1Zvino Abhimereki, mwanakomana
1さてエルバアルの子アビメレクはシケムに行き、母の身内の人たちのもとに行って、彼らと母の父の家の一族とに言った、
2Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwe chete? Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.
2「どうぞ、シケムのすべての人々の耳に告げてください、『エルバアルのすべての子七十人であなたがたを治めるのと、ただひとりであなたがたを治めるのと、どちらがよいか。わたしがあなたがたの骨肉であることを覚えてください』と」。
3Zvino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamusoro pake, varume veShekemu vachizvinzwa; moyo yavo ikada kutevera Abhimereki, nekuti vakati, Ihama yedu.
3そこで母の身内の人たちがアビメレクに代ってこれらの言葉をことごとくシケムのすべての人々の耳に告げると、彼らは心をアビメレクに傾け、「彼はわれわれの兄弟だ」と言って、
4Vakamupa mari yesirivha yakasvika mashekeri ana makumi manomwe, yavakatora paimba yaBhaari-bheriti, Abhimereki akaripira varume vakaipa, vasine hanya, ivo vakamutevera.
4バアル・ベリテの宮から銀七十シケルを取って彼に与えた。アビメレクはそれをもって、やくざのならず者を雇って自分に従わせ、
5Akaenda kumba kwababa vake paOfura, akauraya pabwe rimwe vana vababa vake, ivo vanakomana vaJerubhaari, vaiva varume vana makumi manomwe; asi Jotamu, mwanakomana worugotwe waJerubhaari wakapukunyuka, nekuti wakange avanda.
5オフラにある父の家に行って、エルバアルの子で、自分の兄弟である七十人を、一つの石の上で殺した。ただしエルバアルの末の子ヨタムは身を隠したので生き残った。
6Zvino varume vose veShekemu vakaungana pamwechete navose veimba yaMiro, vakandoita Abhimereki mambo pamuouki weshongwe yakamiswa paShekemu.
6そこでシケムのすべての人々とベテミロのすべての人々は集まり、行ってシケムにある石の柱のかたわらのテレビンの木のもとで、アビメレクを立てて王とした。
7Vakati vaudza Jotamu izvozvo, iye akaenda, akandomira pamusoro pegomo reGerizimi, akadana nenzwi guru, akati kwavari, Mundinzwei, imwi varume veShekemu, kuti Mwari akunzweiwo imi.
7このことをヨタムに告げる者があったので、ヨタムは行ってゲリジム山の頂に立ち、大声に叫んで彼らに言った、「シケムの人々よ、わたしに聞きなさい。そうすれば神はあなたがたに聞かれるでしょう。
8Imwe nguva miti yakandozvizodzera mambo wayo; ikati kumuorivhi, Iva mambo wedu iwe.
8ある時、もろもろの木が自分たちの上に王を立てようと出て行ってオリブの木に言った、『わたしたちの王になってください』。
9Asi muorivhi wakati kwairi, Ko ini ndingarega mafuta angu, anorumbidzwa naMwari navanhu mandiri ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
9しかしオリブの木は彼らに言った、『わたしはどうして神と人とをあがめるために用いられるわたしの油を捨てて行って、もろもろの木を治めることができましょう』。
10Zvino miti ikati kumuonde, Uya iwe, uve mambo wedu.
10もろもろの木はまたいちじくの木に言った、『きてわたしたちの王になってください』。
11Asi muonde, wakati kwairi ko ini ndingarega kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
11しかしいちじくの木は彼らに言った、『わたしはどうしてわたしの甘味と、わたしの良い果実とを捨てて行って、もろもろの木を治めることができましょう』。
12Zvino miti ikati kumuzambiringa, Uya iwe, uve mambo wedu.
12もろもろの木はまたぶどうの木に言った、『きてわたしたちの王になってください』。
13Muzambiringa ukati kwairi, Ko ini ndingarega waini yangu, inofadza Mwari navanhu, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
13しかし、ぶどうの木は彼らに言った、『わたしはどうして神と人とを喜ばせるわたしのぶどう酒を捨てて行って、もろもろの木を治めることができましょう』。
14Ipapo miti yose yakati kurukato, Uya iwe, uve mambo wedu.
14そこですべての木はいばらに言った、『きてわたしたちの王になってください』。
15Rukato rukati kumiti, Kana mukandizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, chiuyai muvande pamumvuri wangu; kana musingadi, moto ngaubude parukato, uparadze misidhari yeRebhanoni.
