1Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupfuura mhuka dzose dzesango Jehovha Mwari dzaakange aita. Ndokuti kumukadzi, Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yemunda?
2Mukadzi ndokuti kunyoka: Tingadya zvemichero yemiti yemunda;
3asi zvemuchero wemuti uri pakati pemunda, Mwari wakati: Musadya, kana kuubata, zvimwe mufe.
4Nyoka ikati kumukadzi: Hamungafi zvirokwazvo.
5Nekuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.
6Zvino mukadzi wakati achiona kuti muti wakanaka kuva chikafu, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikamwa kungwadza, akatora zvemuchero yawo, akadya, akapawo kumurume wake pamwe naye, uye akadya.
7Zvino meso avo vari vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti vakashama; vakasonanidza mashizha emuonde, vakazviitira mafasikoto.
8Zvino vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda pakutonhorera kwezuva, munhu nemukadzi wake ndokunohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yemunda.
9Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, Uripi?
10Iye ndokuti: Ndanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nekuti ndanga ndisina kupfeka, ndokuhwanda.
11Zvino wakati: Ndiani wakuudza kuti hauna kupfeka? Wadya kanhi zvemuti wandakakuraira kuti usaudya?
12Zvino munhu wakati, Mukadzi wamakapa kuti ave neni, iye wandipa zvemuti ndikadya.
13Zvino Jehovha Mwari wakati kumukadzi: Chii chawakaita? Mukadzi ndokuti: Nyoka yandinyengera, ndikadya.
14Zvino Jehovha Mwari wakati kunyoka: Nekuti waita izvi, wapiwa rushambwa kupfuura chipfuwo chose nemhuka yose yesango; uye nedumbu rako uchafamba, uye guruva ucharidya mazuva ose eupenyu hwako.
15Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pembeu yako nembeu yake, iyo ichakupwanya musoro, newe uchaipwanya chitsitsinho.
16Kumukadzi wakati: Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nekutora mimba kwako, mukurwadziwa uchabereka vana, chishuwo chako chichava kumurume wako, uye uchakutonga.
17Zvino kumunhu wakati: Nekuti wateerera kuinzwi remukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti: Usadya zvawo, pasi papiwa rushambwa nemhosva yako, nekutambudzika uchadya zvibereko zvayo mazuva ose eupenyu hwako.
18Zvino ichakuberekera mhinzwa neubayambeva, uye uchadya miriwo yemusango.
19Neziya rechiso chako uchadya chikafu kusvikira wadzokera kuvhu; nekuti wakatorwa kwariri. nekuti uri guruva, uchadzokerazve kuguruva.
20Zvino munhu wakatumidza mukadzi wake kuti Evha; nekuti ndiye mai vevapenyu vose.
21Zvino Jehovha Mwari wakaitira munhu nemukadzi wake nguvo dzamatehwe, akavafukidza nadzo.
22Zvino Jehovha Mwari akati, Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.
23Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
24Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.