1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
1主はモーセに言われた、
2Taura navana vaIsiraeri, utore kwavari tsvimbo, imwe paimba imwe neimwe yamadzibaba avo, tsvimbo dzine gumi nembiri, pamachinda avo ose nedzimba dzamadzibaba avo; zvino unofanira kunyora zita romumwe nomumwe patsvimbo yake.
2「イスラエルの人々に告げて、彼らのうちから、おのおのの父祖の家にしたがって、つえ一本ずつを取りなさい。すなわち、そのすべてのつかさたちから、父祖の家にしたがって、つえ十二本を取り、その人々の名を、おのおのそのつえに書きしるし、
3Asi zita raAroni unofanira kurinyora patsvimbo yaRevhi; nekuti kunofanira kuva netsvimbo imwe yomukuru mumwe nomumwe wedzimba dzamadzibaba avo.
3レビのつえにはアロンの名を書きしるしなさい。父祖の家のかしらは、おのおののつえ一本を出すのだからである。
4Zvino unofanira kudzichengeta mutende rokusangana pamberi peareka yechipupuriro, pandinosangana nemi.
4そして、これらのつえを、わたしがあなたがたに会う会見の幕屋の中の、あかしの箱の前に置きなさい。
5Ipapo munhu andichatsaura, tsvimbo yake ichabuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwavana vaIsiraeri kwavanokunyunyutira nako.
5わたしの選んだ人のつえには、芽が出るであろう。こうして、わたしはイスラエルの人々が、あなたがたにむかって、つぶやくのをやめさせるであろう」。
6Zvino Mozisi akataura navana vaIsiraeri, machinda avo ose akamupa tsvimbo, imwe yomuchinda mumwe nomumwe nedzimba dzamadzibaba avo, ndidzo tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yakanga iri pakati petsvimbo dzavo.
6モーセが、このようにイスラエルの人々に語ったので、つかさたちはみな、その父祖の家にしたがって、おのおの、つえ一本ずつを彼に渡した。そのつえは合わせて十二本。アロンのつえも、そのつえのうちにあった。
7Mozisi akachengeta tsvimbo idzo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.
7モーセは、それらのつえを、あかしの幕屋の中の、主の前に置いた。
8Fume mangwana Mozisi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva.
8その翌日、モーセが、あかしの幕屋にはいって見ると、レビの家のために出したアロンのつえは芽をふき、つぼみを出し、花が咲いて、あめんどうの実を結んでいた。
9Ipapo Mozisi akabudisa tsvimbo dzose pamberi paJehovha kuvanhu vaIsiraeri vose; vakatarira, mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.
9モーセがそれらのつえを、ことごとく主の前から、イスラエルのすべての人の所に持ち出したので、彼らは見て、おのおの自分のつえを取った。
10Jehovha akati kuna Mozisi, Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengetwe chive chiratidzo chavanhu vakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwavo, varege kufa.
10主はモーセに言われた、「アロンのつえを、あかしの箱の前に持ち帰り、そこに保存して、そむく者どものために、しるしとしなさい。こうして、彼らのわたしに対するつぶやきをやめさせ、彼らの死ぬのをまぬかれさせなければならない」。
11Mozisi akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvaakaita.
11モーセはそのようにして、主が彼に命じられたとおりに行った。
12Vana vaIsiraeri vakataura naMozisi, vakati, Tarira, tofa, topera, topera tose.
12イスラエルの人々は、モーセに言った、「ああ、わたしたちは死ぬ。破滅です、全滅です。主の幕屋に近づく者が、みな死ぬのであれば、わたしたちは死に絶えるではありませんか」。
13Mumwe nomumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha, anofa; zvino tichafa tose kanhi?
13主の幕屋に近づく者が、みな死ぬのであれば、わたしたちは死に絶えるではありませんか」。