15いばらはもろもろの木に言った、『あなたがたが真実にわたしを立てて王にするならば、きてわたしの陰に難を避けなさい。そうしなければ、いばらから火が出てレバノンの香柏を焼きつくすでしょう』。
16Saka zvino kana makaita zvakanaka nezvakarurama, zvamakaita Abhimereki mambo wenyu, uye kana makaitira Jerubhaari sezvaakafanirwa pamusoro pezvaakakuitirai,
16あなたがたがアビメレクを立てて王にしたことは、真実と敬意とをもってしたものですか。あなたがたはエルバアルとその家をよく扱い、彼のおこないに応じてしたのですか。
17(nokuti baba vangu vakakurwirai, vasingarangariri upenyu hwavo, vakakurwirai mumaoko avaMidhiani;
17わたしの父はあなたがたのために戦い、自分の命を投げ出して、あなたがたをミデアンの手から救い出したのに、
18imwi mukamukira nhasi imba yababa vangu, mukauraya pabwe rimwe vanakomana vake, vanhu vana makumi manomwe, mukaita Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wake, mambo wavarume veShekemu, zvairi hama yenyu;)
18あなたがたは、きょう、わたしの父の家に反抗して起り、その子七十人を一つの石の上で殺し、その腰元の子アビメレクをあなたがたの身内の者であるゆえに立てて、シケムの人々の王にしました。
19kana makaitira Jerubhaari neimba yake zvakanaka nezvakarurama nhasi, chifarirai henyu Abhimereki, naiye akufarireiwo;
19あなたがたが、きょう、エルバアルとその家になされたことが真実と敬意をもってしたものであるならば、アビメレクのために喜びなさい。彼もまたあなたがたのために喜ぶでしょう。
20asi kana zvisina kunaka, moto ngaubude kuna Abhimereki, uparadze varume veShekemu, naveimba yaMiro; uye moto ngaubude kuvarume veShekemu, naveimba yaMiro, uparadze Abhimereki.
20しかし、そうでなければ、アビメレクから火が出て、シケムの人々とベテミロとを焼きつくし、またシケムの人々とベテミロからも火が出てアビメレクを焼きつくすでしょう」。
21Ipapo Jotamu akamhanya, akatiza, akandogara paBheeri, nekuti wakatya Abhimereki mukuru wake.
21こうしてヨタムは走って逃げ去り、ベエルに行き、兄弟アビメレクの顔をさけてそこに住んだ。
22Abhimereki akabata ushe pavaIsiraeri makore matatu.
22アビメレクは三年の間イスラエルを治めたが、
23Mwari akazotuma mweya wetsvina pakati paAbhimereki navarume veShekemu; varume veShekemu vakanyengera Abhimereki;
23神はアビメレクとシケムの人々の間に悪霊をおくられたので、シケムの人々はアビメレクを欺くようになった。
24kuti zvakashata zvakaitirwa vanakomana vaJerubhaari vana makumi manomwe zvitsibwe, neropa ravo ritsibwe kuna Abhimereki, munin'ina wavo wakavauraya, nokuvarume veShekemu vakanga vasimbisa maoko ake kuti auraye vana vababa vake.
24これはエルバアルの七十人の子が受けた暴虐と彼らの血が、彼らを殺した兄弟アビメレクの上と、彼の手を強めてその兄弟を殺させたシケムの人々の上とに報いとなってきたのである。
25Varume veShekemu vakaisa vanhu vakamuvandira pamusoro pamakomo, vakapamba vose vakanga vachipfuura kwavari nenzira iyo; Abhimereki akaudzwa izvozvo.
25シケムの人々は彼に敵して待ち伏せする者を山々の頂におき、すべてその道を通り過ぎる者を略奪させた。このことがアビメレクに告げ知らされた。
26Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, wakauya nehama dzake, vakaenda Shekemu; varume veShekemu vakavimba naye.
26さてエベデの子ガアルはその身内の人々と一緒にシケムに移住したが、シケムの人々は彼を信用した。
27Vakabudira kuminda yavo, vakakohwa mazambiringa avo vakatsika-tsika mazambiringa, vakatamba mutambo, ndokupinda mumba mamwari wavo, vakadya, vakamwa, vakatuka Abhimereki.
27人々は畑に出てぶどうを取り入れ、それを踏み絞って祭をし、神の宮に行って飲み食いしてアビメレクをのろった。
28Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, akati, Abhimereki ndianiko, Shekemu ndianiko, kuti timushumire? Haazi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haazi munyai wake here? imwi shumirai henyu varume vaHamori, baba vaShekemu; asi isu tichamushumireiko?
28そしてエベデの子ガアルは言った、「アビメレクは何ものか。シケムのわれわれは何ものなれば彼に仕えなければならないのか。エルバアルの子とその役人ゼブルはシケムの先祖ハモルの一族に仕えたではないか。われわれはどうして彼に仕えなければならないのか。
29Haiwa, dai vanhu ava vaiva muruoko rwangu, ndaidzinga Abhimereki. Zvino akati kuna Abhimereki, Wedzera hondo yako, ubude kuzorwa.
