1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はまたモーセに言われた、
2Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupristi;
2「らい病人が清い者とされる時のおきては次のとおりである。すなわち、その人を祭司のもとに連れて行き、
3zvino mupristi anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupristi ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi;
3祭司は宿営の外に出て行って、その人を見、もしらい病の患部がいえているならば、
4mupristi anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.
4祭司は命じてその清められる者のために、生きている清い小鳥二羽と、香柏の木と、緋の糸と、ヒソプとを取ってこさせ、
5Zvino mupristi araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
5祭司はまた命じて、その小鳥の一羽を、流れ水を盛った土の器の上で殺させ、
6Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
6そして生きている小鳥を、香柏の木と、緋の糸と、ヒソプと共に取って、これをかの流れ水を盛った土の器の上で殺した小鳥の血に、その生きている小鳥と共に浸し、
7Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
7これをらい病から清められる者に七たび注いで、その人を清い者とし、その生きている小鳥は野に放たなければならない。
8Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguvo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.
8清められる者はその衣服を洗い、毛をことごとくそり落し、水に身をすすいで清くなり、その後、宿営にはいることができる。ただし七日の間はその天幕の外にいなければならない。
9Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguvo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.
9そして七日目に毛をことごとくそらなければならい。頭の毛も、ひげも、まゆも、ことごとくそらなければならない。彼はその衣服を洗い、水に身をすすいで清くなるであろう。
10Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondobwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
10八日目にその人は雄の小羊の全きもの二頭と、一歳の雌の小羊の全きもの一頭とを取り、また麦粉十分の三エパに油を混ぜた素祭と、油一ログとを取らなければならない。
11Zvino mupristi, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;
11清めをなす祭司は、清められる人とこれらの物とを、会見の幕屋の入口で主の前に置き、
12mupristi ndokutora rimwe ramakwayana amakondobwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;
12祭司は、かの雄の小羊一頭を取って、これを一ログの油と共に愆祭としてささげ、またこれを主の前に揺り動かして揺祭としなければならない。
13zvino anofanira kuuraya gwayana regondobwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nekuti chipiriso chemhosva ndechomupristi sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.
13この雄の小羊は罪祭および燔祭をほふる場所、すなわち聖なる所で、これをほふらなければならない。愆祭は罪祭と同じく、祭司に帰するものであって、いと聖なる物である。
14Ipapo mupristi anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupristi agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi;
14そして祭司はその愆祭の血を取り、これを清められる者の右の耳たぶと、右の手の親指と、右の足の親指とにつけなければならない。
15zvino mupristi anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
15祭司はまた一ログの油を取って、これを自分の左の手のひらに注ぎ、
16zvino mupristi ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomumwe wake kanomwe pamberi paJehovha;
16そして祭司は右の指を左の手のひらにある油に浸し、その指をもって、その油を七たび主の前に注がなければならない。
17mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupristi anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rwake rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;
17祭司は手のひらにある油の残りを、清められる者の右の耳たぶと、右の手の親指と、右の足の親指とに、さきにつけた愆祭の血の上につけなければならない。
18mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupristi amuyananisire pamberi paJehovha.
18そして祭司は手のひらになお残っている油を、清められる者の頭につけ、主の前で、その人のためにあがないをしなければならない。
19mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
19また祭司は罪祭をささげて、汚れのゆえに、清められねばならぬ者のためにあがないをし、その後、燔祭のものをほふらなければならない。
20mupristi anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro pearitari, kuti mupristi amuyananisire, anake.
20そして祭司は燔祭と素祭とを祭壇の上にささげ、その人のために、あがないをしなければならない。こうしてその人は清くなるであろう。
21Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondobwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
21その人がもし貧しくて、それに手の届かない時は、自分のあがないのために揺り動かす愆祭として、雄の小羊一頭を取り、また素祭として油を混ぜた麦粉十分の一エパと、油一ログとを取り、
22nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;
22さらにその手の届く山ばと二羽、または家ばとのひな二羽を取らなければならない。その一つは罪祭のため、他の一つは燔祭のためである。
23nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumupristi pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.
23そして八日目に、その清めのために会見の幕屋の入口におる祭司のもと、主の前にこれを携えて行かなければならない。
24Zvino mupristi anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, mupristi agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha;
24祭司はその愆祭の雄の小羊と、一ログの油とを取り、これを主の前に揺り動かして揺祭としなければならない。
25zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi;
25そして祭司は愆祭の雄の小羊をほふり、その愆祭の血を取って、これを清められる者の右の耳たぶと、右の手の親指と、右の足の親指とにつけなければならない。
26zvino mupristi ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
26また祭司はその油を自分の左の手のひらに注ぎ、
27mupristi agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
27祭司はその右の指をもって、左の手のひらにある油を、七たび主の前に注がなければならない。
28Zvino mupristi ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rwake rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.
