1Zvino Jehovha wakataura naMozisi pagomo reSinai, akati,
1主はシナイ山で、モーセに言われた、
2Taura navana vaIsiraeri uti kwavari: Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha sabata.
2「イスラエルの人々に言いなさい、『わたしが与える地に、あなたがたがはいったときは、その地にも、主に向かって安息を守らせなければならない。
3Unofanira kudzvara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiringa yako makore matanhatu, nokuunganidza michero yayo.
3六年の間あなたは畑に種をまき、また六年の間ぶどう畑の枝を刈り込み、その実を集めることができる。
4Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive sabata kuna Jehovha; usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.
4しかし、七年目には、地に全き休みの安息を与えなければならない。これは、主に向かって守る安息である。あなたは畑に種をまいてはならない。また、ぶどう畑の枝を刈り込んではならない。
5Magoko ako usaakohwa, namazambiringa omuzambiringa wako usina kugurirwa usaatanha; rinofanira kuva gore rokuzorora kwazvo kwenyika.
5あなたの穀物の自然に生えたものは刈り取ってはならない。また、あなたのぶどうの枝の手入れをしないで結んだ実は摘んではならない。これは地のために全き休みの年だからである。
6Gohwo resabata renyika ndizvo zvinofanira kuva zvokudya zvenyu; zvako nezvomuranda wako, nezvomurandakadzi wako, nezvomubatiri wako, nezvomutorwa wako ugere newe;
6安息の年の地の産物は、あなたがたの食物となるであろう。すなわち、あなたと、男女の奴隷と、雇人と、あなたの所に宿っている他国人と、
7nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvazvo zvose zvinofanira kuva zvokudya zvazvo.
7あなたの家畜と、あなたの国のうちの獣とのために、その産物はみな、食物となるであろう。
8Unofanira kuverengawo masabata manomwe amakore, manomwe akaverengwa kanomwe; kuti mazuva amasabata manomwe amakore aite kwauri makore makumi mana namapfumbamwe.
8あなたは安息の年を七たび、すなわち、七年を七回数えなければならない。安息の年七たびの年数は四十九年である。
9Zvino pazuva regumi romwedzi wechinomwe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwazvo; pazuva rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose.
9七月の十日にあなたはラッパの音を響き渡らせなければならない。すなわち、贖罪の日にあなたがたは全国にラッパを響き渡らせなければならない。
10Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sununguko panyika yose kuna vose vageremo; rinofanira kuva gore rejubheri kwamuri; munofanira .kudzokera mumwe nomumwe kune zvake, munofanira kudzokera mumwe nomumwe kuhama dzake.
10その五十年目を聖別して、国中のすべての住民に自由をふれ示さなければならない。この年はあなたがたにはヨベルの年であって、あなたがたは、おのおのその所有の地に帰り、おのおのその家族に帰らなければならない。
11Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro pamizambiringa isina kugurirwa.
11その五十年目はあなたがたにはヨベルの年である。種をまいてはならない。また自然に生えたものは刈り取ってはならない。手入れをしないで結んだぶどうの実は摘んではならない。
12nekuti igore rejubheri; rinofanira kuva dzvene kwamuri; munofanira kudya zvibereko zvaro paminda.
12この年はヨベルの年であって、あなたがたに聖であるからである。あなたがたは畑に自然にできた物を食べなければならない。
13Negore iri rejubheri munofanira kudzokera mumwe nomumwe kune zvake.
13このヨベルの年には、おのおのその所有の地に帰らなければならない。
14Zvino kana uchitengesera wokwako chinhu, kana kutenga chinhu kwaari, musamanikidzana.
14あなたの隣人に物を売り、また隣人から物を買うときは、互に欺いてはならない。
15Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.
15ヨベルの後の年の数にしたがって、あなたは隣人から買い、彼もまた畑の産物の年数にしたがって、あなたに売らなければならない。
16Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nekuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.
16年の数の多い時は、その値を増し、年の数の少ない時は、値を減らさなければならない。彼があなたに売るのは産物の数だからである。
17Musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
17あなたがたは互に欺いてはならない。あなたの神を恐れなければならない。わたしはあなたがたの神、主である。
18Naizvozvo munofanira kuita zvandakatema, nokuchengeta zvandakatonga, nokuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka.
18あなたがたはわたしの定めを行い、またわたしのおきてを守って、これを行わなければならない。そうすれば、あなたがたは安らかにその地に住むことができるであろう。
19Nyika ichabereka zvibereko zvayo, imwi muchadya mukaguta, mukagaramo makachengeteka.
19地はその実を結び、あなたがたは飽きるまでそれを食べ、安らかにそこに住むことができるであろう。
20Zvino kana mukati, Tichadyei negore rechinomwe? Tarirai, hatifaniri kudzvara, hatifaniri kuunganidza zvibereko zvedu ;
20「七年目に種をまくことができず、また産物を集めることができないならば、わたしたちは何を食べようか」とあなたがたは言うのか。
21ipapo ndicharaira kuti mukomborerwe neni pagore rechitanhatu, kuti rikuberekerei zvibereko zvicharingana makore matatu.
