1Zvino zvakaitika vanhu pavaitanga kuwanda pachiso chenyika, vachiberekerwa vanasikana,
2kuti vanakomana vaMwari vakaona vakunda vevanhu kuti vakanaka, vakazvitorera vakadzi pakati pavose vavakasarudza.
3Zvino Jehovha wakati, Mweya wangu haungagari mumunhu nekusingaperi, nekuti iye inyamawo; asi mazuva ake achava makore zana nemakumi maviri.
4Panguva iyo kwaiva nehamburamakaka panyika, nepashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvakunda vevanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakange vakakurumbira.
5Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwevanhu kwakakura panyika, nendangariro dzemifungoyemoyo yavo dzaiva zuva rose.
6Jehovha akazvidemba kuti wakaita munhu panyika, zvikamushungurudza pamoyo wake.
7Jehovha ndokuti: Ndichaparadza munhu wandakasika ndimubvise pachiso chenyika, kubva kunhu kuenda kumhuka kusvika kune zvinokambaira, neshiri dzedenga; nekuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.
8Asi Nowa wakawana nyasha pamberi paJehovha.
9Ndiyo nhoroondo yedzinza raNowa: Nowa waiva munhu wakarurama, wakaperedzerwa pamazera ake; Nowa wakafamba naMwari.
10Nowa ndokubereka vanakomana vatatu, Shemu, naHamu, naJafeti.
11Nyikawo yaiva yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nekumanikidza.
12Mwari ndokuona nyika, zvino tarira, yakaora; nekuti nyama yose yakaodza nzira dzayo panyika.
13Zvino Mwari wakati kuna Nowa, Kupera kwenyama yose kwasvika pamberi pangu; nekuti nyika izere nekumanikidza nekuda kwavo; zvino tarira, ndichavaparadza pamwe nenyika.
14Zviitire areka nemuti wemugoferi; uite makamuri muareka, uiname mukati nekunze nenamo.
15Unofanira kuiita nenzira iyi: Kureba kweareka ngakuve makubhiti mazana matatu, kufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nekukwirira kwayo makubhiti makumi matatu.
16Buri uchariita paareka; uripedze kana kwasara kubhiti rimwe kubva kumusoro; nemusuwo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mupanda wokutanga, nowechipiri, nowechitatu.
17Zvino tarira, ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuzoparadze zvipenyu zvose zvine mweya weupenyu, kubva pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa.
18Asi ndichagadza sungano yangu newe; uye unofanira kupinda muareka, iwe nevanakomana vako, nemukadzi wako, nevakadzi vevanakomana vako pamwe newe.
19Napazvipenyu zvose, nepanyama yose uise muareka zviviri zviviri zvemarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; zvichzva mukono nehadzi.
20Pashiri nemarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira zvepasi zvose nemarudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, uzvichengete zviri zvipenyu.
21Iwe utore marudzi ose ezvokudya zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive chikafu chako nechazvo.
22Nowa akaita saizvozvo; sezvose zvaakarairwa naMwari, wakaita saizvozvo.