1Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume,
1ここに、レビの子コハテの子なるイヅハルの子コラと、ルベンの子なるエリアブの子ダタンおよびアビラムと、ルベンの子なるペレテの子オンとが相結び、
2vakamukira Mozisi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano. vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadamwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;
2イスラエルの人々のうち、会衆のうちから選ばれて、つかさとなった名のある人々二百五十人と共に立って、モーセに逆らった。
3vakaunganira kuna Mozisi naAroni, vakati kwavari,Zvaringana, nekuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imwi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?
3彼らは集まって、モーセとアロンとに逆らって言った、「あなたがたは、分を越えています。全会衆は、ことごとく聖なるものであって、主がそのうちにおられるのに、どうしてあなたがたは、主の会衆の上に立つのですか」。
4Mozisi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake;
4モーセはこれを聞いてひれ伏した。
5akataura naKora neboka rake rose, akati, Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivana ani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waachazoswededza kwaari.
5やがて彼はコラと、そのすべての仲間とに言った、「あす、主は、主につくものはだれ、聖なる者はだれであるかを示して、その人をみもとに近づけられるであろう。すなわち、その選んだ人を、みもとに近づけられるであろう。
6Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuhwira, iwe Kora, neveboka rako rose;
6それで、次のようにしなさい。コラとそのすべての仲間とは、火ざらを取り、
7mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuhwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imwi vanakomana vaRevhi.
7その中に火を入れ、それに薫香を盛って、あす、主の前に出なさい。その時、主が選ばれる人は聖なる者である。レビの子たちよ、あなたがたこそ、分を越えている」。
8Mozisi akatiwo kuna Kora, Teererai, imwi vanakomana vaRevhi:
8モーセはまたコラに言った、「レビの子たちよ、聞きなさい。
9Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira,
9イスラエルの神はあなたがたをイスラエルの会衆のうちから分かち、主に近づかせて、主の幕屋の務をさせ、かつ会衆の前に立って仕えさせられる。これはあなたがたにとって、小さいことであろうか。
10akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upristiwo here?
10神はあなたとあなたの兄弟なるレビの子たちをみな近づけられた。あなたがたはなお、その上に祭司となることを求めるのか。
11Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?
11あなたとあなたの仲間は、みなそのために集まって主に敵している。あなたがたはアロンをなんと思って、彼に対してつぶやくのか」。
12Ipapo Mozisi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, Hatidi kukwirako.
12モーセは人をやって、エリアブの子ダタンとアビラムとを呼ばせたが、彼らは言った、「わたしたちは参りません。
13Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here?
13あなたは乳と蜜の流れる地から、わたしたちを導き出して、荒野でわたしたちを殺そうとしている。これは小さいことでしょうか。その上、あなたはわたしたちに君臨しようとしている。
14Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako.
14かつまた、あなたはわたしたちを、乳と蜜の流れる地に導いて行かず、畑と、ぶどう畑とを嗣業として与えもしない。これらの人々の目をくらまそうとするのですか。わたしたちは参りません」。
15Ipapo Mozisi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera dhongi rimwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa.
15モーセは大いに怒って、主に言った、「彼らの供え物を顧みないでください。わたしは彼らから、ろば一頭をも取ったことなく、また彼らのひとりをも害したことはありません」。
16Ipapo Mozisi akati kuna Kora, Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni;
16そしてモーセはコラに言った、「あなたとあなたの仲間はみなアロンと一緒に、あす、主の前に出なさい。
17mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuhwira, muise zvinonhuhwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuhwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake.
17あなたがたは、おのおの火ざらを取って、それに薫香を盛り、おのおのその火ざらを主の前に携えて行きなさい。その火ざらは会わせて二百五十。あなたとアロンも、おのおの火ざらを携えて行きなさい」。
18Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuhwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMozisi naAroni.
18彼らは、おのおの火ざらを取り、火をその中に入れ、それに薫香を盛り、モーセとアロンも共に、会見の幕屋の入口に立った。
19Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose.
19そのとき、コラは会衆を、ことごとく会見の幕屋の入口に集めて、彼らふたりに逆らわせようとしたが、主の栄光は全会衆に現れた。
20Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
20主はモーセとアロンに言われた、
21Zvitsaurei imwi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.
21「あなたがたはこの会衆を離れなさい。わたしはただちに彼らを滅ぼすであろう」。
22Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?
22彼らふたりは、ひれ伏して言った、「神よ、すべての肉なる者の命の神よ、このひとりの人が、罪を犯したからといって、あなたは全会衆に対して怒られるのですか」。
23Ipapo Jehovha akataura naMozisi, akati,
23主はモーセに言われた、
24Taura neungano, uti, Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.
24「あなたは会衆に告げて、コラとダタンとアビラムのすまいの周囲を去れと言いなさい」。
25Ipapo Mozisi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera.
25モーセは立ってダタンとアビラムのもとに行ったが、イスラエルの長老たちも、彼に従って行った。
26Akataura neungano, akati, Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose.
26モーセは会衆に言った、「どうぞ、あなたがたはこれらの悪い人々の天幕を離れてください。彼らのものには何にも触れてはならない。彼らのもろもろの罪によって、あなたがたも滅ぼされてはいけないから」。
27Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku.
