1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はモーセに言われた、
2Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, Ivai vatsvene, nekuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.
2「イスラエルの人々の全会衆に言いなさい、『あなたがたの神、主なるわたしは、聖であるから、あなたがたも聖でなければならない。
3Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta masabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
3あなたがたは、おのおのその母とその父とをおそれなければならない。またわたしの安息日を守らなければならない。わたしはあなたがたの神、主である。
4Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu.
4むなしい神々に心を寄せてはならない。また自分のために神々を鋳て造ってはならない。わたしはあなたがたの神、主である。
5Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira
5酬恩祭の犠牲を主にささげるときは、あなたがたが受け入れられるように、それをささげなければならない。
6Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto.
6それは、ささげた日と、その翌日とに食べ、三日目まで残ったものは、それを火で焼かなければならない。
7Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi.
7もし三日目に、少しでも食べるならば、それは忌むべきものとなって、あなたは受け入れられないであろう。
8Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nekuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
8それを食べる者は、主の聖なる物を汚すので、そのとがを負わなければならない。その人は民のうちから断たれるであろう。
9Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako.
9あなたがたの地の実のりを刈り入れるときは、畑のすみずみまで刈りつくしてはならない。またあなたの刈入れの落ち穂を拾ってはならない。
10Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
10あなたのぶどう畑の実を取りつくしてはならない。またあなたのぶどう畑に落ちた実を拾ってはならない。貧しい者と寄留者とのために、これを残しておかなければならない。わたしはあなたがたの神、主である。
11Musaba; kana kunyengera, musareva nhema mumwe kune mumwe.
11あなたがたは盗んではならない。欺いてはならない。互に偽ってはならない。
12Musapika nhema nezita rangu, kuti usasvibisa zita raMwari wako; ndini Jehovha.
12わたしの名により偽り誓って、あなたがたの神の名を汚してはならない。わたしは主である。
13Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira.
13あなたの隣人をしえたげてはならない。また、かすめてはならない。日雇人の賃銀を明くる朝まで、あなたのもとにとどめておいてはならない。
14Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu, asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha.
14耳しいを、のろってはならない。目しいの前につまずく物を置いてはならない。あなたの神を恐れなければならない。わたしは主である。
15Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.
15さばきをするとき、不正を行ってはならない。貧しい者を片よってかばい、力ある者を曲げて助けてはならない。ただ正義をもって隣人をさばかなければならない。
16Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha.
16民のうちを行き巡って、人の悪口を言いふらしてはならない。あなたの隣人の血にかかわる偽証をしてはならない。わたしは主である。
17Usavenga hama yako mumoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake.
17あなたは心に兄弟を憎んではならない。あなたの隣人をねんごろにいさめて、彼のゆえに罪を身に負ってはならない。
18Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.
18あなたはあだを返してはならない。あなたの民の人々に恨みをいだいてはならない。あなた自身のようにあなたの隣人を愛さなければならない。わたしは主である。
19Chengetai mitemo yangu. Usaberekesa zvipfuwo zvako norumwe rudzi; usadzvara mbeu dzamarudzi maviri mumunda mako; usafuka nguvo yakarukwa nezvinhu zvamarudzi maviri.
19あなたがたはわたしの定めを守らなければならない。あなたの家畜に異なった種をかけてはならない。あなたの畑に二種の種をまいてはならない。二種の糸の混ぜ織りの衣服を身につけてはならない。
20Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikunurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nekuti wakange asina kusunungurwa.
20だれでも、人と婚約のある女奴隷で、まだあがなわれず、自由を与えられていない者と寝て交わったならば、彼らふたりは罰を受ける。しかし、殺されることはない。彼女は自由の女ではないからである。
21Ngaauye nechipiriso chemhosva kuna Jehovha pamukova wetende rokusangana, rive gondobwe rechipiriso chemhosva.
