1Iri ibhuku renhoroondo yedzinza raAdhamu. Pazuva Mwari raakasika munhu nemufananidzo waMwari.
2Wakavasika murume nemukadzi; ndokuvaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, pazuva ravakasikwa.
3Zvino Adhamu wakararama makore zana nemakumi matatu, akabereka mwanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.
4Zvino mazuva aaAdhamu shure kwekubereka kwake Seti aiva makore mazana masere; akabereka vanakomana nevanasikana.
5Zvino mazuva ose eupenyu hwaAdhamu aiva makore mazana mapfumbamwe nemakumi matatu, ndokufa.
6Zvino Seti wakararama makore zana nemashanu, akabereka Enosi;
7Seti ndokurarama makore mazana masere nemanomwe shure kwekubereka kwake Enosi, ndokubereka vanakomana nevanasikana.
8Zvino ose mazuva aSeti aiva makore mazana mapfumbamwe negumi nemaviri, ndokufa.
9Zvino Enosi wakararama makore makumi mapfumbamwe, ndokubereka Kenani;
10Zvino Enosi wakararama shure kwekubereka kwake Kanani makore mazana masere negumi nemashanu; ndokubereka vanakomana nevanasikana;
11Zvino mazuva ose aEnosi aiva makore mazana mapfumbamwe nemashanu, ndokufa.
12Zvino Kanani wakararama makore makumi manomwe, akabereka Maharareri;
13Kanani ndokurarama shure kwekubereka kwake Maharareri makore mazana masere nemakumi mana; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
14Nemazuva ose aKanani aiva makore mazana mapfumbamwe negumi, ndokufa.
15Zvino Maharareri wakararama makore makumi matanhatu nemashanu, akabereka Jaredhi.
16Maharareri ndokuraramama shure kwekubereka kwake Jaredhi makore mazana masere nemakumi matatu, ndokubereka vanakomana nevanasikana.
17Uye mazuva ose aMaharareri aiva makore mazana masere nemakumi mapfumbamwe nemashanu, ndokufa.
18Zvino Jaredhi wakararama makore zana nemakumi matanhatu nemaviri, akabereka Enoki.
19Zvino Jaredhi wakararama shure kwekubereka kwake Enoki Jaredhi makore mazana masere; ndokubereka vanakomana nevanasikana;
20Zvino mazuva ose aJaredhi aiva makore mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemaviri, ndokufa.
21Zvino Enoki wakararama makore makumi matanhatu nemashanu, ndokubereka Metusera.
22Zvino Enoki wakafamba naMwari shure kwekubereka kwake Metusera makore mazana matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
23Nemazuva ose aEnoki aiva makore mazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu.
24Enoki ndokufamba naMwari, uye haachipo, nekuti Mwari wakamutora.
25Zvino Metusera wakararama makore zana nemakumi masere namanomwe, ndokubereka Rameki;
26Zvino Metusera wakararama shure kwekubereka kwake Rameki makore mazana manomwe namakumi masere namaviri; ndokubereka vanakomana nevanasikana.
27Zvino mazuva ose aMetusera aiva makore mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemapfumbamwe, ndokufa.
28Rameki ndokurarama makore zana nemakumi masere nemaviri; ndokubereka mwanakomana.
29Zvino wakamutumidza zita kuti Nowa, achiti: Uyu achanyaradza pabasa redu nepakushingaira kwemaoko edu, nekuda kwepasi Jehovha paakapa rushambwa.
30Rameki akararama shure kwekubereka kwake Nowa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu; akabereka vanakomana navanasikana.
31Nemazuva ose aRameki aiva makore mazana manomwe nemakumi manomwe nemanomwe, ndokufa.
32Zvino Nowa waiva nemakore mazana mashanu, Nowa ndokubereka Shemu, naHamu, naJafeti.