Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

1

1Pakutanga Mwari wakasika matenga nenyika.
2Zvino nyika yakange isina chimiro, isina chinhu, uye rima raiva pamusoro peudzamu; uye Mweya waMwari waindeya pamusoro mvura.
3Zvino Mwari akati: Ngakuve nechie­dza, chiedza ndokuvapo.
4Zvino Mwari wakaona chiedza kuti chaka­naka; Mwari ndokuparadzanisa chiedza nerima.
5Zvino Mwari akatumidza chiedza, kuti masikati, nerima akaritumidza kuti Usiku. Madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.
6Zvino Mwari wakati: Ngakuve nenzvimbo pakati pemvura, uye ngaiparadzanise pakati pemvura nemvura.
7Zvino Mwari wakaita nzvimbo, ndokuparadzanisa mvura yaiva pasi penzvimbo, nemvura yaiva pamusoro pemuganhu; zvikaita saizvozvo.
8Mwari akatumidza nzvimbo kuti matenga. Ma­dekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva repiri.
9Zvino Mwari wakati: Mvura iri pasi pede­nga ngaiunganidzwe panzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaonekwe; ndokuita saizvozvo.
10Zvino Mwari wkatumidza pasi pakaoma, kuti nyika; nemuunganidzwa wemvura akautumi­dza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
11Zvino Mwari wakati: Nyika ngaimerese uswa, miriwo inobereka mbeu, nemiti yemichero inobereka michero inoenderana nemarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ndokuita saizvozvo.
12Zvino nyika ika­meresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzine marudzi adzo, nemuti unobereka michero, mbeu dzawo dziri mukati mawo, une marudzi awo. Mwari akaona kuti zva­kanaka.
13Zvino madekwani akavapo nemangwa­nani akavapo, zuva retatu.
14Zvino Mwari wakati: Ngakuve nezviedza panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati neusiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva yakatarwa, nemazuva, nemakore.
15Zvino ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika; zvikaita saizvo­zvo.
16Zvino Mwari wakaita zviedza zvikuru zviviri: Chiedza chikuru kuti chitonge masikati, nechiedza chiduku, kuti chitonge usiku, nenyeredziwo.
17Zvino Mwari aka­zviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika,
18uye zvitonge masikati neusiku, nekuparadzanisa chie­dza kubva parima; zvino Mwari akaona kuti zvaka­naka.
19Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rechina.
20Zvino Mwari wakati: Mvura ngaizare nekupfakanyika kwemweya mipenyu, neshiri dzibhuru­ruke pamusoro penyika munzvimbo ye­denga.
21Zvino Mwari wakasika mabukanana egungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere na­zvo, zvine marudzi azvo, neshiri dzose dzine mapapiro, dzine marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
22Zvino Mwari wakazviropafadza, achiti: Berekai, muwa­nde, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika.
23Zvino ma­dekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva reshanu.
24Zvino Mwari wakati: Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu zvine marudzi azvo, nezvi­pfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dze­nyika, zvina marudzi azvo. Zvikaita sai­zvozvo.
25Mwari akaita mhuka dzenyika dzine marudzi adzo, nezvipfuwo zvine marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinoka­mbaira panyika zvine marudzi azvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
26Zvino Mwari wakati: Ngatiite munhu nemufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegu­ngwa, nepamusoro peshiri dzedenga, nepamusoro pezvipfuwo, nepamusoro pe­nyika yose, nepamusoro pezvose zvinokambaira panyika.
27Zvino Mwari wakasika munhu nemufananidzo waMwari; akavasika murume nemukadzi.
28Zvino Mwari wakavaropafadza, Mwari ndokuti kwavari: Berekai, muwande, uye muzadze nyika, nekuitonga; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, nepamu­soro peshiri dzedenga, nepamusoro pe­zvipenyu zvose zvinokambaira pamusor penyika.
29Zvino Mwari wakati: Tarirai, ndakakupai mi­riwo yose inobereka mbeu, iri pachiso chenyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kwamuri ndeyekudya.
30Zvino kumhuka dzose dzenyika, nekushiri dzose dzedenga, nezvose zvino­kambaira panyika, zvine mweya weupe­nyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo. Zvikaita saizvozvo.
31Zvino Mwari wakaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Zvino madekwani akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.