Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

3

1Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupfuura mhuka dzose dzesango Jehovha Mwari dzaakange aita. Ndokuti kumukadzi, Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yemunda?
2Mukadzi ndokuti kunyoka: Tingadya zvemichero yemiti yemunda;
3asi zvemuchero wemuti uri pakati pemunda, Mwari wakati: Musadya, kana kuu­bata, zvimwe mufe.
4Nyoka ikati kumukadzi: Hamu­ngafi zvirokwazvo.
5Nekuti Mwari ano­ziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezva­kaipa.
6Zvino mukadzi wakati achiona kuti muti wakanaka kuva chikafu, uye kuti unofa­dza meso, uye kuti muti unodikamwa kungwadza, akatora zvemuchero yawo, akadya, akapawo kumurume wake pamwe naye, uye akadya.
7Zvino meso avo vari vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti vakashama; vakasonanidza mashizha emuonde, vakazviitira mafasikoto.
8Zvino vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda pakutonhorera kwezuva, munhu nemukadzi wake ndokunohwanda pa­mberi paJehovha Mwari pakati pemiti yemunda.
9Jehovha Mwari akadana mu­nhu, akati kwaari, Uripi?
10Iye ndokuti: Ndanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nekuti ndanga ndisina kupfeka, ndokuhwanda.
11Zvino wakati: Ndiani wakuudza kuti hauna kupfeka? Wadya kanhi zvemuti wandakakuraira kuti usaudya?
12Zvino munhu wakati, Mukadzi wamakapa kuti ave neni, iye wandipa zvemuti ndikadya.
13Zvino Jehovha Mwari wakati kumukadzi: Chii chawakaita? Mukadzi ndokuti: Nyoka yandinyengera, ndika­dya.
14Zvino Jehovha Mwari wakati kunyoka: Nekuti waita izvi, wapiwa rushambwa kupfuura chipfuwo chose nemhuka yose yesango; uye nedumbu rako uchafamba, uye guruva ucharidya mazuva ose eupenyu hwako.
15Uye ndichaisa ruvengo pa­kati pako nemukadzi, nepakati pembeu yako nembeu yake, iyo ichakupwanya musoro, newe uchaipwanya chitsitsinho.
16Kumukadzi wakati: Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nekutora mi­mba kwako, mukurwadziwa uchabereka vana, chishuwo chako chichava kumurume wako, uye uchakutonga.
17Zvino kumunhu wakati: Nekuti wateerera kuinzwi remukadzi wako, ukadya muti wa­ndakakuraira ndichiti: Usadya zvawo, pasi papiwa rushambwa nemhosva yako, nekutambudzika uchadya zvibereko zvayo ma­zuva ose eupenyu hwako.
18Zvino ichakubere­kera mhinzwa neubayambeva, uye uchadya mi­riwo yemusango.
19Neziya rechiso chako uchadya chikafu kusvikira wadzokera kuvhu; nekuti wakatorwa kwariri. nekuti uri guruva, uchadzokerazve kuguruva.
20Zvino munhu wakatumidza mukadzi wake kuti Evha; nekuti ndiye mai vevapenyu vose.
21Zvino Jehovha Mwari wakai­tira munhu nemukadzi wake nguvo dza­matehwe, akavafukidza nadzo.
22Zvino Jehovha Mwari akati, Ta­rirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvi­mwe angatambanudza ruoko rwake aka­torawo zvomuti woupenyu, akadya, aka­rarama nokusingaperi.
23Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
24Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabva­zuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.