1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はまたモーセに言われた、
2Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Ndini Jehovha, Mwari wenyu.
2「イスラエルの人々に言いなさい、『わたしはあなたがたの神、主である。
3Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika yeEgipita mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo.
3あなたがたの住んでいたエジプトの国の習慣を見習ってはならない。またわたしがあなたがたを導き入れるカナンの国の習慣を見習ってはならない。また彼らの定めに歩んではならない。
4Itai zvandakatonga ini, chengetai zviga zvangu, kuti mufambe mazviri; ndini Jehovha, Mwari wenyu.
4わたしのおきてを行い、わたしの定めを守り、それに歩まなければならない。わたしはあなたがたの神、主である。
5Naizvozvo chengetai zviga zvangu, nezvandakatonga; kana munhu akazviita uchararama nazvo; ndini Jehovha.
5あなたがたはわたしの定めとわたしのおきてを守らなければならない。もし人が、これを行うならば、これによって生きるであろう。わたしは主である。
6Ngakurege kuva nomunhu unoswedera kuhama yake yomumba, kuti amufukure, ndini Jehovha.
6あなたがたは、だれも、その肉親の者に近づいて、これを犯してはならない。わたしは主である。
7Usafukura baba vako, namai vako; ndimai vako, usavafukura.
7あなたの母を犯してはならない。それはあなたの父をはずかしめることだからである。彼女はあなたの母であるから、これを犯してはならない。
8Usafukura mukadzi wababa vako; ndiko kufukura baba vako.
8あなたの父の妻を犯してはならない。それはあなたの父をはずかしめることだからである。
9Usafukura hanzvadzi yako, mwanasikana wababa vako, kana mwanasikana wamai vako, kana vakaberekerwa mumusha kana vakaberekerwa kumwe.
9あなたの姉妹、すなわちあなたの父の娘にせよ、母の娘にせよ、家に生れたのと、よそに生れたのとを問わず、これを犯してはならない。
10Usafukura mwanasikana womwanakomana wako, kana mwanasikana womwanasikana wako; nekuti kufukurwa kwavo ndiko kwako.
10あなたのむすこの娘、あるいは、あなたの娘の娘を犯してはならない。それはあなた自身をはずかしめることだからである。
11Usafukura mwanasikana womukadzi wababa vako, wakaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako.
11あなたの父の妻があなたの父によって産んだ娘は、あなたの姉妹であるから、これを犯してはならない。
12Usafukura vatete vako; ihama yomumba mababa vako.
12あなたの父の姉妹を犯してはならない。彼女はあなたの父の肉親だからである。
13Usafukura mainini vako, nekuti ihama yomumba mamai vako.
13またあなたの母の姉妹を犯してはならない。彼女はあなたの母の肉親だからである。
14Usafukura babamunini vako, usaswedera kumukadzi wake, ndimainini vako.
14あなたの父の兄弟の妻を犯し、父の兄弟をはずかしめてはならない。彼女はあなたのおばだからである。
15Usafukura mukadzi womwanakomana wako, ndimukadzi womwanakomana wako; usamufukura.
15あなたの嫁を犯してはならない。彼女はあなたのむすこの妻であるから、これを犯してはならない。
16Usafukura mukadzi womunin'ina wako, ndiko kufukurwa komwanakomana wako.
16あなたの兄弟の妻を犯してはならない。それはあなたの兄弟をはずかしめることだからである。
17Usafukura mukadzi pamwechete nomwanasikana wake; usatora mwanasikana womwanakomana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; zvakashata.
17あなたは女とその娘とを一緒に犯してはならない。またその女のむすこの娘、またはその娘の娘を取って、これを犯してはならない。彼らはあなたの肉親であるから、これは悪事である。
18Usatora mukadzi pamwechete nomunin'ina wake, arwidzane naye, kuti umufukure pamwechete nomumwe achiri mupenyu.
18あなたは妻のなお生きているうちにその姉妹を取って、同じく妻となし、これを犯してはならない。
19Usaswedera kumukadzi kuti umufukure, achakaipa nokuva kumwedzi kwake.
19あなたは月のさわりの不浄にある女に近づいて、これを犯してはならない。
20Usavata nomukadzi wowokwako panyama, kuti uzvisvibise naye.
20隣の妻と交わり、彼女によって身を汚してはならない。
21Usapa mumwe wavana vako kuti apinde mumoto kuna Moreki, uye usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.
21あなたの子どもをモレクにささげてはならない。またあなたの神の名を汚してはならない。わたしは主である。
22Usavata nomurume sezvinovatwa nomukadzi; zvinonyangadza.
22あなたは女と寝るように男と寝てはならない。これは憎むべきことである。
23Usavata nechipfuwo chipi nechipi kuti uzvisvibise nacho; nomukadzi ngaarege kumira pamberi pechipfuwo kuti akwirwe nacho; zvinonyangadza kwazvo.
23あなたは獣と交わり、これによって身を汚してはならない。また女も獣の前に立って、これと交わってはならない。これは道にはずれたことである。
24Regai kuzvisvibisa kune chinhu chimwe chaizvozvi; nekuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu;
24あなたがたはこれらのもろもろの事によって身を汚してはならない。わたしがあなたがたの前から追い払う国々の人は、これらのもろもろの事によって汚れ、
25nenyika yakasvibiswa; naizvozvo ndinoirova pamusoro pezvakaipa zvayo, nyika irutse vanhu vageremo.
25その地もまた汚れている。ゆえに、わたしはその悪のためにこれを罰し、その地もまたその住民を吐き出すのである。
26Naizvozvo imwi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.
26ゆえに、あなたがたはわたしの定めとわたしのおきてを守り、これらのもろもろの憎むべき事の一つでも行ってはならない。国に生れた者も、あなたがたのうちに宿っている寄留者もそうである。
27(Nokuti vanhu venyika ino, vakakutangirai, vakaita zvinhu izvi zvose zvinonyangadza, nyika ikasvibiswa;)
27あなたがたの先にいたこの地の人々は、これらのもろもろの憎むべき事を行ったので、その地も汚れたからである。
28kuti nyika irege kukurutsaiwo, kana muchiisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai.
28これは、あなたがたがこの地を汚して、この地があなたがたの先にいた民を吐き出したように、あなたがたをも吐き出すことのないためである。
29Nekuti ani naani unoita chinhu chimwe chaizvozvi zvinonyangadza, vanhu vanozviita vachabviswa pakati porudzi rwavo.
29これらのもろもろの憎むべき事の一つでも行う者があれば、これを行う人は、だれでもその民のうちから断たれるであろう。それゆえに、あなたがたはわたしの言いつけを守り、先に行われたこれらの憎むべき風習の一つをも行ってはならない。またこれによって身を汚してはならない。わたしはあなたがたの神、主である』」。
30Naizvozvo chengetai zvandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyangadza, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
30それゆえに、あなたがたはわたしの言いつけを守り、先に行われたこれらの憎むべき風習の一つをも行ってはならない。またこれによって身を汚してはならない。わたしはあなたがたの神、主である』」。