1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Taura navapristi, vanakomana vaAroni, uti kwavari, mupristi ngaarege kuzvisvibisa kuna vakafa pakati porudzi rwake;
1主はまたモーセに言われた、「アロンの子なる祭司たちに告げて言いなさい、『民のうちの死人のために、身を汚す者があってはならない。
2asi kuhama yake yomumba, kana mai vake, kana baba vake, kana mwanakomana wake, kana mwanasikana wake, kana munin'ina wake;
2ただし、近親の者、すなわち、父、母、むすこ、娘、兄弟のため、
3kana hanzvadzi yake ichiri mhandara, hama yomumba, usina kumbova nomurume; ungazvisvibisa kwaari.
3また彼の近親で、まだ夫のない処女なる姉妹のためには、その身を汚してもよい。
4Ngaarege kuzvisvibisa, zvaari mukuru pakati pehama dzake, kuti azvishatise.
4しかし、夫にとついだ姉妹のためには、身を汚してはならない。
5Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhazha, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.
5彼らは頭の頂をそってはならない。ひげの両端をそり落してはならない。また身に傷をつけてはならない。
6Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo, varege kumhura zita raMwari wavo; nekuti ndivo vanouya nezvipiriso zvaJehovha zvinopiswa, zvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo ngavave vatsvene.
6彼らは神に対して聖でなければならない。また神の名を汚してはならない。彼らは主の火祭、すなわち、神の食物をささげる者であるから、聖でなければならない。
7Havafaniri kutora mukadzi chifeve, kana wakachinyiwa; ngavarege kutora mukadzi wakarambwa nomurume wake, nekuti mutsvene kuna Mwari wake.
7彼らは遊女や汚れた女をめとってはならない。また夫に出された女をめとってはならない。祭司は神に対して聖なる者だからである。
8Naizvozvo unofanira iwe kumutsaura, nekuti ndiye unouya nezvokudya zvaMwari wako; anofanira kuva mutsvene kwauri, nekuti ini Jehovha ndinokutsaurai, ndiri mutsvene.
8あなたは彼を聖としなければならない。彼はあなたの神の食物をささげる者だからである。彼はあなたにとって聖なる者でなければならない。あなたがたを聖とする主、すなわち、わたしは聖なる者だからである。
9Kana mwanasikana womupristi upi noupi achizvishatisa nokupata, unoshatisa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.
9祭司の娘である者が、淫行をなして、その身を汚すならば、その父を汚すのであるから、彼女を火で焼かなければならない。
10Munhu, ari mupristi mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomupristi mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
10その兄弟のうち、頭に注ぎ油を注がれ、職に任ぜられて、その衣服をつけ、大祭司となった者は、その髪の毛を乱してはならない。またその衣服を裂いてはならない。
11Ngaarege kusvika pachitunha, kana kuzvisvibisa kuna baba vake kana mai vake;
11死人のところに、はいってはならない。また父のためにも母のためにも身を汚してはならない。
12ngaarege kubuda panzvimbo tsvene, kana kushatisa nzvimbo tsvene yaMwari wake, nekuti mafuta okugadza aMwari wake ari pamusoro pake; ndini Jehovha.
12また聖所から出てはならない。神の聖所を汚してはならない。その神の注ぎ油による聖別が、彼の上にあるからである。わたしは主である。
13Ngaazvitorere mukadzi ichiri mhandara.
13彼は処女を妻にめとらなければならない。
14Ngaarege kutora chirikadzi, kana wakarambwa nomurume wake, kana wakachinyiwa, kana chifeve, asi ngaatore mukadzi ichiri mhandara pakati porudzi rwake.
14寡婦、出された女、汚れた女、遊女などをめとってはならない。ただ、自分の民のうちの処女を、妻にめとらなければならない。
15Ngaarege kushatisa vana vake pakati porudzi rwake; nekuti ndini Jehovha ndinomutsaura.
15そうすれば、彼は民のうちに、自分の子孫を汚すことはない。わたしは彼を聖別する主だからである』」。
16zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,
16主はまたモーセに言われた、
17Taura naAroni, uti, Ani naani wakaremara pakati pavana vako pamarudzi avo ose, ngaarege kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
17「アロンに告げて言いなさい、『あなたの代々の子孫で、だれでも身にきずのある者は近寄って、神の食物をささげてはならない。
18Nekuti munhu upi noupi wakaremara ngaarege kuswedera kana riri bofu, kana chirema, kana wakaremara pachiso, kana uno mutezo wakarebesa,
18すべて、その身にきずのある者は近寄ってはならない。すなわち、目しい、足なえ、鼻のかけた者、手足の不つりあいの者、
19kana munhu ano rutsoka rwakavhunika, kana ruoko rwakavhunika,
19足の折れた者、手の折れた者、
20kana ano musana wakakombama, kana wakawonda kwazvo, kana uno ruvara paziso rake, kana ane mhizi, kana ane pakafunuka, kana wakaremara pamberi;
20せむし、こびと、目にきずのある者、かいせんの者、かさぶたのある者、こうがんのつぶれた者などである。
21munhu upi noupi worudzi rwomupristi Aroni wakaremara haafaniri kuswedera kuuya nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha; wakaremara, haafaniri kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
21すべて祭司アロンの子孫のうち、身にきずのある者は近寄って、主の火祭をささげてはならない。彼は身にきずがあるから、神の食物をささげるために、近寄ってはならない。
22Ungadya hake zvokudya zvaMwari wake, zvitsvene zvikuru nezvitsvene zvose.
22彼は神の食物の聖なる物も、最も聖なる物も食べることができる。
23Asi haafaniri kupinda mukati mechidzitiro, kana kuswedera kuaritari nekuti wakaremara; kuti arege kushatisa nzvimbo dzangu tsvene; nekuti ndini Jehovha ndinovatsaura.
23ただし、垂幕に近づいてはならない。また祭壇に近寄ってはならない。身にきずがあるからである。彼はわたしの聖所を汚してはならない。わたしはそれを聖別する主である』」。モーセはこれをアロンとその子ら及びイスラエルのすべての人々に告げた。
24Mozisi akataura saizvozvo naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose.
24モーセはこれをアロンとその子ら及びイスラエルのすべての人々に告げた。