1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はまたモーセに言われた、
2Taura naAroni navanakomana vake, kuti vazvitsaure pazvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, zvavanonditsaurira, kuti varege kushatisa zita rangu dzvene; ndini Jehovha.
2「アロンとその子たちに告げて、イスラエルの人々の聖なる物、すなわち、彼らがわたしにささげる物をみだりに用いて、わたしの聖なる名を汚さないようにさせなさい。わたしは主である。
3Uti kwavari, Ani naani kuvana venyu kumarudzi enyu ose, unoswedera kuzvinhu zvitsvene, zvakatsaurirwa Jehovha navana vaIsiraeri, asina kunaka, munhu uyo anofanira kubviswa pamberi pangu; ndini Jehovha.
3彼らに言いなさい、『あなたがたの代々の子孫のうち、だれでも、イスラエルの人々が主にささげる聖なる物に、汚れた身をもって近づく者があれば、その人はわたしの前から断たれるであろう。わたしは主である。
4Ani naani kuvana vaAroni ane maperembudzi kana ane zvinoyerera ngaarege kudya zvinhu zvitsvene kusvikira anaka. Ani naani unobata chinhu chakasvibiswa nowakafa kana munhu unobudirwa nembeu yake;
4アロンの子孫のうち、だれでも、らい病の者、また流出ある者は清くなるまで、聖なる物を食べてはならない。また、すべて死体によって汚れた物に触れた者、精を漏らした者、
5kana ani naani unobata chinhu chipi nechipi chinokambaira chingamusvibisa, kana munhu waangasvibiswa naye, uno kusanaka kupi nokupi.
5または、すべて人を汚す這うものに触れた者、または、どのような汚れにせよ、人を汚れさせる人に触れた者、
6Munhu unobata chinhu chipi nechipi chakadai, uchava usina kunaka kusvikira madeko; haafaniri kudya zvinhu zvitsvene asati ashambidza muviri wake nemvura.
6このようなものに触れた人は夕まで汚れるであろう。彼はその身を水にすすがないならば、聖なる物を食べてはならない。
7Kana zuva ravira uchava wakanaka; pashure ungadya hake zvinhu zvitsvene; nekuti ndizvo zvokudya zvake.
7日が入れば、彼は清くなるであろう。そののち、聖なる物を食べることができる。それは彼の食物だからである。
8Ngaarege kudya chinhu chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, kuti azvisvibise nazvo; ndini Jehovha.
8自然に死んだもの、または裂き殺されたものを食べ、それによって身を汚してはならない。わたしは主である。
9Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvishatisa; ndini Jehovha, ndinovatsaura.
9それゆえに、彼らはわたしの言いつけを守らなければならない。彼らがこれを汚し、これがために、罪を獲て死ぬことのないためである。わたしは彼らを聖別する主である。
10Mweni ngaarege kudya chinhu chitsvene; mutorwa ugere nomupristi, kana muranda, ngavarege kudya chinhu chitsvene.
10すべて一般の人は聖なる物を食べてはならない。祭司の同居人や雇人も聖なる物を食べてはならない。
11Asi kana mupristi akatenga munhu nomutengo wemari yake, iye ungazvidya; uye vose vanoberekerwa mumba make, vangadya zvokudya zvake.
11しかし、祭司が金をもって人を買った時は、その者はこれを食べることができる。またその家に生れた者も祭司の食物を食べることができる。
12Kana mwanasikana womupristi akawanikwa nomweni, ngaarege kudya chipiriso chinotsaurwa chezvinhu zvitsvene.
12もし祭司の娘が一般の人にとついだならば、彼女は聖なる供え物を食べてはならない。
13Asi kana mwanasikana womupristi iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya.
13もし祭司の娘が、寡婦となり、または出されて、子供もなく、その父の家に帰り、娘の時のようであれば、その父の食物を食べることができる。ただし、一般の人は、すべてこれを食べてはならない。
14Kana munhu akadya chinhu chitsvene asingazivi, uchafanira kuwedzera cheshanu chacho kwachiri, kuti adzosere kumupristi chinhu chitsvene.
14もし人があやまって聖なる物を食べるならば、それにその五分の一を加え、聖なる物としてこれを祭司に渡さなければならない。
15Ngavarege kushatisa zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha;
15祭司はイスラエルの人々が、主にささげる聖なる物を汚してはならない。
16kuti varege kuva nemhosva yezvivi, kana vachidya zvinhu zvavo zvitsvene; nekuti ndini Jehovha ndinovatsaura.