21わたしは命じて六年目に、あなたがたに祝福をくだし、三か年分の産物を実らせるであろう。
22Negore rorusere muchadzvara, muchidya zvibereko zvisharu, kusvikira gore repfumbamwe, kusvikira zvibereko zvaro zvichisvika, muchadya zvisharu.
22あなたがたは八年目に種をまく時には、なお古い産物を食べているであろう。九年目にその産物のできるまで、あなたがたは古いものを食べることができるであろう。
23Nyika haifaniri kutengeswa chose nokusingaperi, nekuti nyika ndeyangu; nekuti muri vaeni navatorwa kwandiri.
23地は永代には売ってはならない。地はわたしのものだからである。あなたがたはわたしと共にいる寄留者、また旅びとである。
24Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikunurwe.
24あなたがたの所有としたどのような土地でも、その土地の買いもどしに応じなければならない。
25Kana hama yako ikava murombo, ikatengesa zvimwe zvayo, ipapo hama yake yomumba inofanira kuuya kuzodzikunura izvo zvakatengeswa nehama yako.
25あなたの兄弟が落ちぶれてその所有の地を売った時は、彼の近親者がきて、兄弟の売ったものを買いもどさなければならない。
26Kana munhu akashaiwa unozvidzikunura, akazova mufumi, akawana zvinoringana kuzvidzikunura;
26たといその人に、それを買いもどしてくれる人がいなくても、その人が富み、自分でそれを買いもどすことができるようになったならば、
27unofanira kuverenga makore kubva pakutengeswa kwazvo, agodzosera kuna iye waakatengana naye zvakasara, iye ndokudzokera kune zvake;
27それを売ってからの年を数えて残りの分を買い手に返さなければならない。そうすればその人はその所有の地に帰ることができる。
28asi kana asingagoni kuzvidzikunura, izvo zvaakatengesa zvinofanira kugara kuna iye wakazvitenga kusvikira pagore rejubheri; zvino pagore rejubheri zvinofanira kusunungurwa, iye agodzokera kune zvake.
28しかし、もしそれを買いもどすことができないならば、その売った物はヨベルの年まで買い主の手にあり、ヨベルにはもどされて、その人はその所有の地に帰ることができるであろう。
29Kana munhu akatengesa imba iri muguta rakakombwa namasvingo, ungaidzikunura gore rose raakatenga naro risati rapera; unofanira kuva nesimba rokuidzikunura gore rose.
29人が城壁のある町の住宅を売った時は、売ってから満一年の間は、それを買いもどすことができる。その間は彼に買いもどすことを許さなければならない。
30Kana isingadzikunurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri.
30満一年のうちに、それを買いもどさない時は、城壁のある町の内のその家は永代にそれを買った人のものと定まって、代々の所有となり、ヨベルの年にももどされないであろう。
31Asi dzimba dzemisha isina kukombwa namasvingo dzinofanira kuverengwa pamwechete neminda yenyika; dzingadzikunurwa, dzichasunungurwa pagore rejubheri.
31しかし、周囲に城壁のない村々の家は、その地方の畑に附属するものとみなされ、買いもどすことができ、またヨベルの年には、もどされるであろう。
32Asi pamaguta avaRevhi, idzo dzimba pamaguta avo, vaRevhi vangadzidzikunura nguva ipi neipi.
32レビびとの町々、すなわち、彼らの所有の町々の家は、レビびとはいつでも買いもどすことができる。
33Kana munhu akadzikunura kuva Revhi, imba yakatengeswa neguta rake zvinofanira kusunungurwa pagore rejubheri; nekuti dzimba mumaguta avaRevhi ndedzavo pakati pavana vaIsiraeri.
33レビびとのひとりが、それを買いもどさない時は、その所有の町にある売った家はヨベルの年にはもどされるであろう。レビびとの町々の家はイスラエルの人々のうちに彼らがもっている所有だからである。
34Asi minda yokuruwa rwamaguta avo haingatengeswi, nekuti ndeyavo nokusingaperi.
34ただし、彼らの町々の周囲の放牧地は売ってはならない。それは彼らの永久の所有だからである。
35Kana hama yako ikava murombo, akapera simba anewe, unofanira kumubatsira, agare newe somweni kana mutorwa.
35あなたの兄弟が落ちぶれ、暮して行けない時は、彼を助け、寄留者または旅びとのようにして、あなたと共に生きながらえさせなければならない。
36Usatora mhindu yemari kwaari kana yezvibereko kwaari, asi unofanira kutya Mwari wako, kuti hama yako igare newe.
