Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

6

1Zvino zvakaitika vanhu pavaitanga kuwanda pachiso chenyika, vachiberekerwa vanasi­kana,
2kuti vanakomana vaMwari vakaona vakunda vevanhu kuti vakanaka, vakazvitorera vakadzi pakati pavose vavakasarudza.
3Zvino Jehovha wakati, Mweya wangu haungagari mumunhu nekusingaperi, nekuti iye inyamawo; asi mazuva ake achava makore zana nemakumi ma­viri.
4Panguva iyo kwaiva nehamburamakaka panyika, nepashu­rewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvakunda vevanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakange vakakuru­mbira.
5Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwevanhu kwakakura panyika, nendangariro dzemifungo­yemoyo yavo dzaiva zuva rose.
6Jehovha akazvidemba kuti wakaita munhu panyika, zvikamushungurudza pamoyo wake.
7Jeho­vha ndokuti: Ndichaparadza munhu wanda­kasika ndimubvise pachiso chenyika, kubva kunhu kuenda ku­mhuka kusvika kune zvinokambaira, neshiri dzedenga; nekuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.
8Asi Nowa wakawana nyasha pamberi paJehovha.
9Ndiyo nhoroondo yedzinza raNowa: Nowa waiva munhu wakarurama, wakaperedzerwa pamazera ake; Nowa wakafamba naMwari.
10Nowa ndokubereka vanakomana vatatu, Shemu, naHamu, naJafeti.
11Nyikawo yaiva yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nekumani­kidza.
12Mwari ndokuona nyika, zvino tarira, yakaora; nekuti nyama yose yakaodza nzira dzayo panyika.
13Zvino Mwari wakati kuna Nowa, Kupera kwenyama yose kwasvika pamberi pangu; nekuti nyika izere nekumanikidza nekuda kwavo; zvino tarira, ndichavaparadza pamwe nenyika.
14Zviitire areka nemuti wemugoferi; uite makamuri mua­reka, uiname mukati nekunze nenamo.
15Unofanira kuiita nenzira iyi: Kureba kweareka ngakuve makubhiti mazana matatu, kufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nekukwi­rira kwayo makubhiti makumi matatu.
16Buri uchariita paareka; uripedze kana kwasara kubhiti rimwe kubva kumusoro; nemusuwo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mupanda woku­tanga, nowechipiri, nowechitatu.
17Zvino tarira, ini ndinouyisa panyika mvura zhi­nji, kuzoparadze zvipenyu zvose zvine mweya weupenyu, kubva pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa.
18Asi ndichagadza sungano yangu newe; uye unofa­nira kupinda muareka, iwe nevanako­mana vako, nemukadzi wako, nevakadzi vevanakomana vako pamwe newe.
19Napazvipenyu zvose, nepanyama yose uise muareka zviviri zviviri zvemarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; zvichzva mukono nehadzi.
20Pashiri nemarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira zvepasi zvose ne­marudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, uzvichengete zviri zvipenyu.
21Iwe utore marudzi ose ezvoku­dya zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive chikafu chako nechazvo.
22Nowa akaita saizvozvo; se­zvose zvaakarairwa naMwari, wakaita saizvozvo.