1Vana vaRubheni navana vaGadhi vakanga vane zvipfuwo zvizhinji kwazvo; zvino vakati vachitarira nyika yeJazeri nenyika yeGiriyadhi, vakaona kuti inzvimbo yakafanira zvipfuwo.
1ルベンの子孫とガドの子孫とは非常に多くの家畜の群れを持っていた。彼らがヤゼルの地と、ギレアデの地とを見ると、そこは家畜を飼うのに適していたので、
2Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakauya vakataurirana naMozisi naEreazari mupristi namachinda eungano, vakati,
2ガドの子孫とルベンの子孫とがきて、モーセと、祭司エレアザルと、会衆のつかさたちとに言った、
3Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreari neSebhami neNebho neBheoni.
3「アタロテ、デボン、ヤゼル、ニムラ、ヘシボン、エレアレ、シバム、ネボ、ベオン、
4Nyika dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsiraeri, inyika yakafanira zvipfuwo; zvino isu varanda venyu, tine zvipfuwo.
4すなわち主がイスラエルの会衆の前に撃ち滅ぼされた国は、家畜を飼うのに適した地ですが、しもべらは家畜を持っています」。
5Vakati, Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ngaipiwe varanda venyu, ive yavo; musatiyambutsa henyu Joridhani.
5彼らはまた言った、「それでもし、あなたの恵みを得られますなら、どうぞこの地をしもべらの領地にして、われわれにヨルダンを渡らせないでください」。
6Mozisi akati kuvana vaGadhi navana vaRubheni, Ko hama dzenyu dzingaenda kundorwa, imwi mukagara pano here?
6モーセはガドの子孫とルベンの子孫とに言った、「あなたがたは兄弟が戦いに行くのに、ここにすわっていようというのか。
7Munoodzereiko moyo yavana vaIsiraeri varege kuenda kunyika yavakapiwa naJehovha?
7どうしてあなたがたはイスラエルの人々の心をくじいて、主が彼らに与えられる地に渡ることができないようにするのか。
8Ndizvo zvakaita madzibaba enyu nguva yandakavatuma vari paKadheshi-bharinea, kundoshora nyika.
8あなたがたの先祖も、わたしがカデシ・バルネアから、その地を見るためにつかわした時に、同じようなことをした。
9nekuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza moyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
9すなわち彼らはエシコルの谷に行って、その地を見たとき、イスラエルの人々の心をくじいて、主が与えられる地に行くことができないようにした。
10Jehovha akatsamwa nomusi iwoyo, akapika, akati,
10そこでその時、主は怒りを発し、誓って言われた、
11Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Egipita, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakove, nekuti havana kunditevera nomoyo wose;
11『エジプトから出てきた人々で二十歳以上の者はひとりもわたしがアブラハム、イサク、ヤコブに誓った地を見ることはできない。彼らはわたしに従わなかったからである。
12asi Karebhu, mwanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nekuti ivo vakatevera Jehovha nomoyo wose.
12ただケニズびとエフンネの子カレブとヌンの子ヨシュアとはそうではない。このふたりは全く主に従ったからである』。
13Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa.
13主はこのようにイスラエルにむかって怒りを発し、彼らを四十年のあいだ荒野にさまよわされたので、主の前に悪を行ったその世代の人々は、ついにみな滅びた。
14Zvino tarirai, imwi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri.
14あなたがたはその父に代って立った罪びとのやからであって、主のイスラエルに対する激しい怒りをさらに増そうとしている。
15nekuti kana mukatsauka pakumutevera, uchavasiyazve murenje; imwi muchaparadza vanhu ava vose.
15あなたがたがもしそむいて主に従わないならば、主はまたこの民を荒野にすておかれるであろう。そうすればあなたがたはこの民をことごとく滅ぼすに至るであろう」。
16Vakaswedera kwaari, vakati, Tichavakira zvipfuwo zvedu matanga navana vedu vaduku maguta pano;
16彼らはモーセのところへ進み寄って言った、「われわれはこの所に、群れのために羊のおりを建て、また子供たちのために町々を建てようと思います。
17asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika.
17しかし、われわれは武装してイスラエルの人々の前に進み、彼らをその所へ導いて行きましょう。ただわれわれの子供たちは、この地の住民の害をのがれるため、堅固な町々に住ませておかなければなりません。
18Hatingadzokeri kudzimba dzedu kudzimana vana vaIsiraeri vose vapiwa nhaka yavo.
18われわれはイスラエルの人々が、おのおのその嗣業を受けるまでは、家に帰りません。
19Nekuti hatingagari nhaka pamwechete navo mhiri kwaJoridhani nemberi; nekuti isu tagoverwa nhaka yedu nechouno mhiri kwaJoridhani kurutivi rwamabvazuva.
19またわれわれはヨルダンのかなたで彼らとともには嗣業を受けません。われわれはヨルダンのこなた、すなわち東の方で嗣業を受けるからです」。
20Zvino Mozisi akati kwavari, Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashonga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehovha kundorwa,
20モーセは彼らに言った、「もし、あなたがたがそのようにし、みな武装して主の前に行って戦い、
21mumwe nomumwe wenyu wakashonga akayambuka Joridhani pamberi paJehovha, kudzimana iye adzinga vavengi vake pamberi pake,
21みな武装して主の前に行ってヨルダン川を渡り、主がその敵を自分の前から追い払われて、
22nyika ikakundwa pamberi paJehovha, ipapo mungadzoka henyu, hamungavi nemhosva kuna Jehovha nokuvaIsiraeri; nyika ino igova nhaka yenyu pamberi paJehovha.