16人々が聖なる物を食べて、その罪のとがを負わないようにさせなければならない。わたしは彼らを聖別する主である』」。
17Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
17主はまたモーセに言われた、
18Taura naAroni, navanakomana vake, navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, Ani naani weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa pakati pavaIsiraeri, unouya nechipo chake, kana chiri chemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuda kwavo, chavanouya nacho kuna Jehovha, kuti chipiswe;
18「アロンとその子たち、およびイスラエルのすべての人々に言いなさい、『イスラエルの家の者、またはイスラエルにおる他国人のうちのだれでも、誓願の供え物、または自発の供え物を燔祭として主にささげようとするならば、
19munofanira kuuya nomukono usina kuremara kana wemombe, kana gondobwe ramakwai, kana nhongo yembudzi, kuti mugamuchirwe.
19あなたがたの受け入れられるように牛、羊、あるいはやぎの雄の全きものをささげなければならない。
20Asi musauya nechinhu chakaremara, nekuti hamungagamuchirwi nokuda kwacho.
20すべてきずのあるものはささげてはならない。それはあなたがたのために、受け入れられないからである。
21Ani naani unouya nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, chokupika nacho, kana kuti ive nhendo yokuda kwake, kana chiri chemombe kana chamakwai, chinofanira kuva chakakwana., kuti chigamuchigwe; ngachirege kuva chakaremara.
21もし人が特別の誓願をなすため、または自発の供え物のために、牛または羊を酬恩祭の犠牲として、主にささげようとするならば、その受け入れられるために、それは全きものでなければならない。それには、どんなきずもあってはならない。
22Kana chiri chinhu chakaita bofu, kana chakavhunika, kana chakakuvara, kana chinamaronda, kana chine chikwekwe, kana china pakafunuka, murege kupa Jehovha izvozvo, musapisira Jehovha izvozvo paaritari.
22すなわち獣のうちで、めくらのもの、折れた所のあるもの、切り取った所のあるもの、うみの出る者、かいせんの者、かさぶたのある者など、あなたがたは、このようなものを主にささげてはならない。また祭壇の上に、これらを火祭として、主にささげてはならない。
23Kana iri nzombe duku kana gwayana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupika, mungauya nazvo kuti muite nhendo yokuda kwenyu, asi hazvingagamuchirwi pakuripira mhiko.
23牛あるいは羊で、足の長すぎる者、または短すぎる者は、あなたがたが自発の供え物とすることはできるが、誓願の供え物としては受け入れられないであろう。
24Musapa Jehovha chinhu china manhu akakuvadzwa, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana ,akachekwa, musadaro panyika yenyu.
24あなたがたは、こうがんの破れたもの、つぶれたもの、裂けたもの、または切り取られたものを、主にささげてはならない。またあなたがたの国のうちで、このようなことを、行ってはならない。
25Musagamuchira zvakadai paruoko rwomutorwa, kuti mupe Mwari wenyu zvokudya zvakadai, nekuti zvakaipa, zvakaremara, hazvingagamuchirwi nokuda kwenyu.
25また、あなたがたは異邦人の手からこれらのものを受けて、あなたがたの神の食物としてささげてはならない。これらのものには欠点があり、きずがあって、あなたがたのために受け入れられないからである』」。
26Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
26主はまたモーセに言われた、
27Kana nzombe, kana gwai, kana mbudzi zvichiberekwa, zvinofanira kugara pana mai vazvo mazuva manomwe; kubva pazuva rorusere napashure paro zvingagamuchirwa kuti zviite chipo chinopisirwa Jehovha.
27「牛、または羊、またはやぎが生れたならば、これを七日の間その母親のもとに置かなければならない。八日目からは主にささげる火祭として受け入れられるであろう。
28Kana iri mhou kana nhunzvi, musazviuraya pamusi mumwe navana vazvo.
28あなたがたは雌牛または雌羊をその子と同じ日にほふってはならない。
29Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, munofanira kuchibayira saizvozvo kuti mugamuchirwe.
29あなたがたが感謝の犠牲を主にささげるときは、あなたがたの受け入れられるようにささげなければならない。
30Chinofanira kudyiwa nomusi iwoyo; musasiya zvimwe kusvikira mangwana; ndini Jehovha.
30これはその日のうちに食べなければならない。明くる日まで残しておいてはならない。わたしは主である。
31Naizvozvo chengetai mirairo yangu, muiite; ndini Jehovha.
31あなたがたはわたしの戒めを守り、これを行わなければならない。わたしは主である。
32Usashatisa zita rangu dzvene; ndinoda kutsaurwa pakati pavana vaIsiraeri, ndini Jehovha, ndinokutsaurai;
32あなたがたはわたしの聖なる名を汚してはならない。かえって、わたしはイスラエルの人々のうちに聖とされなければならない。わたしはあなたがたを聖別する主である。あなたがたの神となるために、あなたがたをエジプトの国から導き出した者である。わたしは主である」。
33ndakakubudisai panyika kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha.
33あなたがたの神となるために、あなたがたをエジプトの国から導き出した者である。わたしは主である」。