Shona

Kabyle: New Testament

1 Samuel

18

1Zvino wakati apedza kutaura naSauro, moyo waJonatani ukanamatira moyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida moyo wake.
2Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake.
3Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nekuti wakange achimuda sezvaakanga achida moyo wake.
4Jonatani akabvisa nguvo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebhanhire rake.
5Dhavhidhi akasienda kose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.
6Zvino vakati vachisvika pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia, vakadzi vakabuda kumaguta ose avaIsiraeri vachiimba, vachitamba, kuzosangana namambo Sauro nengoma, nokufara uye nezvimwe zvokuridza.
7Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.
8Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?
9Zvino kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi.
10Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakange watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakange akabata pfumo muruoko rwake.
11Sauro akaposha pfumo, nekuti wakati, Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro. Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake.
12Sauro akatya Dhavhidhi, nekuti Jehovha wakange abva kuna Sauro.
13Naizvozvo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wechiuru, akabuda nokupinda pakati pavanhu.
14Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye.
15Zvino Sauro wakati achiona kuti unofamba nokungwara kukuru, akamutya kwazvo.
16Asi vaIsiraeri vose navaJudha vose vakada Dhavhidhi, nekuti waibuda nokupinda pakati pavo.
17Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha. Nekuti Sauro wakati, Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye.
18Dhavhidhi akati kuna Sauro, Ini ndini aniko, noupenyu hwangu chinyiko, kana imba yababa vangu pakati paIsiraeri, kuti ndive mukwambo wamambo?
19Asi nguva iyo Merabhi mukunda waSauro yaaifanira kupiwa Dhavhidhi, iye akapiwa Adhirieri muMehorati, ave mukadzi wake.
20Zvino Mikari mukunda waSauro, wakange achida Dhavhidhi; vakaudza Sauro, akafara nazvo.
21Ipapo Sauro akati, Ndichamupa iye, ave musungo kwaari, uye kuti vaFirisitia varwe naye. Naizvozvo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Nhasi uchava mukwambo wangu rwechipiri.
22ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda; naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo.
23Varanda vaSauro vakataura mashoko iwayo munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akati, Imi munoti zvitete here kuva mukwambo wamambo, zvandiri murombo hangu usingakudzwi?
24Varanda vaSauro vakamuudza vakati, Dhavhidhi wataura mashoko okuti.
25Sauro akati, Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kurovorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake. Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia.
26Zvino varanda vake vakati vachiudza Dhavhidhi mashoko iwayo, Dhavhidhi akafara kuva mukwambo wamambo. Zvino mazuva asati apera,
27Dhavhidhi akasimuka, akaenda iye navanhu vake, akauraya varume vana mazana maviri avaFirisitia; Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi, akazvipa zviri zvose kuna mambo, kuti ave mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, ave mukadzi wake.
28Naizvozvo Sauro akaziva nokuona kuti Jehovha ana Dhavhidhi; Mikari mukunda waSauro akamuda.
29Sauro akanyanya kutya Dhavhidhi; Sauro akaramba achivenga Dhavhidhi.
30Zvino machinda avaFirisitia akabuda, nguva dzose kana vobuda, Dhavhidhi akakunda vamwe varanda vose vaSauro pakungwara; naizvozvo zita rake rikakurumbira kwazvo.