1Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi.
2Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakange achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande;
3ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza.
4Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nekuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo;
5nekuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imwi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?
6Sauro akateerera inzwi raJonatani, Sauro akapika akati, NaJehovha mupenyu, haangaurawi!
7Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga.
8Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake.
9Mweya wakaipa, wakange watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake.
10Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo.
11Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana.
12Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napahwindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka.
13Mikari akatora terafimi, akairadzika panhovo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira.
14Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, Unorwara.
15Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, Uyai naye kwandiri ari panhovo, ndimuuraye.
16Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhovo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo.
17Sauro akati kuna Mikari, Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka? Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?
18Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka, akasvika kuna Samueri paRama, akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakandogara Naioti.
19Zvino Sauro wakaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Dhavhidhi uri Naioti paRama.
20Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo.
21Zvino Sauro wakati achiudzwa izvozvo, akatumazve dzimwe nhume, naidzo dzikaporofitawo. Ipapo Sauro akatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo.
22Zvino naiye akaendawo Rama, akasvika patsime guru riri paSeku, akabvunza akati, VanaSamueri naDhavhidhi varipiko? Mumwe akati, Tarirai, vari Naioti paRama.
23Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama.
24Akabvisawo nguvo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, Sauro uri pakati pavaporofitawo here?