21しかし、その男は愆祭を主に携えてこなければならない。すなわち、愆祭の雄羊を、会見の幕屋の入口に連れてこなければならない。
22Zvino mupristi anofanira kumuyananisira negondobwe rechipiriso chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza; ipapo uchakangamwirwa zvivi zvake zvaakatadza.
22そして、祭司は彼の犯した罪のためにその愆祭の雄羊をもって、主の前に彼のために、あがないをするであろう。こうして彼の犯した罪はゆるされるであろう。
23Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kutora michero yayo sechinhu chisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.
23あなたがたが、かの地にはいって、もろもろのくだものの木を植えるときは、その実はまだ割礼をうけないものと、見なさなければならない。すなわち、それは三年の間あなたがたには、割礼のないものであって、食べてはならない。
24Asi negore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, kuti murumbidze Jehovha nazvo.
24四年目には、そのすべての実を聖なる物とし、それをさんびの供え物として主にささげなければならない。
25Negore rechishanu mungadya michero yayo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
25しかし五年目には、あなたがたはその実を食べることができるであろう。こうするならば、それはあなたがたのために、多くの実を結ぶであろう。わたしはあなたがたの神、主である。
26Musadya chinhu chine ropa racho; musaita mazango, kana kutenda mashura.
26あなたがたは何をも血のままで食べてはならない。また占いをしてはならない。魔法を行ってはならない。
27Musaveura misoro yenyu muchiita matendeure, uye musashatisa nhivi dzendebvu dzenyu.
27あなたがたのびんの毛を切ってはならない。ひげの両端をそこなってはならない。
28Musazvicheka miviri yenyu nokuda kwavakafa, kana kuzvitema nyora; ndini Jehovha.
28死人のために身を傷つけてはならない。また身に入墨をしてはならない。わたしは主である。
29Usaisa mwanasikana wako, uchimuita chifeve; kuti nyika irege kupata, nyika izare nezvakaipa.
29あなたの娘に遊女のわざをさせて、これを汚してはならない。これはみだらな事が国に行われ、悪事が地に満ちないためである。
30Chengetai masabata angu, nokutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
30あなたがたはわたしの安息日を守り、わたしの聖所を敬わなければならない。わたしは主である。
31Musava nehanya namasvikiro, kana musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
31あなたがたは口寄せ、または占い師のもとにおもむいてはならない。彼らに問うて汚されてはならない。わたしはあなたがたの神、主である。
32Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.
32あなたは白髪の人の前では、起立しなければならない。また老人を敬い、あなたの神を恐れなければならない。わたしは主である。
33Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa.
33もし他国人があなたがたの国に寄留して共にいるならば、これをしえたげてはならない。
34Mutorwa ugere nemwi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nekuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.
34あなたがたと共にいる寄留の他国人を、あなたがたと同じ国に生れた者のようにし、あなた自身のようにこれを愛さなければならない。あなたがたもかつてエジプトの国で他国人であったからである。わたしはあなたがたの神、主である。
35Musaita zvisina kururama pakutonga, kana pakuyera nechitanda, kana pakuyera kurema, kana pachiyero.
35あなたがたは、さばきにおいても、物差しにおいても、はかりにおいても、ますにおいても、不正を行ってはならない。
36Ivai nezviyero zvakarurama, nezvokuenzanisa nazvo zvakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyikayeEgipita
36あなたがたは正しいてんびん、正しいおもり石、正しいエパ、正しいヒンを使わなければならない。わたしは、あなたがたをエジプトの国から導き出したあなたがたの神、主である。あなたがたはわたしのすべての定めと、わたしのすべてのおきてを守って、これを行わなければならない。わたしは主である』」。
37Chengetai mitemo yangu yose, nezvandakatonga zvose, kuti muzviite; ndini Jehovha.
37あなたがたはわたしのすべての定めと、わたしのすべてのおきてを守って、これを行わなければならない。わたしは主である』」。