1Zvino vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo pamapani eMoabhu, mhiri kwaJoridhani paJeriko.
1さて、イスラエルの人々はまた道を進んで、エリコに近いヨルダンのかなたのモアブの平野に宿営した。
2Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, akanga aona zvose zvakaitirwa vaAmori navaIsiraeri.
2チッポルの子バラクはイスラエルがアモリびとにしたすべての事を見たので、
3Moabhu akatya vanhu avo kwazvo, nekuti vakanga vari vazhinji; Moabhu akavhunduka nokuda kwavana vaIsiraeri.
3モアブは大いにイスラエルの民を恐れた。その数が多かったためである。モアブはイスラエルの人々をひじょうに恐れたので、
4Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa bwesango; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva
4ミデアンの長老たちに言った、「この群衆は牛が野の草をなめつくすように、われわれの周囲の物をみな、なめつくそうとしている」。チッポルの子バラクはこの時モアブの王であった。
5iyo. Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, Tarira, pano pana vanhu vakabva Egipita, tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni.
5彼はアンモンびとの国のユフラテ川のほとりにあるペトルに使者をつかわし、ベオルの子バラムを招こうとして言わせた、「エジプトから出てきた民があり、地のおもてをおおってわたしの前にいます。
6Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nekuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nekuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.
6どうぞ今きてわたしのためにこの民をのろってください。彼らはわたしよりも強いのです。そうしてくだされば、われわれは彼らを撃って、この国から追い払うことができるかもしれません。あなたが祝福する者は祝福され、あなたがのろう者はのろわれることをわたしは知っています」。
7Ipapo vakuru vaMoabhu navakuru vaMidhiani vakaenda vakabata shanu yokuvuka mumaoko avo, vakasvika kuna Bharamu, vakamuudza mashoko aBharaki.
7モアブの長老たちとミデアンの長老たちは占いの礼物を手にして出発し、バラムのもとへ行って、バラクの言葉を告げた。
8Iye akati kwavari, Vatai usiku huno pano, ndikudzoserei neshoko, sezvandichaudzwa naJehovha; machinda aMoabhu akagarapo kuna Bharamu.
8バラムは彼らに言った、「今夜ここに泊まりなさい。主がわたしに告げられるとおりに、あなたがたに返答しましょう」。それでモアブのつかさたちはバラムのもとにとどまった。
9Zvino Mwari akauya kuna Bharamu, akati, Vanhu ava vari kwauri ndivana aniko?
9ときに神はバラムに臨んで言われた、「あなたのところにいるこの人々はだれですか」。
10Bharamu akati kuna Mwari, Bharaki, mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akatuma shoko kwandiri, achiti,
10バラムは神に言った、「モアブの王チッポルの子バラクが、わたしに人をよこして言いました。
11Tarira, vanhu vakabva Egipita vakafukidza nyika yose; zvino uya unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nokuvadzinga.
11『エジプトから出てきた民があり、地のおもてをおおっています。どうぞ今きてわたしのために彼らをのろってください。そうすればわたしは戦って、彼らを追い払うことができるかもしれません』」。
12Ipapo Mwari akati kuna Bharamu, Haufaniri kuenda navo; haufaniri kutuka vanhu avo; nekuti vakaropafadzwa.
12神はバラムに言われた、「あなたは彼らと一緒に行ってはならない。またその民をのろってはならない。彼らは祝福された者だからである」。
13Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, Endai kunyika yenyu, nekuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi.
13明くる朝起きて、バラムはバラクのつかさたちに言った、「あなたがたは国にお帰りなさい。主はわたしがあなたがたと一緒に行くことを、お許しになりません」。
14Ipapo machinda aMoabhu vakasimuka, vakaenda kuna Bharaki, vakati, Bharamu aramba kuuya nesu.
14モアブのつかさたちは立ってバラクのもとに行って言った、「バラムはわたしたちと一緒に来ることを承知しません」。
15Zvino Bharaki akapamhazve kutuma machinda mazhinji kuna ivo navakakudzwa kupfuura ivo.
