1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はまたモーセに言われた、
2Taura naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, Ndiro shoko rakarairwa naJehovha:
2「アロンとその子たち、およびイスラエルのすべての人々に言いなさい、『主が命じられることはこれである。すなわち
3Munhu upi noupi kuna veimba yaIsiraeri unouraya nzombe, kana gwayana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unozviuraya kunze kwemisasa,
3イスラエルの家のだれでも、牛、羊あるいは、やぎを宿営の内でほふり、または宿営の外でほふり、
4asina kuzviisa pamukova wetende rokusangana, kuzviisa pamberi petabhenakeri yaJehovha kuti chive chipo kuna Jehovha, munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake;
4それを会見の幕屋の入口に携えてきて主の幕屋の前で、供え物として主にささげないならば、その人は血を流した者とみなされる。彼は血を流したゆえ、その民のうちから断たれるであろう。
5kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupristi, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.
5これはイスラエルの人々に、彼らが野のおもてでほふるのを常としていた犠牲を主のもとにひいてこさせ、会見の幕屋の入口におる祭司のもとにきて、これを主にささげる酬恩祭の犠牲としてほふらせるためである。
6Zvino mupristi ngaasase ropa razvo paaritari yaJehovha, pamukova wetende rokusangana; apisewo mafuta, kuti zvinhuwire zvakanaka pamberi paJehovha.
6祭司はその血を会見の幕屋の入口にある主の祭壇に注ぎかけ、またその脂肪を焼いて香ばしいかおりとし、主にささげなければならない。
7Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo kumadhimoni, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.
7彼らが慕って姦淫をおこなったみだらな神に、再び犠牲をささげてはならない。これは彼らが代々ながく守るべき定めである』。
8Iwe unofanira kuti kwavari, Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unopisira chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro,
8あなたはまた彼らに言いなさい、『イスラエルの家の者、またはあなたがたのうちに宿る寄留者のだれでも、燔祭あるいは犠牲をささげるのに、
9asingauyi nacho kumukova wetende rokusangana, kuti achibayire Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
9これを会見の幕屋の入口に携えてきて、主にささげないならば、その人は、その民のうちから断たれるであろう。
10Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake.
10イスラエルの家の者、またはあなたがたのうちに宿る寄留者のだれでも、血を食べるならば、わたしはその血を食べる人に敵して、わたしの顔を向け、これをその民のうちから断つであろう。
11nekuti upenyu bwenyama huri muropa; ndakakupai iro paaritari, kuti riyananisire mweya yenyu; nekuti iropa rinoyananisira nokuda koupenyu hurimo.
11肉の命は血にあるからである。あなたがたの魂のために祭壇の上で、あがないをするため、わたしはこれをあなたがたに与えた。血は命であるゆえに、あがなうことができるからである。
12Naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ngaarege kudya ropa.
12このゆえに、わたしはイスラエルの人々に言った。あなたがたのうち、だれも血を食べてはならない。またあなたがたのうちに宿る寄留者も血を食べてはならない。
13Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.
13イスラエルの人々のうち、またあなたがたのうちに宿る寄留者のうち、だれでも、食べてもよい獣あるいは鳥を狩り獲た者は、その血を注ぎ出し、土でこれをおおわなければならない。
14Nekuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa:
14すべて肉の命は、その血と一つだからである。それで、わたしはイスラエルの人々に言った。あなたがたは、どんな肉の血も食べてはならない。すべて肉の命はその血だからである。すべて血を食べる者は断たれるであろう。
15Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka.
15自然に死んだもの、または裂き殺されたものを食べる人は、国に生れた者であれ、寄留者であれ、その衣服を洗い、水に身をすすがなければならない。彼は夕まで汚れているが、その後、清くなるであろう。もし、洗わず、また身をすすがないならば、彼はその罪を負わなければならない』」。
16Asi kana asingadzisuki, kana kushambidza muviri wake, uchafanira kuva nemhosva yake.
16もし、洗わず、また身をすすがないならば、彼はその罪を負わなければならない』」。