Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

8

1Zvino Mwari wakarangarira Nowa nechose chinorarama, nechipfuwo chose chaiva naye muareka. Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ndokuserera.
2Zvini kwakadzivirwa zvitubu zvepakadzika nemahwindo ematenga akadzivirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa.
3Mvura ndokuramba ichidzoka achibva panyika, mvura ndokuderera shure kwemazuva zana nemakumi mashanu.
4Zvino areka yakagara mumwedzi wechino­mwe, nezuva regumi nemanomwe re­mwedzi pamusoro pama­komo eArarati.
5Mvura ndokuramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nemwedzi wegumi, nezuva rekutanga remwedzi kwakaonekwa misoro yemakomo.
6Zvino zvikaitika pakupera kwemazuva makumi mana, kuti Nowa akazarura hwindo reareka raakanga aita,
7akabudisa gunguvo, iro rikaramba richiyengerera ku­svikira mvura yapwa panyika.
8Akatumawo njiva kubva paaiva, kuti aone kana mvura yaserera pachiso chenyika;
9asi njiva haina kuwana zororo rerutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, ne­kuti mvura yaiva pamusoro pechiso chenyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akai­tora, akaipinza kwaari muareka.
10Zvino wakagara amwe mazuva manomwezve; akatuma njiva muareka.
11Njiva ikapinda kwaari madekwani, zvino tarira, mumuromo mayo maiva neshizha remuorivhi rakatanhwa; naizvozvo Nowa wakaziva kuti mvura yaiva yaserera kubva panyika.
12Zvino wakagara amwe mazuva manomwe, akatuma njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari zvekare.
13Zvino zvakaitika mgore remazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wekutanga, nemusi wekutanga wemwedzi, mvura yaiva ya­pwa kubva panyika; zvino Nowa wakabvisa denga reareka, akaona, zvino tarira, pasi pose paoma.
14Zvino nemwedzi wechipiri, nezuva rema­kumi maviri nemanomwe remwedzi, nyika yaiva yaoma.
15Zvino Mwari wakataura naNowa achiti:
16Buda muareka, iwe, nemukadzi wako, nevanakomana vako, nevakadzi vevanakomana vako pamwe newe.
17Chose chinorarama chinewe, panyama yose, yeshiri neyechipfuwo neyechose chinokambaira, chinokambaira panyika, buda nacho; kuti chibereke chiwande panyika chibereke chiwande pamusoro penyika.
18Zvino Nowa wakabuda, iye nevanakomana vake, nemukadzi wake, neva­kadzi vevanakomana vake pamwe naye.
19mhuka yose, nechinokambaira chose, neshiri yose, nechipi nechipi chinokambaira panyika, nemarudzi azvo, zvakabuda paareka.
20Zvino Nowa wakavakira Je­hovha aritari, akatora pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzaka­naka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paa­tari.
21Jehovha akanzwa kunhuhwira kwa­kanaka, Jehovha akati mumoyo make: Handichapi nyika rushambwazve nekuda kwemunhu; nekuti kufunga kwemoyo we­munhu kwakaipa kubva pauduku hwake; uye handichazorovizve chipenyu chose.
22Nguva yose yenyika, ku­dzvara nekukohwa, kutonhora nekudziya, zhizha nechando, masikati neusiku hazvi­ngagumi.