15バラクはまた前の者よりも身分の高いつかさたちを前よりも多くつかわした。
16Vakasvika kuna Bharamu, vakati kwaari, Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, Usatendera chinhu kukudzivisa kuuya kwandiri;
16彼らはバラムのところへ行って言った、「チッポルの子バラクはこう申します、『どんな妨げをも顧みず、どうぞわたしのところへおいでください。
17nekuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, zvose zvaunondiraira ndichazviita; naizvozvo douya hako unditukire vanhu ava.
17わたしはあなたを大いに優遇します。そしてあなたがわたしに言われる事はなんでもいたします。どうぞきてわたしのためにこの民をのろってください』」。
18Bharamu akapindura, akati kuvaranda vaBharaki, Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri.
18しかし、バラムはバラクの家来たちに答えた、「たといバラクがその家に満ちるほどの金銀をわたしに与えようとも、事の大小を問わず、わたしの神、主の言葉を越えては何もすることができません。
19Naizvozvo zvino nemiwo dovatai henyu pano usiku huno, kuti ndizive zvandichaudzwazve naJehovha.
19それで、どうぞ、あなたがたも今夜ここにとどまって、主がこの上、わたしになんと仰せられるかを確かめさせてください」。
20Zvino Mwari akauya kuna Bharamu usiku, akati kwaari, Vanhu ava kana vakauya kuzokudana simuka uende navo; asi shoko randichataura kwauri, unofanira kuita iro roga.
20夜になり、神はバラムに臨んで言われた、「この人々はあなたを招きにきたのだから、立ってこの人々と一緒に行きなさい。ただしわたしが告げることだけを行わなければならない」。
21Zvino Bharami akamuka mangwanani akaisa chigaro padhongi gadzi rake akaenda nemachinda aMoabhi
21明くる朝起きてバラムは、ろばにくらをおき、モアブのつかさたちと一緒に行った。
22Asi Mwari akamutsamwira zvaakaenda mutumwa waJehovha akandomira munzira yake kuti arwe naye. Zvino iye akanga akatasva dhongi gadzi rake, navaranda vake vaviri vakanga vanaye.
22しかるに神は彼が行ったために怒りを発せられ、主の使は彼を妨げようとして、道に立ちふさがっていた。バラムは、ろばに乗り、そのしもべふたりも彼と共にいたが、
23Ipapo dhongi gadzi rikaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; dhongi gadzi rikatsauka panzira, rikaenda nokusango; Bharamu akarova dhongi gadzi kuti aridzorere kunzira.
23ろばは主の使が、手に抜き身のつるぎをもって、道に立ちふさがっているのを見、道をそれて畑にはいったので、バラムは、ろばを打って道に返そうとした。
24Zvino mutumwa waJehovha akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiringa, rusvingo ruri kurutivi runo, norusvingo kuno rumwe rutivizve.
24しかるに主の使はまたぶどう畑の間の狭い道に立ちふさがっていた。道の両側には石がきがあった。
25Dhongi gadzi rikaona mutumwa waJehovha, rikazvisundira kurusvingo; rikambandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; ipapo akarirovazve.
25ろばは主の使を見て、石がきにすり寄り、バラムの足を石がきに押しつけたので、バラムは、また、ろばを打った。
26Mutumwa waJehovha akapfuura mberi, akandomira pakanga pakamanikana, pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
26主の使はまた先に進んで、狭い所に立ちふさがっていた。そこは右にも左にも、曲る道がなかったので、
27Dhongi gadzi rikaona mutumwa waJehovha, rikavata pasi, Bharamu ari pamusoro paro; Bharamu akatsamwa, akarova dhongi gadzi netsvimbo yake.
27ろばは主の使を見てバラムの下に伏した。そこでバラムは怒りを発し、つえでろばを打った。
28Zvino Jehovha akashamisa muromo wedhongi gadzi, rikati kuna Bharamu, Ndakakuitirei, zvamandirova zvino katatu?
28すると、主が、ろばの口を開かれたので、ろばはバラムにむかって言った、「わたしがあなたに何をしたというのですか。あなたは三度もわたしを打ったのです」。
29Bharamu akati kudhongi gadzi. Nekuti wakandidadira; dai ndaiva nomunondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya pakarepo.
