1Jehovha wakataura naMozisi akati,
1主はまたモーセに言われた、
2Raira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta akanaka amaorivhi, akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.
2「イスラエルの人々に命じて、オリブを砕いて採った純粋の油を、ともしびのためにあなたの所へ持ってこさせ、絶えずともしびをともさせなさい。
3Kunze kwechidzitiro chechipupuriro, mutende rokusangana, Aroni anofanira kuigadzira kubva madekwana kusvikira mangwanani nguva dzose pamberi paJehovha; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
3すなわち、アロンは会見の幕屋のうちのあかしの垂幕の外で、夕から朝まで絶えず、そのともしびを主の前に整えなければならない。これはあなたがたが代々ながく守るべき定めである。
4Anofanira kugadzira mwenje pachigadziko chakaisvonaka nguva dzose pamberi paJehovha.
4彼は純金の燭台の上に、そのともしびを絶えず主の前に整えなければならない。
5Iwe unofanira kutora upfu hwakatsetseka, ugobika nahwo zvingwa zvine gumi nezviviri; chingwa chimwe nechimwe chinofanira kuitwa nezvegumi zviviri zveefa.
5あなたは麦粉を取り、それで十二個の菓子を焼かなければならない。菓子一個に麦粉十分の二エパを用いなければならない。
6Unofanira kuzvigadzika patafura yakaisvonaka pamberi paJehovha uchiita nhurikidzwa mbiri, zvitanhatu panhurikidzwa.
6そしてそれを主の前の純金の机の上に、ひと重ね六個ずつ、ふた重ねにして置かなければならない。
7Unofanira kuisawo pamusoro penhurikidzwa imwe neimwe zvinonhuhwira zvakanaka, kuti chive chokurangaridza chechingwa, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
7あなたはまた、おのおのの重ねの上に、純粋の乳香を置いて、そのパンの記念の分とし、主にささげて火祭としなければならない。
8Musi mumwe nomumwe wesabata unofanira kuzvirongedza pamberi paJehovha nguva dzose; isungano isingaperi inoitwa navana valsiraeri.
8安息日ごとに絶えず、これを主の前に整えなければならない。これはイスラエルの人々のささぐべきものであって、永遠の契約である。
9Zvinofanira kuva zvaAroni navanakomana vake; vazvidye panzvimbo tsvene, nekuti chitsvene kwazvo kwaari pakati pezvipiriso zvinopisirwa Jehovha nomutemo usingaperi.
9これはアロンとその子たちに帰する。彼らはこれを聖なる所で食べなければならない。これはいと聖なる物であって、主の火祭のうち彼に帰すべき永久の分である」。
10Zvino mwanakomana womukadzi muIsiraeri, asi baba vake vaiva munhu weEgipita, wakafamba pakati pavana vaIsiraeri, mwanakomana womukadzi muIsiraeri akarwa nomurume muIsiraeri pamisasa.
10イスラエルの女を母とし、エジプトびとを父とするひとりの者が、イスラエルの人々のうちに出てきて、そのイスラエルの女の産んだ子と、ひとりのイスラエルびとが宿営の中で争いをし、
11Mwanakomana womukadzi muIsiraeri akamhura zita raJehovha, akatuka, vakaenda naye kuna Mozisi. Zita ramai vake rakanga riri Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri, worudzi rwaDhani.
11そのイスラエルの女の産んだ子が主の名を汚して、のろったので、人々は彼をモーセのもとに連れてきた。その母はダンの部族のデブリの娘で、名をシロミテといった。
12Vakamuisa mutirongo, kuti vaziviswe zvinorehwa naJehovha.
12人々は彼を閉じ込めて置いて、主の示しを受けるのを待っていた。
13Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
13時に主はモーセに言われた、
14Budisa mutuki kunze kwemisasa; zvino vose, vakamunzwa, vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake, ungano yose igomutaka namabwe.
14「あの、のろいごとを言った者を宿営の外に引き出し、それを聞いた者に、みな手を彼の頭に置かせ、全会衆に彼を石で撃たせなさい。
15Zvino iwe utaure navana vaIsiraeri, uti, Ani naani anotuka Mwari wake anofanira kurohwa pamusoro pezvivi zvake.
15あなたはまたイスラエルの人々に言いなさい、『だれでも、その神をのろう者は、その罪を負わなければならない。
16Munhu unomhura zita raJehovha, zvirokwazvo anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe, kana ari mutorwa, kana ari wakaberekerwa munyika, kana achimhura zita raJehovha unofanira kuurawa.
16主の名を汚す者は必ず殺されるであろう。全会衆は必ず彼を石で撃たなければならない。他国の者でも、この国に生れた者でも、主の名を汚すときは殺されなければならない。
17Munhu anorova mumwe, akafa, zvirokwazvo anofanira kuurawa;
17だれでも、人を撃ち殺した者は、必ず殺されなければならない。
18nomunhu anorova chipfuwo, chikafa, anofanira kuchiripa; upenyu pachigaro choupenyu.
18獣を撃ち殺した者は、獣をもってその獣を償わなければならない。
19Kana munhu akamanikidza wokwake, sezvaakaita iye, anofanira kuitirwawo;
19もし人が隣人に傷を負わせるなら、その人は自分がしたように自分にされなければならない。
20kuvhunika kuchatsibwa nokuvhunika, ziso neziso, zino nezino, sezvaakamanikidza mumwe, naiye anofanira kuitirwa saizvozvo.
20すなわち、骨折には骨折、目には目、歯には歯をもって、人に傷を負わせたように、自分にもされなければならない。
21Munhu unouraya chipfuwo, anofanira kuripa; anouraya munhu, anofanira kuurawa.
21獣を撃ち殺した者はそれを償い、人を撃ち殺した者は殺されなければならない。
22Munofanira kuva nomurayiro mumwe chete kumutorwa kana kunowakaberekerwa panyika; nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
22他国の者にも、この国に生れた者にも、あなたがたは同一のおきてを用いなければならない。わたしはあなたがたの神、主だからである』」。モーセがイスラエルの人々に向かい、「あの、のろいごとを言った者を宿営の外に引き出し、石で撃て」と命じたので、イスラエルの人々は、主がモーセに命じられたようにした。
23Mozisi akataura navana vaIsiraeri, ivo vakabudisa mutuki kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe. Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa naMozisi.
23モーセがイスラエルの人々に向かい、「あの、のろいごとを言った者を宿営の外に引き出し、石で撃て」と命じたので、イスラエルの人々は、主がモーセに命じられたようにした。