22この国が主の前に征服されて後、帰ってくるならば、あなたがたは主の前にも、イスラエルの前にも、とがめはないであろう。そしてこの地は主の前にあなたがたの所有となるであろう。
23Asi kana mukasaita saizvozvo, tarirai matadzira Jehovha, muzive kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai.
23しかし、そうしないならば、あなたがたは主にむかって罪を犯した者となり、その罪は必ず身に及ぶことを知らなければならない。
24Vakirai henyu vana venyu maguta namakwai enyu matanga; itai sezvamakataura.
24あなたがたは子供たちのために町々を建て、羊のために、おりを建てなさい。しかし、あなたがたは約束したことは行わなければならない」。
25Vana vaGadhi navana vaRubheni vakataura naMozisi, vakati, Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wedu.
25ガドの子孫とルベンの子孫とは、モーセに言った、「しもべらはあなたの命じられたとおりにいたします。
26Vana vedu, navakadzi vedu, nezvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose, zvichagara mumaguta eGiriyadhi;
26われわれの子供たちと妻と羊と、すべての家畜とは、このギレアデの町々に残します。
27asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu.
27しかし、しもべらはみな武装して、あなたの言われるとおり、主の前に渡って行って戦います」。
28Naizvozvo Mozisi akaraira pamusoro pavo Ereazari mupristi, naJoshua, mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri;
28モーセは彼らのことについて、祭司エレアザルと、ヌンの子ヨシュアと、イスラエルの人々の部族のうちの氏族のかしらたちとに命じた。
29Mozisi akati kwavari, Kana vana vaGadhi navana vaRubheni vakayambuka nemi, murume mumwe nomumwe wakazvigadzira kundorwa pamberi paJehovha, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuvapa nyika yeGiriyadhi, ive yavo.
29そしてモーセは彼らに言った、「ガドの子孫と、ルベンの子孫とが、おのおの武装してあなたがたと一緒にヨルダンを渡り、主の前に戦って、その地をあなたがたが征服するならば、あなたがたは彼らにギレアデの地を領地として与えなければならない。
30Asi kana vasingayambuki nemi, vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pakati penyu panyika yeKanani.
30しかし、もし彼らが武装してあなたがたと一緒に渡って行かないならば、彼らはカナンの地であなたがたのうちに領地を獲なければならない」。
31Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakapindura, vakati, Sezvakareva Jehovha kuvaranda venyu, ndizvo zvatichaita.
31ガドの子孫と、ルベンの子孫とは答えて言った、「しもべらは主が言われたとおりにいたします。
32Tichayambukira pamberi paJehovha kunyika yeKanani, takashonga nhumbi dzedu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yedu nechouno mhiri kwaJoridhani.
32われわれは武装して、主の前にカナンの地へ渡って行きますが、ヨルダンのこなたで、われわれの嗣業をもつことにします」。
33Zvino Mozisi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.
33そこでモーセはガドの子孫と、ルベンの子孫と、ヨセフの子マナセの部族の半ばとに、アモリびとの王シホンの国と、バシャンの王オグの国とを与えた。すなわち、その国およびその領内の町々とその町々の周囲の地とを与えた。
34Vana vaGadhi vakavaka Dhibhoni, neAtaroti, neAroeri,
34こうしてガドの子孫は、デボン、アタロテ、アロエル、
35neAtirotishofani, neJazeri, neJogibheha,
35アテロテ・ショパン、ヤゼル、ヨグベハ、
36neBheti-nimura, neBheti-harani, ari maguta akakombwa namasvingo, ana matanga amakwai.
36ベテニムラ、ベテハランなどの堅固な町々を建て、羊のおりを建てた。
37Vana vaRubheni vakavaka Heshibhoni, neEreari, neKiriataimi,
37またルベンの子孫は、ヘシボン、エレアレ、キリヤタイム、
38neNebho, neBhaari-meoni (vashandura mazita awo), neSibhima; vakatumidza maguta avakavaka mamwe mazita.
38および後に名を改めたネボと、バアル・メオンの町を建て、またシブマの町を建てた。彼らは建てた町々に新しい名を与えた。
39Vana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaenda Giriyadhi, vakarikunda, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.
39またマナセの子マキルの子孫はギレアデに行って、そこを取り、その住民アモリびとを追い払ったので、
40Mozisi akapa Makiri, mwanakomana waManase, Giriyadhi, iye akagaramo.
40モーセはギレアデをマナセの子マキルに与えてそこに住まわせた。
41Jairi, mwanakomana waManase, akakunda misha yaro, akaitumidza Misha yaJairi.
41またマナセの子ヤイルは行って村々を取り、それをハオテヤイルと名づけた。またノバは行ってケナテとその村々を取り、自分の名にしたがって、それをノバと名づけた。
42Nobha akandokunda Kenati, nemisha yaro yakanga yakabatwa naro, akaritumidza Nobha, nezita rake.
42またノバは行ってケナテとその村々を取り、自分の名にしたがって、それをノバと名づけた。