36彼から利子も利息も取ってはならない。あなたの神を恐れ、あなたの兄弟をあなたと共に生きながらえさせなければならない。
37Usamupa mari yako uchireva mhindu, kana zvokudya zvako uchireva kuwedzerwa.
37あなたは利子を取って彼に金を貸してはならない。また利益をえるために食物を貸してはならない。
38Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeEgipita, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndive Mwari wenyu.
38わたしはあなたがたの神、主であって、カナンの地をあなたがたに与え、かつあなたがたの神となるためにあなたがたをエジプトの国から導き出した者である。
39Kana hama yako ikava murombo, agere newe, akazvitengesa kwauri, usamubatisa somusungwa;
39あなたの兄弟が落ちぶれて、あなたに身を売るときは、奴隷のように働かせてはならない。
40ngaave somubatiri unopiwa mubayiro, kana somutorwa kwauri; ngaakubatire kusvikira pagore rejubheri.
40彼を雇人のように、また旅びとのようにしてあなたの所におらせ、ヨベルの年まであなたの所で勤めさせなさい。
41Ipapo ngaabude hake kwauri, iye pamwechete navana vake, adzokere kuhama dzake, adzokere kuna madzibaba ake.
41その時には、彼は子供たちと共にあなたの所から出て、その一族のもとに帰り、先祖の所有の地にもどるであろう。
42nekuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeEgipita; ngavarege kutengeswa, sezvinoitwa vasungwa.
42彼らはエジプトの国からわたしが導き出したわたしのしもべであるから、身を売って奴隷となってはならない。
43Usamubata nehasha, asi utye Mwari wako.
43あなたは彼をきびしく使ってはならない。あなたの神を恐れなければならない。
44Kana vari vasungwa vako, varume kana vakadzi, vauchazova navo mungazvitengera vasungwa, varume navakadzi, kumarudzi anokupoteredzai.
44あなたがもつ奴隷は男女ともにあなたの周囲の異邦人のうちから買わなければならない。すなわち、彼らのうちから男女の奴隷を買うべきである。
45Mungatengawo kuvana vavatorwa vagere pakati penyu nokuvana vavo vari pakati penyu, vavakabereka panyika yenyu; ivo vangava venyu.
45また、あなたがたのうちに宿っている旅びとの子供のうちからも買うことができる。また彼らのうちあなたがたの国で生れて、あなたがたと共におる人々の家族からも買うことができる。そして彼らはあなたがたの所有となるであろう。
46Muvaite nhaka yavana venyu vanokuteverai, kuti vave vavo; munofanira kutora vasungwa venyu kwavari nokuvana vaIsiraeri, mumwe ngaarege kubata mumwe nehasha.
46あなたがたは彼らを獲て、あなたがたの後の子孫に所有として継がせることができる。すなわち、彼らは長くあなたがたの奴隷となるであろう。しかし、あなたがたの兄弟であるイスラエルの人々をあなたがたは互にきびしく使ってはならない。
47Kana mweni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo,
47あなたと共にいる寄留者または旅びとが富み、そのかたわらにいるあなたの兄弟が落ちぶれて、あなたと共にいるその寄留者、旅びと、または寄留者の一族のひとりに身を売った場合、
48kana atengeswa, ungadzikunurwa; munin'ina kana mukoma wake ungamudzikunura;
48身を売った後でも彼を買いもどすことができる。その兄弟のひとりが彼を買いもどさなければならない。
49kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikunura, kana ani naani wehama dzake dzomumba make ungamudzikunura; kana iye akazova mufumi, ungazvidzikunura amene.
49あるいは、おじ、または、おじの子が彼を買いもどさなければならない。あるいは一族の近親の者が、彼を買いもどさなければならない。あるいは自分に富ができたならば、自分で買いもどさなければならない。
50Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake.
50その時、彼は自分の身を売った年からヨベルの年までを、その買い主と共に数え、その年数によって、身の代金を決めなければならない。その年数は雇われた年数として数えなければならない。
51Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo.
51なお残りの年が多い時は、その年数にしたがい、買われた金額に照して、あがないの金を払わなければならない。
52Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake.
52またヨベルの年までに残りの年が少なければ、その人と共に計算し、その年数にしたがって、あがないの金を払わなければならない。
53Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako.
53彼は年々雇われる人のように扱われなければならない。あなたの目の前で彼をきびしく使わせてはならない。
54Kana asingadzikunurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye.
54もし彼がこのようにしてあがなわれないならば、ヨベルの年に彼は子供と共に出て行くことができる。イスラエルの人々は、わたしのしもべだからである。彼らはわたしがエジプトの国から導き出したわたしのしもべである。わたしはあなたがたの神、主である。
55nekuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.
55イスラエルの人々は、わたしのしもべだからである。彼らはわたしがエジプトの国から導き出したわたしのしもべである。わたしはあなたがたの神、主である。