1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
1主はモーセに言われた、
2Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, Munofanira kurangarira kundipa nenguva yazvo yakafanira zvipo zvangu, izvo zvokudya zvangu zvezvipiriso zvangu zvinopiswa, chive chinonhuhwira zvakanaka kwandiri.
2「イスラエルの人々に命じて言いなさい、『あなたがたは香ばしいかおりとしてわたしにささげる火祭、すなわち、わたしの供え物、わたしの食物を定めの時にわたしにささげることを怠ってはならない』。
3Unofanira kuti kwavari, Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondobwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
3また彼らに言いなさい、『あなたがたが主にささぐべき火祭はこれである。すなわち一歳の雄の全き小羊二頭を毎日ささげて常燔祭としなければならない。
4Rimwe gwayana unofanira kuuya naro mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana;
4すなわち一頭の小羊を朝にささげ、一頭の小羊を夕にささげなければならない。
5nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa.
5また麦粉一エパの十分の一に、砕いて取った油一ヒンの四分の一を混ぜて素祭としなければならない。
6Ndicho chipiriso chinofanira kupiswa nguva dzose, chakarairwa pagomo reSinai, chive chinonhuhwira zvakanaka, chipiriso chinopisirwa Jehovha.
6これはシナイ山で定められた常燔祭であって、主に香ばしいかおりとしてささげる火祭である。
7Nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chechina chehini chegwayana rimwe nerimwe; unofanira kudururira Jehovha chipiriso chezvinobata.
7またその灌祭は小羊一頭について一ヒンの四分の一をささげなければならない。すなわち聖所において主のために濃い酒をそそいで灌祭としなければならない。
8Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha. Zvipiriso zvesabata nezvokuvamba komwedzi
8夕には他の一頭の小羊をささげなければならない。その素祭と灌祭とは朝のものと同じようにし、その小羊を火祭としてささげ、主に香ばしいかおりとしなければならない。
9Asi nomusi wesabata munofanira kuuya namakwayana amakondobwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa.
9また安息日には一歳の雄の全き小羊二頭と、麦粉一エパの十分の二に油を混ぜた素祭と、その灌祭とをささげなければならない。
10Ndicho chipiriso chinopiswa chesabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
10これは安息日ごとの燔祭であって、常燔祭とその灌祭とに加えらるべきものである。
11Pakuvamba kwemwedzi yenyu munofanira kuuya nechipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku negondobwe rimwe, namakwayana manomwe amakondobwe egore rimwe, asina kuremara;
11またあなたがたは月々の第一日に燔祭を主にささげなければならない。すなわち若い雄牛二頭、雄羊一頭、一歳の雄の全き小羊七頭をささげ、
12nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, panzombe imwe neimwe; nezvegumi zviviri zvoupfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, pagondobwe rimwe nerimwe;
12雄牛一頭には麦粉一エパの十分の三に油を混ぜたものを素祭とし、雄羊一頭には麦粉一エパの十分の二に油を混ぜたものを素祭とし、
13nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuhwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha.
13小羊一頭には麦粉十分の一に油を混ぜたものを素祭とし、これを香ばしいかおりの燔祭として主のために火祭としなければならない。
14Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondobwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose.
14またその灌祭は雄牛一頭についてぶどう酒一ヒンの二分の一、雄羊一頭について一ヒンの三分の一、小羊一頭について一ヒンの四分の一をささげなければならない。これは年の月々を通じて、新月ごとにささぐべき燔祭である。
15Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
15また常燔祭とその灌祭とのほかに、雄やぎ一頭を罪祭として主にささげなければならない。
16Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kurangarira Pasika yaJehovha.
16正月の十四日は主の過越の祭である。
17Mutambo unofanira kuitwa nezuva regumi namashanu romwedzi uyo; chingwa chisina kuviriswa chinofanira kudyiwa mazuva manomwe.
17またその月の十五日は祭日としなければならない。七日のあいだ種入れぬパンを食べなければならない。
18Pazuva rokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; musabata mabasa avaranda pazuva iro;
18その初めの日には聖会を開かなければならない。なんの労役をもしてはならない。
19asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku, negondobwe rimwe, namakwayana amakondobwe manomwe egore rimwe, zvive zvisina kuremara kwamuri;
19あなたがたは火祭として主に燔祭をささげなければならない。すなわち若い雄牛二頭、雄羊一頭、一歳の雄の小羊七頭をささげなければならない。これらはみな全きものでなければならない。
20nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; munofanira kuuya nezvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondobwe rimwe.
20その素祭には油を混ぜた麦粉をささげなければならない。すなわち雄牛一頭につき麦粉一エパの十分の三、雄羊一頭につき十分の二をささげ、
21Unofanira kuuya nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana manomwe;
21また七頭の小羊にはその一頭ごとに十分の一をささげなければならない。
22nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho.
22また雄やぎ一頭を罪祭としてささげ、あなたがたのために罪のあがないをしなければならない。
23Munofanira kuuya naizvozvo kunze kwechipiriso chinopiswa chamangwanani, chinofanira kupiswa nguva dzose.
23あなたがたは朝にささげる常燔祭の燔祭のほかに、これらをささげなければならない。
24Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa.
24このようにあなたがたは七日のあいだ毎日、火祭の食物をささげて、主に香ばしいかおりとしなければならない。これは常燔祭とその灌祭とのほかにささぐべきものである。
25Pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda naro.
25そして第七日に、あなたがたは聖会を開かなければならない。なんの労役をもしてはならない。
26Uye pazuva rezvitsva, kana muchiuya nechipiriso chitsva choupfu kuna Jehovha pamutambo wenyu wamavhiki, munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda.
26あなたがたは七週の祭、すなわち新しい素祭を主にささげる初穂の日にも聖会を開かなければならない。なんの労役をもしてはならない。
27Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe mbiri duku, negondobwe rimwe, namakwayana amakondobwe egore rimwe;
27あなたがたは燔祭をささげて、主に香ばしいかおりとしなければならない。すなわち若い雄牛二頭、雄羊一頭、一歳の雄の小羊七頭をささげなければならない。
28nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondobwe rimwe,
28その素祭には油を混ぜた麦粉をささげなければならない。すなわち雄牛一頭につき一エパの十分の三、雄羊一頭につき十分の二をささげ、
29nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe;
29また七頭の小羊には一頭ごとに十分の一をささげなければならない。
30nenhongo imwe yembudzi, zvokuyananisira nazvo.
30また雄やぎ一頭をささげてあなたがたのために罪のあがないをしなければならない。あなたがたは常燔祭とその素祭とその灌祭とのほかに、これらをささげなければならない。これらはみな、全きものでなければならない。
31Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.
31あなたがたは常燔祭とその素祭とその灌祭とのほかに、これらをささげなければならない。これらはみな、全きものでなければならない。