1Zvino Adhamu wakaziva Evha mukadzi wake; ndokutora mimba, akabereka Kaini, akati: Ndawana munhu kubva kuna Jehovha.
2Zvino akaberekazve munin'ina wake Abhero. Uye Abhero waiva mufudzi wemakwai, Kaini waiva murimi wevhu.
3Zvino pakupfuura kwenguva, zvakaitika kuti Kaini wakauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha.
4NaAbherowo akauisa zvemakwayana ake ematangwe nezvakakora zvawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake;
5asi kuna Kaini nekuchipiriso chake haana kugamuchira. Zvino Kaini wakatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana.
6Zvino Jehovha akati kuna Kaini, Watsamwirei? Chiso chako chakaunyana nei?
7Kana uchiita zvakanaka, haugamuchiriki here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwandira pamusuwo; nechishuwo chake chiri kwauri asi iwe uchatonga.
8Zvino Kaini wakataura nemunun'una wake Abhero; zvino zvakaitika vari kusango kuti Kaini wakamukira Abhero munin'ina wake, akamuuraya.
9Zvino Jehovha wakati kuna Kaini: Ari kupi Abhero munin'ina wako? Iye ndokuti: Handizivi, ndini muchengeti wemunin'ina wangu here?
10Zvino wkati: Waitei? Inzwi reropa remunin'ina wako rinodaidzira kwandiri richibva pasi.
11Zvino wapiwa rushambwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa remunin'ina wako paruoko rwako;
12kana uchirima ivhu, haringakupi simba raro; uchava mutizi nemudzungairi panyika.
13Zvino Kaini wakati kuna Jehovha: Kurangwa kwangu kukuru kupfuura kwandingatakura,.
14Tarirai, mandidzinga nhasi pachiso chenyika ino, uye ndichavanziwa pamberi pechiso chenyu; ndichava mutizi nemudzungairi panyika; uye zvichaitika kuti ani naani anondiwana achandiuraya.
15Zvino Jehovha wakati kwaari: Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe. Jehovha ndokuisa mucherechedzo pana Kaini, zvimwe ani nani anozomuwana angamuuraya.
16Zvino Kaini wakabva pamberi paJehovha, ndokunogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
17Zvino Kaini wakaziva mukadzi wake, akatora mimba, akabereka Enoki; ndokuvaka guta, akatumidza guta zita remwanakomana wake Enoki.
18Enoki akaberekerwa Iradhi; naIradhi akabereka Mehujaeri; naMehujaeri akabereka Metushaeri; naMetushaeri akabereka Rameki;
19Zvino Rameki wakazvitorera vakadzi vaviri, nezita reumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira.
20Zvino Adha wakabereka Jabhari; iye waiva baba veavo vanogara mumatende vane zvipfuwo.
21Zvino zita remunin'ina wake raiva Jubhari; iye waiva baba vevose vanoridza udimbwa nenyere.
22Zirawo ndokubereka Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzinocheka dzendarira nedare; nehanzvadzi yaTubharikaini waiva Naama.
23Zvino Rameki wakati kuvakadzi vake; Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai nhaurwa yangu; nekuti ndauraya munhu anondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;
24Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.
25Zvino Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nekuti wakati, Mwari wandipa imwe mbeu pachinzvimbo chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.
26NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enosi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.