1Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi,
1さて、ヨセフの子マナセの氏族のうちのヘペルの子、ゼロペハデの娘たちが訴えてきた。ヘペルはギレアデの子、ギレアデはマキルの子、マキルはマナセの子である。その娘たちは名をマアラ、ノア、ホグラ、ミルカ、テルザといったが、
2vakamira pamberi paMozisi napamberi paEreazari mupristi, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati,
2彼らは会見の幕屋の入口でモーセと、祭司エレアザルと、つかさたちと全会衆との前に立って言った、
3Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana.
3「わたしたちの父は荒野で死にました。彼は、コラの仲間となって主に逆らった者どもの仲間のうちには加わりませんでした。彼は自分の罪によって死んだのですが、男の子がありませんでした。
4Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nekuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.
4男の子がないからといって、どうしてわたしたちの父の名がその氏族のうちから削られなければならないのでしょうか。わたしたちの父の兄弟と同じように、わたしたちにも所有地を与えてください」。
5Mozisi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha.
5モーセがその事を主の前に述べると、
6Jehovha akataura naMozisi, akati,
6主はモーセに言われた、
7Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo.
7「ゼロペハデの娘たちの言うことは正しい。あなたは必ず彼らの父の兄弟たちと同じように、彼らにも嗣業の所有地を与えなければならない。すなわち、その父の嗣業を彼らに渡さなければならない。
8Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake.
8あなたはイスラエルの人々に言いなさい、『もし人が死んで、男の子がない時は、その嗣業を娘に渡さなければならない。
9Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanin'ina vake nhaka yake.
9もしまた娘もない時は、その嗣業を兄弟に与えなければならない。
10Kana asina vakuru kana vanin'ina, munofanira kupa vakuru kana vanin'ina vababa vake nhaka yake.
10もし兄弟もない時は、その嗣業を父の兄弟に与えなければならない。
11Kana baba vake vasina vakuru kana vanin'ina, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake. Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
11もしまた父に兄弟がない時は、その氏族のうちで彼に最も近い親族にその嗣業を与えて所有させなければならない』。主がモーセに命じられたようにイスラエルの人々は、これをおきての定めとしなければならない」。
12Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri.
12主はモーセに言われた、「このアバリムの山に登って、わたしがイスラエルの人々に与える地を見なさい。
13Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni;
13あなたはそれを見てから、兄弟アロンのようにその民に加えられるであろう。
14nekuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura. (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.)
14これは会衆がチンの荒野で逆らい争った時、あなたがたはわたしの命にそむき、あの水のかたわらで彼らの目の前にわたしの聖なることを現さなかったからである」。これはチンの荒野にあるカデシのメリバの水である。
15Zvino Mozisi akataura naJehovha, akati,
15モーセは主に言った、
16Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi,
16「すべての肉なるものの命の神、主よ、どうぞ、この会衆の上にひとりの人を立て、
17achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi.
17彼らの前に出入りし、彼らを導き出し、彼らを導き入れる者とし、主の会衆を牧者のない羊のようにしないでください」。
18Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake.
18主はモーセに言われた、「神の霊のやどっているヌンの子ヨシュアを選び、あなたの手をその上におき、
19Umuise pamberi paEreazari mupristi, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo.
19彼を祭司エレアザルと全会衆の前に立たせて、彼らの前で職に任じなさい。
20Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana valsiraeri imuteerere.
20そして彼にあなたの権威を分け与え、イスラエルの人々の全会衆を彼に従わせなさい。
21Iye anofanira kumira pamberi pomupristi Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose.
21彼は祭司エレアザルの前に立ち、エレアザルは彼のためにウリムをもって、主の前に判断を求めなければならない。ヨシュアとイスラエルの人々の全会衆とはエレアザルの言葉に従っていで、エレアザルの言葉に従ってはいらなければならない」。
22Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupristi Ereazari, napamberi peungano yose;
22そこでモーセは主が命じられたようにし、ヨシュアを選んで、祭司エレアザルと全会衆の前に立たせ、彼の上に手をおき、主がモーセによって語られたとおりに彼を任命した。
23akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMozisi.
23彼の上に手をおき、主がモーセによって語られたとおりに彼を任命した。