1Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire;
1わが神、主よ、わたしはあなたに寄り頼みます。どうかすべての追い迫る者からわたしを救い、わたしをお助けください。
2Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira.
2さもないと彼らは、ししのように、わたしをかき裂き、助ける者の来ないうちに、引いて行くでしょう。
3Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu;
3わが神、主よ、もしわたしがこの事を行ったならば、もしわたしの手によこしまな事があるならば、
4Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakanunura waiva mudzivisi wangu pasina mhosva;)
4もしわたしの友に悪をもって報いたことがあり、ゆえなく、敵のものを略奪したことがあるならば、
5Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva.
5敵にわたしを追い捕えさせ、わたしの命を地に踏みにじらせ、わたしの魂をちりにゆだねさせてください。〔セラ
6Mukai mundirwire Jehovha pakutsamwa kwenyu; mukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimwi makaraira kuti zvakarurama zviitwe.
6主よ、怒りをもって立ち、わたしの敵の憤りにむかって立ちあがり、わたしのために目をさましてください。あなたはさばきを命じられました。
7Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo.
7もろもろの民をあなたのまわりにつどわせ、その上なる高みくらにおすわりください。
8Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nechokwadi zviri mandiri.
8主はもろもろの民をさばかれます。主よ、わたしの義と、わたしにある誠実とに従って、わたしをさばいてください。
9Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; nekuti Mwari akarurama anoidza moyo netsvo.
9どうか悪しき者の悪を断ち、正しき者を堅く立たせてください。義なる神よ、あなたは人の心と思いとを調べられます。
10nhovo yangu iri kuna Mwari, Iye anoponesa vane moyo yakarurama.
10わたしを守る盾は神である。神は心の直き者を救われる。
11Mwari unotonga vakarurama, Zvirokwazvo, ndiMwari unotsamwira wakaipa zuva rimwe nerimwe.
11神は義なるさばきびと、日ごとに憤りを起される神である。
12Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; Akakunga uta hwake, akahugadzira.
12もし人が悔い改めないならば、神はそのつるぎをとぎ、その弓を張って構え、
13Akamugadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo; Anoitira vadzingiriri miseve inopisa.
13また死に至らせる武器を備え、その矢を火矢とされる。
14Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa; Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata, akabereka nhema.
14見よ、悪しき者は邪悪をはらみ、害毒をやどし、偽りを生む。
15Akachera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakachera iye.
15彼は穴を掘って、それを深くし、みずから作った穴に陥る。
16Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene, Uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro pedehenya rake.
16その害毒は自分のかしらに帰り、その強暴は自分のこうべに下る。わたしは主にむかって、その義にふさわしい感謝をささげ、いと高き者なる主の名をほめ歌うであろう。
17Ndichavonga Jehovha nokuda kokururama kwake; Ndichaimbira zita raJehovha Wekumusoro-soro.
17わたしは主にむかって、その義にふさわしい感謝をささげ、いと高き者なる主の名をほめ歌うであろう。