Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

7

1Zvino Jehovha wakati kuna Nowa: Pindai iwe nemhuri yako yose muareka, nekuti iwe ndakuona wakaru­rama pamberi pangu pazera iri.
2Pa­mhuka yose yakanaka uzvitorere nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; nepamhuka dzose dzisina kunaka mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo.
3Nepashiri dzedenga utore nomwe nomwe, mukono nehadzi, kuchengetedza mbeu iri mhenyu pachiso chenyika yose.
4Nekuti kwasara mazuva manomwe, zvino ndichanaisa mvura pa­nyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana; uye chipenyu chose chandakaita ndichachiparadza pachiso chenyika.
5Zvino Nowa wakaita sezvose Jehovha zvaakamuraira.
6Zvino Nowa wakange ava nemakore mazana matanhatu panguva yekuuya kwemvura zhinji pamusoro penyika.
7Nowa ndokupinda, nevanakomana vake nemukadzi wake nevakadzi veva­nakomana vake vanaye muareka, nekuda kwemvura yemafashame.
8Pamhuka dzakachena, nepamhuka dzisina kuchena, nepashiri, nepazvose zvinoka­mbaira pamusoro penyika,
9zvakapinda zviviri zviviri kuna Nowa muareka, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Nowa.
10Zvino zvakaitaika shure kwemazuva manomwe, kuti mvura yemafashame yakavapo panyika.
11Mugore remazana matanhatu reu­penyu hwaNowa, mumwedzi wechipiri, zuva regumi nemanomwe remwedzi, nezuva iroro zvitubu zvose zvepakadzika­dzika zvakadzuturwa, nemahwindo ematenga akazarurwa.
12Zvino mvura zhinji ikava pamusoro penyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana.
13Nezuva iro rakadaro Nowa rakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNowa, nemukadzi waNowa, nevakadzi vatatu vevanakomana vake pamwe naye;
14ivo, nemhuka yose nemarudzi ayo, nechi­pfuwo chose nemarudzi acho, nechino­kambaira chose chinokambaira panyika nemarudzi acho, nechinobhururuka chose nemarudzi acho neshiri yose yemarudzi ose.
15Zvino zvakapinda kuna Nowa muareka, zviviri zviviri zvenyama yose zvine mweya weupenyu.
16Nezvakapinda, zvakapinda mu­kono nehadzi, zvenyama yose, Mwari sezvaakaraira, Jehovha akamupfigira mukati.
17Zvino mafashame akavapo pamusoro penyika ma­zuva makumi mana; mvura ikawa­nda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.
18Mvura ndokukwirira nesimba, ikawanda kwazvo pamusoro penyika, areka ikafa­mba pamusoro pechiso chemvura.
19Zvino mvura yaka­kwirira nesimba zvikurusa pamusoro penyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akaputirwa.
20Makubiti gumi nemashanu mvura yakakwirira nesimba makomo akaputirwa.
21Nenyama yose yaifamba pamusoro penyika ikafa, zvose yeshiri neyechipfuwo neyemhuka neyechose chinokambaira, chinokambaira pamusoro penyika, nemunhu wose;
22chose chine kufema kwemweya weupenyu mumhino dzacho, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvakafa.
23Chipenyu chose, chaivapo, chaiva pachiso chepasi, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo, nezvinhu zvinokambaira zvose nekushiri dzematenga zvakaparadzwa. Nowa oga wakasara, nezvaiva naye muareka.
24Mvura ndokukwirira nesimba pamusoro pe­nyika mazuva zana nemakumi ma­shanu.