29ああ、この民がわたしの手の下にあったらよいのだが。そうすればわたしはアビメレクをやめさせ、アビメレクに向かって『おまえの軍勢を増して出てこい』と言うであろう」。
30Zvino Zebhuri mubati weguta, wakati achinzwa mashoko aGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa kwazvo.
30町のつかさゼブルはエベデの子ガアルの言葉を聞いて怒りを発し、
31Akatuma nhume kuna Abhimereki nokunyengera, akati, Tarira, Gaari, mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; tarira vanokurudzira guta kurwa newe.
31使者をアルマにおるアビメレクにつかわして言わせた、「エベデの子ガアルとその身内の人々がシケムにきて、町を騒がせ、あなたにそむかせようとしています。
32Saka zvino chimuka usiku, iwe navanhu vaunavo, muvande musango.
32それであなたと、あなたと共におる人々が夜のうちに行って、野に身を伏せ、
33Zvino mangwanani, zuva richangobuda, unofanira kufumira kundovamba guta; kana iye navanhu vaanavo vachibuda kuzorwa newe, iwe ungaita navo sezvaunoda.
33朝になって、日ののぼるとき、早く起き出て町を襲うならば、ガアルと、彼と共におる民は出てきて、あなたに抵抗するでしょう。その時あなたは機を得て、彼らを撃つことができるでしょう」。
34Ipapo Abhimereki akamuka usiku, iye navanhu vose vaakanga anavo, vakandovandira Shekemu vakaita mapoka mana.
34アビメレクと、彼と共にいたすべての民は夜のうちに起き出て、四組に分れ、身を伏せてシケムをうかがった。
35Zvino Gaari, mwanakomana waEbhedhi, akamira pavanopinda napo pasuwo reguta; Abhimereki akasimuka, iye navanhu vaakanga anavo pavakanga vakavandira.
35エベデの子ガアルが出て、町の門の入口に立ったとき、アビメレクと、彼と共にいた民が身を伏せていたところから立ちあがったので、
36Zvino Gaari wakati achiona vanhu, akati kuna Zebhuri, Tarira, kuna vanhu vanoburuka vachibva kumusoro kumakomo. Zebhuri akati kwaari, Unoona hako mimvuri yamakomo, yakafanana navanhu.
36ガアルは民を見てゼブルに言った、「ごらんなさい。民が山々の頂からおりてきます」。ゼブルは彼に言った、「あなたは山々の影を人のように見るのです」。
37Gaari akapamhidzazve, akati, Tarira, kuna vanhu vanoburuka vachibva kurutivi rwokumusoro, nerimwe boka rinouya richibva nenzira yomuouki weMeonenimi.
37ガアルは再び言った、「ごらんなさい。民が国の中央部からおりてきます。一組は占い師のテレビンの木の方からきます」。
38Ipapo Zebhuri akati kwaari, Zvino muromo wako uripi, zvawakanga uchiti, Abhimereki ndianiko, kuti timushumire? Ko ava havazi vanhu avo vawakazvidza here? Zvino chiburuka hako undorwa navo.
38ゼブルは彼に言った、「あなたがかつて『アビメレクは何ものか。われわれは何ものなれば彼に仕えなければならないのか』と言ったあなたの口は今どこにありますか。これはあなたが侮った民ではありませんか。今、出て彼らと戦いなさい」。
39Ipapo Gaari akabuda pamberi pavarume veShekemu, akandorwa naAbhimereki.
39そこでガアルはシケムの人々を率い、出てアビメレクと戦ったが、
40Abhimereki akadzingana naye, akatiza pamberi pake,
40アビメレクは彼を追ったので、ガアルは彼の前から逃げた。そして傷つき倒れる者が多く、門の入口にまで及んだ。
41Abhimereki akagara paAruma, Zebhuri akadzinga Gaari nehama dzake, kuti varege kuzogara paShekemu.
41こうしてアビメレクは引き続いてアルマにいたが、ゼブルはガアルとその身内の人々を追い出してシケムにおらせなかった。
42Zvino fume mangwana vanhu vakabuda kusango; vakaudza Abhimereki.
42翌日、民が畑に出ると、そのことがアビメレクに聞えた。
43Iye akatora vanhu akavakamura, akaita mapoka matatu, akandovavandira kusango; akatarira, akaona vanhu vachibuda muguta, akasimuka, akandorwa navo, akavauraya.
43アビメレクは自分の民を率い、それを三組に分け、野に身を伏せて、うかがっていると、民が町から出てきたので、たちあがってこれを撃った。
44Abhimereki namapoka akanga anaye, vakamhanya, vakandomira pavanopinda napo pasuwo reguta; namapoka maviri akamhanyira kuna vose vakanga vari kusango, vakavauraya.
