1Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
1主はまたモーセに言われた、
2Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana murume, kunyange, mukadzi, akazvisunga nokupika kukuru, kupika komuNaziri, kuti azvitsaurire Jehovha;
2「イスラエルの人々に言いなさい、『男または女が、特に誓いを立て、ナジルびととなる誓願をして、身を主に聖別する時は、
3anofanira kuramba waini nezvinobata, haafaniri kumwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kumwa muto wemizambiringa,kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.
3ぶどう酒と濃い酒を断ち、ぶどう酒の酢となったもの、濃い酒の酢となったものを飲まず、また、ぶどうの汁を飲まず、また生でも干したものでも、ぶどうを食べてはならない。
4Mazuva ose okuzvitsaura kwake haafaniri kudya chinhu chinobva pamuti womuzambiringa kubva pasvurwe kusvika pamateko.
4ナジルびとである間は、すべて、ぶどうの木からできるものは、種も皮も食べてはならない。
5Mazuva ose okupika kwake kuzvitsaura haafaniri kuveurwa musoro wake nechiso; anofanira kuva mutsvene, nevhudzi romusoro wake anofanira kurirega rirebe, kusvikira mazuva apera aakazvitsaurira Jehovha nawo.
5また、ナジルびとたる誓願を立てている間は、すべて、かみそりを頭に当ててはならない。身を主に聖別した日数の満ちるまで、彼は聖なるものであるから、髪の毛をのばしておかなければならない。
6Ngaarege kuswedera kuchitunha mazuva ose aanozvitsaurira Jehovha nawo.
6身を主に聖別している間は、すべて死体に近づいてはならない。
7Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwababa vake, kana nokuda kwamai vake, kana nokuda komunin'ina wake, kana nokuda kwehanzvadzi yake, kana vafa; nekuti akazvitsaurira Mwari.
7父母、兄弟、姉妹が死んだ時でも、そのために身を汚してはならない。神に聖別したしるしが、頭にあるからである。
8Mutsvene kuna Jehovha mazuva ose okuzvinatsa kwake.
8彼はナジルびとである間は、すべて主の聖なる者である。
9Kana munhu akafa kamwe-kamwe pedo naye, akasvibisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo anofanira kuveura musoro wake nomusi wokunatswa kwake, nomusi wechinomwe anofanira kuuveura.
9もし人がはからずも彼のかたわらに死んで、彼の聖別した頭を汚したならば、彼は身を清める日に、頭をそらなければならない。すなわち、七日目にそれをそらなければならない。
10Musi worusere anofanira kuuya kumupristi nenjiva mbiri kana twana twuviri twenjiva pamukova wetende rokusangana;
10そして八日目に山ばと二羽、または家ばとのひな二羽を携えて、会見の幕屋の入口におる祭司の所に行かなければならない。
11mupristi agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
11祭司はその一羽を罪祭に、一羽を燔祭にささげて、彼が死体によって得た罪を彼のためにあがない、その日に彼の頭を聖別しなければならない。
12Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nekuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.
12彼はまたナジルびとたる日の数を、改めて主に聖別し、一歳の雄の小羊を携えてきて、愆祭としなければならない。それ以前の日は、彼がその聖別を汚したので、無効になるであろう。
13Ndiwo murayiro womuNaziri, kana mazuva okuzvitsaura kwake achinge apera. Anofanira kuiswa kumukova wetende rokusangana;
13これがナジルびとの律法である。聖別の日数が満ちた時は、その人を会見の幕屋の入口に連れてこなければならない。
14kuti ape Jehovha chipo chake, chinoti gwayana rimwe, regondobwe regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chinopiswa, negwayana rimwe resheche regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chezvivi, negondobwe rimwe risina kuremara, chive chipiriso chokuyananisa,
14そしてその人は供え物を主にささげなければならない。すなわち、一歳の雄の小羊の全きもの一頭を燔祭とし、一歳の雌の小羊の全きもの一頭を罪祭とし、雄羊の全きもの一頭を酬恩祭とし、
15nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa, zvakazodzwa namafuta, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
15また種入れぬパンの一かご、油を混ぜて作った麦粉の菓子、油を塗った種入れぬ煎餅、および素祭と灌祭を携えてこなければならない。
16mupristi anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha, ndokugadzira chipiriso chake chezvivi nechipiriso chake chinopiswa;
16祭司はこれを主の前に携えてきて、その罪祭と燔祭とをささげ、
17ndokuuya negondobwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; mupristi anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
17また雄羊を種入れぬパンの一かごと共に、酬恩祭の犠牲として、主にささげなければならない。祭司はまたその素祭と灌祭をもささげなければならない。
18Zvino muNaziri anofanira kuveura musoro wake wakatsaurwa pamukova wetende rokusangana, ndokutora vhudzi romusoro wake wakatsaurwa, ndokuriisa pamoto uri pasi pechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.
18そのナジルびとは会見の幕屋の入口で、聖別した頭をそり、その聖別した頭の髪を取って、これを酬恩祭の犠牲の下にある火の上に置かなければならない。
19Zvino mupristi anofanira kutora bandauko regondobwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.
19祭司はその雄羊の肩の煮えたものと、かごから取った種入れぬ菓子一つと、種入れぬ煎餅一つを取って、これをナジルびとが、その聖別した頭をそった後、その手に授け、
20Zvino mupristi anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomupristi, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri angamwe
20祭司は主の前でこれを揺り動かして揺祭としなければならない。これは聖なる物であって、その揺り動かした胸と、ささげたももと共に、祭司に帰するであろう。こうして後、そのナジルびとは、ぶどう酒を飲むことができる。
21ndiwo murayiro womuNaziri pakupika kwake, nechipo chake chokuzvitsaurira Jehovha, zvimwe zvaangagona kuuya nazvo zvisingaverengwi; sezvaakapika, ndizvo zvaachaita nomurayiro wokuzvitsaura nawo.
21これは誓願をするナジルびとと、そのナジルびとたる事のために、主にささげる彼の供え物についての律法である。このほかにその力の及ぶ物をささげることができる。すなわち、彼はその誓う誓願のように、ナジルびとの律法にしたがって行わなければならない』」。
22Jehovha akataura naMozisi, akati,
22主はまたモーセに言われた、
23Taura naAroni navanakomana vake, uti, Munofanira kuropafadza vana vaIsiraeri nomutowo uyu: Muti kwavari,
23「アロンとその子たちに言いなさい、『あなたがたはイスラエルの人々を祝福してこのように言わなければならない。
24Jehovha akuropafadze, akuchengete;
24「願わくは主があなたを祝福し、あなたを守られるように。
25Jehovha akuvhenekere nechiso chake, akunzwire nyasha;
25願わくは主がみ顔をもってあなたを照し、あなたを恵まれるように。
26Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.
26願わくは主がみ顔をあなたに向け、あなたに平安を賜わるように」』。こうして彼らがイスラエルの人々のために、わたしの名を唱えるならば、わたしは彼らを祝福するであろう」。
27Nokudaro vachaisa zita rangu pavana vaIsiraeri; neni ndichavaropafadza.
27こうして彼らがイスラエルの人々のために、わたしの名を唱えるならば、わたしは彼らを祝福するであろう」。