27そこで人々はコラとダタンとアビラムのすまいの周囲を離れ去った。そして、ダタンとアビラムとは、妻、子、および幼児と一緒に出て、天幕の入口に立った。
28Zvino Mozisi akati, Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nekuti handina kuaita nokuda kwangu.
28モーセは言った、「あなたがたは主がこれらのすべての事をさせるために、わたしをつかわされたこと、またわたしが、これを自分の心にしたがって行うものでないことを、次のことによって知るであろう。
29Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma.
29すなわち、もしこれらの人々が、普通の死に方で死に、普通の運命に会うのであれば、主がわたしをつかわされたのではない。
30Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira mugomba vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.
30しかし、主が新しい事をされ、地が口を開いて、これらの人々と、それに属する者とを、ことごとくのみつくして、生きながら陰府に下らせられるならば、あなたがたはこれらの人々が、主を侮ったのであることを知らなければならない」。
31Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka,
31モーセが、これらのすべての言葉を述べ終ったとき、彼らの下の土地が裂け、
32nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose.
32地は口を開いて、彼らとその家族、ならびにコラに属するすべての人々と、すべての所有物をのみつくした。
33Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira mugomba vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano.
33すなわち、彼らと、彼らに属するものは、皆生きながら陰府に下り、地はその上を閉じふさいで、彼らは会衆のうちから、断ち滅ぼされた。
34Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nekuti vakati, Nyika irege kutimedzawo.
34この時、その周囲にいたイスラエルの人々は、みな彼らの叫びを聞いて逃げ去り、「恐らく地はわたしたちをも、のみつくすであろう」と言った。
35Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuhwira.
35また主のもとから火が出て、薫香を供える二百五十人をも焼きつくした。
36Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
36主はモーセに言われた、
37Taura naEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, kuti anonge hadyana dzezvinonhuhwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nekuti hadyana itsvene;
37「あなたは祭司アロンの子エレアザルに告げて、その燃える火の中から、かの火ざらを取り出させ、その中の火を遠く広くまき散らさせなさい。それらの火ざらは聖となったから、
38idzo hadyana dzezvinonhuhwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza aritari nadzo; nekuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri.
38罪を犯して命を失った人々の、これらの火ざらを、広い延べ板として、祭壇のおおいとしなさい。これは主の前にささげられて、聖となったからである。こうして、これはイスラエルの人々に、しるしとなるであろう」。
39Zvino mupristi Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuhwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti aritari ifukidzwe nadzo;
39そこで祭司エレアザルは、かの焼き殺された人々が供えた青銅の火ざらを取り、これを広く打ち延ばして、祭壇のおおいとし、
40kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kuswedera kuti apise zvinonhuhwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMozisi.
40これをイスラエルの人々の記念の物とした。これはアロンの子孫でないほかの人が、主の前に近づいて、薫香をたくことのないようにするため、またその人がコラ、およびその仲間のようにならないためである。すなわち、主がモーセによってエレアザルに言われたとおりである。
41Fume mangwana ungano yose yavana valsiraeri yakapopotera Mozisi naAroni, vachiti, imwi makauraya vanhu vaJehovha.
41その翌日、イスラエルの人々の会衆は、みなモーセとアロンとにつぶやいて言った、「あなたがたは主の民を殺しました」。
42Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMozisi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
42会衆が集まって、モーセとアロンとに逆らったとき、会見の幕屋を望み見ると、雲がこれをおおい、主の栄光が現れていた。
43Ipapo Mozisi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana,
43モーセとアロンとが、会見の幕屋の前に行くと、
44Jehovha akataura naMozisi, akati,
44主はモーセに言われた、
45Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo. Ivo vakawira pasi nezviso zvavo.
45「あなたがたはこの会衆を離れなさい。わたしはただちに彼らを滅ぼそう」。そこで彼らふたりは、ひれ伏した。
46Mozisi akati kuna Aroni, Tora hadyana yako yezvinonhuhwira, uise moto unobva paaritari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuhwira pamusoro payo, ukurumidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nekuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.
46モーセはアロンに言った、「あなたは火ざらを取って、それに祭壇から取った火を入れ、その上に薫香を盛り、急いでそれを会衆のもとに持って行って、彼らのために罪のあがないをしなさい。主が怒りを発せられ、疫病がすでに始まったからです」。
47Aroni akaitora, sezvakataura Mozisi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuhwira pamusoro payo, akayananisira vanhu.
47そこで、アロンはモーセの言ったように、それを取って会衆の中に走って行ったが、疫病はすでに民のうちに始まっていたので、薫香をたいて、民のために罪のあがないをし、
48Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma.
48すでに死んだ者と、なお生きている者との間に立つと、疫病はやんだ。
49Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi.
49コラの事によって死んだ者のほかに、この疫病によって死んだ者は一万四千七百人であった。アロンは会見の幕屋の入口にいるモーセのもとに帰った。こうして疫病はやんだ。
50Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.
50アロンは会見の幕屋の入口にいるモーセのもとに帰った。こうして疫病はやんだ。