa nomunondo, vakanga vaurawa.
10さてゼバとザルムンナは軍勢おおよそ一万五千人を率いて、カルコルにいた。これは皆、東方の民の全軍のうち生き残ったもので、戦死した者は、つるぎを帯びているものが十二万人あった。
11Gidheoni akakwira nenzira yavaigara pamatende, nokumabvazuva kweNobha neJogobheha, akakunda hondo, nekuti hondo yakanga yakafara.
11ギデオンはノバとヨグベハの東の隊商の道を上って、敵軍の油断しているところを撃った。
12Ipapo Zebha naZarimuna vakatiza, iye akavateverera; akabata madzimambo maviri aMidhiani, Zebha naZarimuna, akavhundusa hondo yose.
12ゼバとザルムンナは逃げたが、ギデオンは追撃して、ミデアンのふたりの王ゼバとザルムンナを捕え、その軍勢をことごとく撃ち敗った。
13Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akadzoka pakurwa pamukwidza weHeresi.
13こうしてヨアシの子ギデオンはヘレスの坂をとおって戦いから帰り、
14Akabata jaya ravarume veSukoti, akamubvunzisisa; iye akamunyorera mazita amachinda eSukoti, navakuru varo, varume vana makumi manomwe navanomwe.
14スコテの若者ひとりを捕えて、尋ねたところ、彼はスコテのつかさたち及び長老たち七十七人の名をギデオンのために書きしるした。
15Akasvika kuvarume veSukoti, akati, Tarirai, Zebha naZarimuna, vamakandiseka pamusoro pavo, muchiti, Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe varume vako vaneta chingwa?
15ギデオンはスコテの人々のところへ行って言った、「あなたがたがかつて『ゼバとザルムンナはすでにあなたの手のうちにあるのか。われわれはどうしてあなたの疲れた人々にパンを与えねばならないのか』と言って、わたしをののしったそのゼバとザルムンナを見なさい」。
16Ipapo akatora vakuru veguta, nemhinzwa yomurenje norukato, akapura varume veSukoti nazvo.
16そして彼は、その町の長老たちを捕え、野のいばらと、おどろとを取り、それをもってスコテの人々を懲らし、
17Akaputsa rusvingo rwePenueri, akauraya varume veguta.
17またペヌエルのやぐらを打ちこわして町の人々を殺した。
18Ipapo akati kuna Zebha naZarimuna, Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko? Vakapindura, vakati, Sezvamakaita imwi, ndizvo zvavakanga vakaita ivo; mumwe nomumwe wakange akafanana nomwana wamambo.
18そしてギデオンはゼバとザルムンナに言った、「あなたがたがタボルで殺したのは、どんな人々であったか」。彼らは答えた、「彼らはあなたに似てみな王子のように見えました」。
19Akati, Vakanga vari vanin'ina vangu, vanakomana vamai vangu; naJehovha mupenyu, dai makavarega vari vapenyu, ndingadai ndisina kukuurayai imwi.
19ギデオンは言った、「彼らはわたしの兄弟、わたしの母の子たちだ。主は生きておられる。もしあなたがたが彼らを生かしておいたならば、わたしはあなたがたを殺さないのだが」。
20Zvino akati kuna Jeteri, dangwe rake, Simuka, uvauraye. Asi jaya harina kuvhomora munondo waro, nekuti rakatya, zvarakanga richiri mukomana.
20そして長子エテルに言った、「立って、彼らを殺しなさい」。しかしその若者はなお年が若かったので、恐れてつるぎを抜かなかった。
21Ipapo Zebha naZarimuna vakati, Simukai imwi, mutiuraye, nekuti sezvakaita murume, ndizvo zvakaita simba rake. Ipapo Gidheoni akasimuka, akauraya Zebha naZarimuna, akatora zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, zvakanga zviri pamitsipa yamakamera avo.
21そこでゼバとザルムンナは言った、「あなた自身が立って、わたしたちを撃ってください。人によってそれぞれ力も違いますから」。ギデオンは立ちあがってゼバとザルムンナを殺し、彼らのらくだの首に掛けてあった月形の飾りを取った。
22Zvino varume vaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, Mutibate ushe imwi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nekuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani.
22イスラエルの人々はギデオンに言った、「あなたはミデアンの手からわれわれを救われたのですから、あなたも、あなたの子も孫もわれわれを治めてください」。
23Gidheoni akati kwavari, Ini handingakubatiyi ushe, kunyange mwanakomana wangu haangakubatiyi ushe; Jehovha ndiye uchakubatai.
