1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はまたモーセに言われた、
2Uyezve, uti kuvana vaIsiraeri, Ani naani pakati pavana vaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.
2「イスラエルの人々に言いなさい、『イスラエルの人々のうち、またイスラエルのうちに寄留する他国人のうち、だれでもその子供をモレクにささげる者は、必ず殺されなければならない。すなわち、国の民は彼を石で撃たなければならない。
3Neniwo ndichananaidza munhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nekuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.
3わたしは顔をその人に向け、彼を民のうちから断つであろう。彼がその子供をモレクにささげてわたしの聖所を汚し、またわたしの聖なる名を汚したからである。
4Kana vanhu vakaita savasingaoni munhu uyo, kana achipa Moreki vamwe pakati pavana vake, vakasamuuraya;
4その人が子供をモレクにささげるとき、国の民がもしことさらに、この事に目をおおい、これを殺さないならば、
5ipapo ini ndichananaidza munhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye navose vanomutevera pakupata naMoreki.
5わたし自身、顔をその人とその家族とに向け、彼および彼に見ならってモレクを慕い、これと姦淫する者を、すべて民のうちから断つであろう。
6Munhu unotsaukira kumasvikiro navavuki kuvatevera pakupata, ndichananaidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.
6もし口寄せ、または占い師のもとにおもむき、彼らを慕って姦淫する者があれば、わたしは顔をその人に向け、これを民のうちから断つであろう。
7Naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene; nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
7ゆえにあなたがたは、みずからを聖別し、聖なる者とならなければならない。わたしはあなたがたの神、主である。
8Munofanira kuchengeta mitemo yangu, nokuiita; ndini Jehovha unokutsaurai.
8あなたがたはわたしの定めを守って、これを行わなければならない。わたしはあなたがたを聖別する主である。
9Nekuti mumwe nomumwe unotuka baba vake, kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; munhu wakatuka baba vake kana mai vake, mhosva yeropa rake ichava pamusoro pake.
9だれでも父または母をのろう者は、必ず殺されなければならない。彼が父または母をのろったので、その血は彼に帰するであろう。
10Munhu unoita upombwe nomukadzi womumwe, iye unoita upombwe nomukadzi wowokwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vose vachaurawa.
10人の妻と姦淫する者、すなわち隣人の妻と姦淫する者があれば、その姦夫、姦婦は共に必ず殺されなければならない。
11Munhu unovata nomukadzi wababa vake, wafukura baba vake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
11その父の妻と寝る者は、その父をはずかしめる者である。彼らはふたりとも必ず殺されなければならない。その血は彼らに帰するであろう。
12Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
12子の妻と寝る者は、ふたり共に必ず殺されなければならない。彼らは道ならぬことをしたので、その血は彼らに帰するであろう。
13Kana munhu akavata nomurume sezvinoitwa nomukadzi, zvirokwazvo vose vari vaviri vakaita zvinonyangadza, vose vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
13女と寝るように男と寝る者は、ふたりとも憎むべき事をしたので、必ず殺されなければならない。その血は彼らに帰するであろう。
14Kana munhu akatora mukadzi pamwechete namai vake, zvakaipa; vanofanira kupiswa nomoto vose, iye naivo; kuti kurege kuva nezvakaipa pakati penyu.
14女をその母と一緒にめとるならば、これは悪事であって、彼も、女たちも火に焼かれなければならない。このような悪事をあなたがたのうちになくするためである。
15Kana munhu akavata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa; nechipfuwowo munofanira kuchiuraya.
15男がもし、獣と寝るならば彼は必ず殺されなければならない。あなたがたはまた、その獣を殺さなければならない。
16Kana mukadz akaswedera kuchipfuwo chipi nechipi kuti avate pamberi pacho, munofanira kuuraya mukadzi nechipfuwo; zvirokwazvo zvinofanira kuurawa; mhosva yeropa razvo ichava pamusoro pazvo.
16女がもし、獣に近づいて、これと寝るならば、あなたは、その女と獣とを殺さなければならない。彼らは必ず殺さるべきである。その血は彼らに帰するであろう。
17Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinyonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.
17人がもし、その姉妹、すなわち父の娘、あるいは母の娘に近づいて、その姉妹のはだを見、女はその兄弟のはだを見るならば、これは恥ずべき事である。彼らは、その民の人々の目の前で、断たれなければならない。彼は、その姉妹を犯したのであるから、その罪を負わなければならない。
18Kana munhu akavata nomukadzi panguva yokuva kumwedzi kwake, akamufukura, wafukura tsime rake, naiye wafukura tsime reropa rake; ivo vaviri vose vanofanira kubviswa pakati porudzi rwavo.
18人がもし、月のさわりのある女と寝て、そのはだを現すならば、男は女の源を現し、女は自分の血の源を現したのであるから、ふたり共にその民のうちから断たれなければならない。
19Usafukura mainini vako, kana vatete vako, nekuti wafukura hama yako yomumba; vachava nemhosva yavo.
19あなたの母の姉妹、またはあなたの父の姉妹を犯してはならない。これは、自分の肉親の者を犯すことであるから、彼らはその罪を負わなければならない。
20Kana munhu akavata nomukadzi wababamunini vake, wafukura babamunini vake; vachava nezvivi zvavo; vachafa vasina vana.
20人がもし、そのおばと寝るならば、これはおじをはずかしめることであるから、彼らはその罪を負い、子なくして死ぬであろう。
21Kana munhu akatora mukadzi womunin'ina wake, chinhu chine tsvina; wafukura munin'ina wake; vachashaiwa vana.
21人がもし、その兄弟の妻を取るならば、これは汚らわしいことである。彼はその兄弟をはずかしめたのであるから、彼らは子なき者となるであろう。
22Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai.
22あなたがたはわたしの定めとおきてとをことごとく守って、これを行わなければならない。そうすれば、わたしがあなたがたを住まわせようと導いて行く地は、あなたがたを吐き出さぬであろう。
23Musafamba netsika dzorudzi rwavanhu vandichadzinga pamberi penyu; nekuti ivo vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema.
23あなたがたの前からわたしが追い払う国びとの風習に、あなたがたは歩んではならない。彼らは、このもろもろのことをしたから、わたしは彼らを憎むのである。
24Asi ndakakuudzai imwi, ndikati, Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi.
24わたしはあなたがたに言った、「あなたがたは、彼らの地を獲るであろう。わたしはこれをあなたがたに与えて、これを獲させるであろう。これは乳と蜜との流れる地である」。わたしはあなたがたを他の民から区別したあなたがたの神、主である。
25Naizvozvo tsaurai zvipfuwo zvakanaka pane zvakaipa, neshiri dzakaipa pane dzakanaka; kuti murege kuva vanhu vanonyangadza nezvipfuwo, kana neshiri, kana nechinhu chipi nechipi chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri ndichiti, hazvina kunaka.
25あなたがたは清い獣と汚れた獣、汚れた鳥と清い鳥を区別しなければならない。わたしがあなたがたのために汚れたものとして区別した獣、または鳥またはすべて地を這うものによって、あなたがたの身を忌むべきものとしてはならない。
26Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nekuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu.
26あなたがたはわたしに対して聖なる者でなければならない。主なるわたしは聖なる者で、あなたがたをわたしのものにしようと、他の民から区別したからである。男または女で、口寄せ、または占いをする者は、必ず殺されなければならない。すなわち、石で撃ち殺さなければならない。その血は彼らに帰するであろう』」。
27Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
27男または女で、口寄せ、または占いをする者は、必ず殺されなければならない。すなわち、石で撃ち殺さなければならない。その血は彼らに帰するであろう』」。