1Pakutanga Mwari wakasika matenga nenyika.
2Zvino nyika yakange isina chimiro, isina chinhu, uye rima raiva pamusoro peudzamu; uye Mweya waMwari waindeya pamusoro mvura.
3Zvino Mwari akati: Ngakuve nechiedza, chiedza ndokuvapo.
4Zvino Mwari wakaona chiedza kuti chakanaka; Mwari ndokuparadzanisa chiedza nerima.
5Zvino Mwari akatumidza chiedza, kuti masikati, nerima akaritumidza kuti Usiku. Madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.
6Zvino Mwari wakati: Ngakuve nenzvimbo pakati pemvura, uye ngaiparadzanise pakati pemvura nemvura.
7Zvino Mwari wakaita nzvimbo, ndokuparadzanisa mvura yaiva pasi penzvimbo, nemvura yaiva pamusoro pemuganhu; zvikaita saizvozvo.
8Mwari akatumidza nzvimbo kuti matenga. Madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva repiri.
9Zvino Mwari wakati: Mvura iri pasi pedenga ngaiunganidzwe panzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaonekwe; ndokuita saizvozvo.
10Zvino Mwari wkatumidza pasi pakaoma, kuti nyika; nemuunganidzwa wemvura akautumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
11Zvino Mwari wakati: Nyika ngaimerese uswa, miriwo inobereka mbeu, nemiti yemichero inobereka michero inoenderana nemarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ndokuita saizvozvo.
12Zvino nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzine marudzi adzo, nemuti unobereka michero, mbeu dzawo dziri mukati mawo, une marudzi awo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
13Zvino madekwani akavapo nemangwanani akavapo, zuva retatu.
14Zvino Mwari wakati: Ngakuve nezviedza panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati neusiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva yakatarwa, nemazuva, nemakore.
15Zvino ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika; zvikaita saizvozvo.
16Zvino Mwari wakaita zviedza zvikuru zviviri: Chiedza chikuru kuti chitonge masikati, nechiedza chiduku, kuti chitonge usiku, nenyeredziwo.
17Zvino Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika,
18uye zvitonge masikati neusiku, nekuparadzanisa chiedza kubva parima; zvino Mwari akaona kuti zvakanaka.
19Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rechina.
20Zvino Mwari wakati: Mvura ngaizare nekupfakanyika kwemweya mipenyu, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.
21Zvino Mwari wakasika mabukanana egungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvine marudzi azvo, neshiri dzose dzine mapapiro, dzine marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
22Zvino Mwari wakazviropafadza, achiti: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika.
23Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva reshanu.
24Zvino Mwari wakati: Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu zvine marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo. Zvikaita saizvozvo.
25Mwari akaita mhuka dzenyika dzine marudzi adzo, nezvipfuwo zvine marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvine marudzi azvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
26Zvino Mwari wakati: Ngatiite munhu nemufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, nepamusoro peshiri dzedenga, nepamusoro pezvipfuwo, nepamusoro penyika yose, nepamusoro pezvose zvinokambaira panyika.
27Zvino Mwari wakasika munhu nemufananidzo waMwari; akavasika murume nemukadzi.
28Zvino Mwari wakavaropafadza, Mwari ndokuti kwavari: Berekai, muwande, uye muzadze nyika, nekuitonga; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, nepamusoro peshiri dzedenga, nepamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira pamusor penyika.
29Zvino Mwari wakati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri pachiso chenyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kwamuri ndeyekudya.
30Zvino kumhuka dzose dzenyika, nekushiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira panyika, zvine mweya weupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo. Zvikaita saizvozvo.
31Zvino Mwari wakaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Zvino madekwani akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.