44アビメレクと、彼と共にいた組の者は襲って行って、町の門の入口に立ち、他の二組は野にいたすべてのものを襲って、それを殺した。
45Abhimereki akarwa neguta musi iwoyo wose, akakunda guta, akauraya vanhu vakanga varimo; akaputsa guta, ndokurikusha munyu.
45アビメレクはその日、終日、町を攻め、ついに町を取って、そのうちの民を殺し、町を破壊して、塩をまいた。
46Zvino varume vose vorusvingo rweShekemu vakati vazvinzwa, vakapinda munhare, mumba maEri-bheriti.
46シケムのやぐらの人々は皆これを聞いて、エルベリテの宮の塔にはいった。
47Abhimereki akaudzwa kuti varume vose vorusvingo rweShekemu vaungana pamwechete.
47シケムのやぐらの人々が皆集まったことがアビメレクに聞えたので、
48Abhimereki akakwira pagomo reZarimoni, iye navanhu vose vaakanga anavo; Abhimereki akatora masanhu muruoko rwake, akatema davi romuti, akarisimudza, akariisa pafudzi rake; akati kuvanhu vaakanga anavo, Kurumidzai, muite sezvamakaona ndichiita ini.
48アビメレクは自分と一緒にいた民をことごとく率いてザルモン山にのぼり、アビメレクは手におのを取って、木の枝を切り落し、それを取りあげて自分の肩にのせ、一緒にいた民にむかって言った、「あなたがたはわたしがしたことを見たとおりに急いでしなさい」。
49Ipapo vanhu vose vakatema mumwe nomumwe davi rake, vakatevera Abhimereki; vakaaisa kunhare, vakapisa nhare nomoto, ivo varimo, naizvozvo vanhu vose vakanga vari murusvingo rweShekemu vakafa, vanenge chiuru chimwe chavarume navakadzi.
49そこで民もまた皆おのおのその枝を切り落し、アビメレクに従って行って、枝を塔によせかけ、塔に火をつけて彼らを攻めた。こうしてシケムのやぐらの人々もまたことごとく死んだ。男女おおよそ一千人であった。
50Zvino Abhimereki akaenda Tebhezi, akamisa misasa yavo paTebhezi, akarikunda.
50ついでアビメレクはテベツに行き、テベツに向かって陣を張り、これを攻め取ったが、
51Asi mukati meguta makanga muno rusvingo rwakanga rwakasimba, varume navakadzi vose vakatiziramo, vose vakanga vari muguta vakazvipfigiramo, vakakwira kudenga rorusvingo.
51町の中に一つの堅固なやぐらがあって、すべての男女すなわち町の人々が皆そこに逃げ込み、あとを閉ざして、やぐらの屋根に上ったので、
52Abhimereki akasvika parusvingo, akarwa narwo, akaswedera pedo nomukova worusvingo, kuti arupise nomoto.
52アビメレクはやぐらのもとに押し寄せてこれを攻め、やぐらの入口に近づいて、火をつけて焼こうとしたとき、
53Ipapo mumwe mukadzi akakanda guyo pamusoro waAbhimereki, akaputsa dehenya rake.
53ひとりの女がアビメレクの頭に、うすの上石を投げて、その頭骸骨を砕いた。
54Ipapo akakurumidza kudana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri, Vhomora munondo wako, undiuraye, kuti vanhu varege kuzoti, Wakaurawa nomukadzi. Jaya rake rikamubaya, akafa.
54アビメレクは自分の武器を持つ若者を急ぎ呼んで言った、「つるぎを抜いてわたしを殺せ。さもないと人々はわたしを、女に殺されたのだと言うであろう」。その若者が彼を刺し通したので彼は死んだ。
55Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti Abhimereki wafa, vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake.
55イスラエルの人々はアビメレクの死んだのを見て、おのおの去って家に帰った。
56Saizvozvo Mwari akatsiva zvakashata zvaAbhimereki zvaakaitira baba vake, zvaakauraya vana vababa vake vana makumi manomwe,
56このように神はアビメレクがその兄弟七十人を殺して、自分の父に対して犯した悪に報いられた。また神はシケムの人々のすべての悪を彼らのこうべに報いられた。こうしてエルバアルの子ヨタムののろいが、彼らに臨んだのである。
57nezvakashata zvose zvavarume veShekemu zvakatsibwa naMwari kwaari; kutuka kwaJotamu mwanakomana waJerubhaari, kukaitika kwavari.
57また神はシケムの人々のすべての悪を彼らのこうべに報いられた。こうしてエルバアルの子ヨタムののろいが、彼らに臨んだのである。