28また祭司はその手のひらにある油を、清められる者の右の耳たぶと、右の手の親指と、右の足の親指とに、すなわち、愆祭の血をつけたところにつけなければならない。
29Mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.
29また祭司は手のひらに残っている油を、清められる者の頭につけ、主の前で、その人のために、あがないをしなければならない。
30Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;
30その人はその手の届く山ばと一羽、または家ばとのひな一羽をささげなければならない。
31sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti mupristi ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.
31すなわち、その手の届くものの一つを罪祭とし、他の一つを燔祭として素祭と共にささげなければならない。こうして祭司は清められる者のために、主の前にあがないをするであろう。
32Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake.
32これはらい病の患者で、その清めに必要なものに、手の届かない者のためのおきてである」。
33Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
33主はまたモーセとアロンに言われた、
34Kana masvika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
34「あなたがたに所有として与えるカナンの地に、あなたがたがはいる時、その所有の地において、家にわたしがらい病の患部を生じさせることがあれば、
35muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza mupristi, achiti, Ndinoona kuti imba yangu inenge ine hosha.
35その家の持ち主はきて、祭司に告げ、『患部のようなものが、わたしの家にあります』と言わなければならない。
36Ipapo mupristi anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupristi asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupristi apinde kundotarira imba iyo.
36祭司は命じて、祭司がその患部を見に行く前に、その家をあけさせ、その家にあるすべての物が汚されないようにし、その後、祭司は、はいってその家を見なければならない。
37Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
37その患部を見て、もしその患部が家の壁にあって、青または赤のくぼみをもち、それが壁よりも低く見えるならば、
38mupristi anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;
38祭司はその家を出て、家の入口にいたり、七日の間その家を閉鎖しなければならない。
39zvino mupristi anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherekedze; kana akaona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba;
39祭司は七日目に、またきてそれを見、その患部がもし家の壁に広がっているならば、
40mupristi anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane hosha paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;
40祭司は命じて、その患部のある石を取り出し、町の外の汚れた物を捨てる場所に捨てさせ、
41ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;
41またその家の内側のまわりを削らせ、その削ったしっくいを町の外の汚れた物を捨てる場所に捨てさせ、
42zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore aumbe imba naro.
42ほかの石を取って、元の石のところに入れさせ、またほかのしっくいを取って、家を塗らせなければならない。
43Kana hosha ikadzokazve, ikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa nokuuyiwa,
43このように石を取り出し、家を削り、塗りかえた後に、その患部がもし再び家に出るならば、
44mupristi anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
44祭司はまたきて見なければならない。患部がもし家に広がっているならば、これは家にある悪性のらい病であって、これは汚れた物である。
45Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.
45その家は、こぼち、その石、その木、その家のしっくいは、ことごとく町の外の汚れた物を捨てる場所に運び出さなければならない。
46Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
46その家が閉鎖されている日の間に、これにはいる者は夕まで汚れるであろう。
47Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguvo dzake.
47その家に寝る者はその衣服を洗わなければならない。その家で食する者も、その衣服を洗わなければならない。
48Kana mupristi akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, mupristi anofanira kureva kuti imba yakanaka, nekuti hosha yapora.
48しかし、祭司がはいって見て、もし家を塗りかえた後に、その患部が家に広がっていなければ、これはその患部がいえたのであるから、祭司はその家を清いものとしなければならない。
49Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;
49また彼はその家を清めるために、小鳥二羽と、香柏の木と、緋の糸と、ヒソプとを取り、
50ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,
50その小鳥の一羽を流れ水を盛った土の器の上で殺し、
51ndokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;
51香柏の木と、ヒソプと、緋の糸と、生きている小鳥とを取って、その殺した小鳥の血と流れ水に浸し、これを七たび家に注がなければならない。
52anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;
52こうして祭司は小鳥の血と流れ水と、生きている小鳥と、香柏の木と、ヒソプと、緋の糸とをもって家を清め、
53asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.
53その生きている小鳥は町の外の野に放して、その家のために、あがないをしなければならない。こうして、それは清くなるであろう」。
54Ndiwo murayiro wamarudzi ose wamaperembudzi napakafunuka;
54これはらい病のすべての患部、かいせん、
55nowamaperembudzi enguvo, neeimba,
55および衣服と家のらい病、
56nowapakazvimba, nowapakafunuka, nowechivara,
56ならびに腫と、吹出物と、光る所とに関するおきてであって、いつそれが汚れているか、いつそれが清いかを教えるものである。これがらい病に関するおきてである。
57kuzivisa mupristi kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murayiro wamaperembudzi.
57いつそれが汚れているか、いつそれが清いかを教えるものである。これがらい病に関するおきてである。