1Zvino matenga nenyika zvikapera saizvozvo, nehondo yazvo yose.
2Mwari akapedza basa rake raakaita nezuva rechinomwe; ndokuzorora nezuva rechinomwe pabasa rake rose raakange aita.
3Zvino Mwari wakaropafadza zuva rechinomwe, akariita dzvene; nekuti wakazorora naro pabasa rake rose, Mwari raakange asika nekuita.
4Ndiyo nhoroondo yemazera ematenga nenyika, pakusikwa kwazvo; nezuva iro Jehovha Mwari raakaita nyika nematenga,
5nemakwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemuriwo umwe neumwe wesango wakange uchigere kumera; nekuti Jehovha Mwari akange asati anaisa mvura panyika, uye kwakange kusina munhu kuzorima pasi.
6Asi mhute yaisimuka ichibva panyika ichinyorovesa chiso chose chenyika.
7Zvino Jehovha Mwari wakaumba munhu neguruva revhu, akafemera mumhino dzake mweya weupenyu; munhu ndokuva mweya mupenyu.
8Zvino Jehovha Mwari wakasima munda muEdheni, kumabvazuva, ndokuisapo munhu waakange aumba.
9Zvino Jehovha Mwari wakameresa pasi miti yose inofadza pakuona, uye yakanaka kudya; uye muti weupenyu pakati pemunda, nemuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.
10Zvino rwizi rwakabuda muEdheni kuzodiridza munda, uye kubva ipapo rwakaparadzaniswa rwukava misoro mina.
11Zita rerwekutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo;
12uye ndarama yenyika iyoyo yakanaka; pane dheriumu nebwe reonikisi.
13Zvino zita rerwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi.
14Zvino zita rerwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi.
15Zvino Jehovha Mwari wakatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nekuuchengeta.
16Zvino Jehovha Mwari wakaraira munhu achiti: Pamiti yose yemunda ungadya uchidya,
17asi muti werizivo rwezvakanaka nezvakaipa usadya pauri; nekuti nemusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.
18Zvino Jehovha Mwari wakatizve, Hazvina kunaka kuti munhu ave oga; ndichamuitira mubatsiri wakafanana naye.
19Zvino Jehovha Mwari wakaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza kuti chii, uye chipenyu chose sechazvakatumidzwa nemunhu, ndiro rakava zita racho.
20Zvino munhu wakapa mazita kuzvipfuwo zvose nekushiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kumunhu kwakashaikwa mubatsiri wakamukwanira.
21Zvino Jehovha Mwari wakakonzera hope huru kuwira pamusoro pemunhu, ndokuvata; zvino wakatora rumwe rwemabvu dzake, akadzivira nyama panzvimbo yarwo.
22Zvino nerumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi, akamuisa kumunhu.
23Munhu akati: Ikozvino uyu ipfupa remafupa angu, nenyama yenyama yangu, uchanzi mukadzi, nekuti wakabviswa pamurume.
24Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
25Zvino vose vari vaviri vakange vasina kupfeka, munhu nemukadzi wake, asi havana kunyara.