23ギデオンは彼らに言った、「わたしはあなたがたを治めることはいたしません。またわたしの子もあなたがたを治めてはなりません。主があなたがたを治められます」。
24Gidheoni akati kwavari, Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake. (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nekuti vakanga vari vaIshimaeri.)
24ギデオンはまた彼らに言った、「わたしはあなたがたに一つの願いがあります。あなたがたのぶんどった耳輪をめいめいわたしにください」。ミデアンびとはイシマエルびとであったゆえに、金の耳輪を持っていたからである。
25Vakapindura vakati, Tichakupai izvo nomoyo wose! Ipapo vakawarira nguvo, mumwe nomumwe akakandirapo zvindori zvemhino, zvakanga zviri pakati pezvakapambwa zvavo.
25彼らは答えた、「わたしどもは喜んでそれをさしあげます」。そして衣をひろげ、めいめいぶんどった耳輪をその中に投げ入れた。
26Zvindori izvo zvemhino zvendarama, zvaakakumbira kwavari, pakurema kwazvo zvikasvika mashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe endarama; asi havana kuverenga zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, nezvindori zvaishongwa, nenguvo shava dzaifukwa namadzimambo aMidhiani; havana kuverengawo uketani hwakanga hwuri pamitsipa yamakamera avo.
26こうしてギデオンが求めて得た金の耳輪の重さは一千七百金シケルであった。ほかに月形の飾りと耳飾りと、ミデアンの王たちの着た紫の衣およびらくだの首に掛けた首飾りなどもあった。
27Gidheoni akaita efodhi nazvo, akaiisa muguta rake, ipo paOfura; vaIsiraeri vose vakapata vachiitevera ipapo; ukava musungo kuna Gidheoni nokuna veimba yake.
27ギデオンはそれをもって一つのエポデを作り、それを自分の町オフラに置いた。イスラエルは皆それを慕って姦淫をおこなった。それはギデオンとその家にとって、わなとなった。
28Saizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavana vaIsiraeri, havana kuzosimudzazve misoro yavo. Nyika ikazorora makore ana makumi mana pamazuva aGidheoni.
28このようにしてミデアンはイスラエルの人々に征服されて、再びその頭をあげることができなかった。そして国はギデオンの世にあるうち、四十年のあいだ太平であった。
29Zvino Jerubhaari, mwanakomana waJoashi, akandogara mumba make.
29ヨアシの子エルバアルは行って自分の家に住んだ。
30Gidheoni wakange ana vanakomana vana makumi manomwe vakanga vaberekwa naye, nekuti wakange ana vakadzi vazhinji;
30ギデオンは多くの妻をもっていたので、自分の子供だけで七十人あった。
31uye nomurongo wake, wakange ari paShemi, wakamuberekera mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abhimereki.
31シケムにいた彼のめかけがまたひとりの子を産んだので、アビメレクと名づけた。
32Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akafa akwegura, akavigwa muguva raJoashi baba vake paOfura revaAbhiezeri.
32ヨアシの子ギデオンは高齢に達して死に、アビエゼルびとのオフラにある父ヨアシの墓に葬られた。
33Zvino Gidheoni wakati achangofa, vana valsiraeri vakadzokera shure, vakapata vachitevera vaBhaari, vakaita Bhaari-bheriti mwari wavo.
33ギデオンが死ぬと、イスラエルの人々はまたバアルを慕って、これと姦淫を行い、バアル・ベリテを自分たちの神とした。
34Vana vaIsiraeri vakasarangarira Jehovha Mwari wavo, iye wakange avarwira mumaoko avavengi vavo vose kunhivi dzose;
34すなわちイスラエルの人々は周囲のもろもろの敵の手から自分たちを救われた彼らの神、主を覚えず、またエルバアルすなわちギデオンがイスラエルのためにしたもろもろの善行に応じて彼の家族に親切をつくすこともしなかった。
35uye havana kuitira veimba yaJerubhaari, iye Gidheoni, zvakanaka pamusoro pezvose zvakanaka zvaakanga aitira vaIsiraeri.
35またエルバアルすなわちギデオンがイスラエルのためにしたもろもろの善行に応じて彼の家族に親切をつくすこともしなかった。