29バラムは、ろばに言った、「お前がわたしを侮ったからだ。わたしの手につるぎがあれば、いま、お前を殺してしまうのだが」。
30Dhongi gadzi rikati kuna Bharamu, Ko ini handizi dhongi gadzi renyu ramakatasva makore enyu ose kusvikira zuva rino here? Ko ndaigara ndichikuitirai saizvozvo here? Iye akati, Kwete.
30ろばはまたバラムに言った、「わたしはあなたが、きょうまで長いあいだ乗られたろばではありませんか。わたしはいつでも、あなたにこのようにしたでしょうか」。バラムは言った、「いや、しなかった」。
31Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake.
31このとき主がバラムの目を開かれたので、彼は主の使が手に抜き身のつるぎをもって、道に立ちふさがっているのを見て、頭を垂れてひれ伏した。
32Mutumwa waJehovha akati kwaari, Warovereiko dhongi gadzi rako zvino katatu? Tarira, ini ndimene ndabuda kuzokudzivisa, nekuti nzira yako inovavarira kune zvakaipa pamberi pangu.
32主の使は彼に言った、「なぜあなたは三度もろばを打ったのか。あなたが誤って道を行くので、わたしはあなたを妨げようとして出てきたのだ。
33Dhongi gadzi rakandiona, rikatsauka pamberi pangu katatu; dai risina kutsauka pamberi pangu, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya iwe, ndikariraramisa iro.
33ろばはわたしを見て三度も身を巡らしてわたしを避けた。もし、ろばが身を巡らしてわたしを避けなかったなら、わたしはきっと今あなたを殺して、ろばを生かしておいたであろう」。
34Ipapo Bharamu akati kumutumwa waJehovha, Ndatadza, nekuti ndakanga ndisingazivi kuti ndiwe wakange umire munzira uchindidzivisa; naizvozvo zvino, kana usingafari nazvo, ndichadzoka hangu.
34バラムは主の使に言った、「わたしは罪を犯しました。あなたがわたしをとどめようとして、道に立ちふさがっておられるのを、わたしは知りませんでした。それで今、もし、お気に召さないのであれば、わたしは帰りましょう」。
35Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, Enda hako navarume ava, asi shoko roga randichataura kwauri, ndiro raunofanira kutaura. Naizvozvo Bharamu akaenda namachinda aBharaki.
35主の使はバラムに言った、「この人々と一緒に行きなさい。ただし、わたしが告げることのみを述べなければならない」。こうしてバラムはバラクのつかさたちと一緒に行った。
36Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri-Moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika.
36さて、バラクはバラムがきたと聞いて、国境のアルノン川のほとり、国境の一端にあるモアブの町まで出て行って迎えた。
37Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, Ko handina kutuma nhume kwauri nomoyo wose, ndichikudana here? Wakaregereiko kuuya kwandiri? Ko handigoni kukukudza here?
37そしてバラクはバラムに言った、「わたしは人をつかわしてあなたを招いたではありませんか。あなたはなぜわたしのところへきませんでしたか。わたしは実際あなたを優遇することができないでしょうか」。
38Bharamu akati kuna Bharaki, Tarira, ndauya kwauri; ko ini ndine simba rokutaura chinhu here? Shoko rinoiswa mumuromo mangu naMwari, ndiro randichataura.
38バラムはバラクに言った、「ごらんなさい。わたしはあなたのところにきています。しかし、今、何事かをみずから言うことができましょうか。わたしはただ神がわたしの口に授けられることを述べなければなりません」。
39Zvino Bharamu akaenda naBharaki, akasvika paKiriati-huzoti.
39こうしてバラムはバラクと一緒に行き、キリアテ・ホゾテにきたとき、
40Bharaki akabaya nzombe namakwai, akazvitumira kuna Bharamu namachinda akanga anaye.
40バラクは牛と羊とをほふって、バラムおよび彼と共にいたバラムを連れてきたつかさたちに贈った。明くる朝バラクはバラムを伴ってバモテバアルにのぼり、そこからイスラエルの民の宿営の一端をながめさせた。
41Zvino mangwanani Bharaki akatora Bharamu, akamukwidza panzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, akaona, aripo, vanhu vokumudzivo.
41明くる朝バラクはバラムを伴ってバモテバアルにのぼり、そこからイスラエルの民の宿営の一端をながめさせた。