Shona

Kabyle: New Testament

Genesis

9

1Zvino Mwari wakaropafadza Nowa nevanakomana vake, akati kwavari: Berekanai muwande muzadze nyika.
2Nekutyiwa kwenyu nekuvhundukwa kwenyu kuchava pamusoro pemhuka imwe neimwe yenyikaepamusoro peshiri imwe neimwe yedenga; chose chinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinopiwa pamaoko enyu.
3Choga choga chinofamba chipenyu chi­chava chikafu chenyu; kunyange miriwo mitema ndakupa zvose.
4Asi nyama, kana ine upenyu hwayo, ropa rayo, musadya.
5Zvino zvirokwazvo ropa renyu, reupenyu hwenyu, ndicharitsvaka; paruoko rwechipenyu chipi nechipi; ndicharitsvaka, neparuoko rwemunhu; paruoko rwehama yeumwe neumwe; ndichatsvaka upenyu hwemunhu.
6Ani naani anoteura ropa remunhu, nemunhu richateurwa ropa rake; ne­kuti nemufananidzo waMwari wakaita munhu.
7As imwi berekanai, muwande, berekanai zvikuru panyika, muwande mairi.
8Zvino Mwari wakataura kunaNowa neva­nakomana vake vaiva vanaye, akati:
9Zvino ini, tarirai, ini ndinogadza sungano yangu nemwi nembeu yenyu inokuteverai;
10ne­chipenyu chimwe nechimwe chinemwi, cheshiri, nezvipfuwo, nemhuka ipi neipi yenyika inemwi; zvose zvinobuda paareka, kumhuka ipi neipi yepanyika.
11Uye ndichamisa sungano yangu nemwi; nenyama yose haingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti ipara­dze nyika.
12Zvino Mwari wakati: Ndi­cho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemwi nechisikwa chipenyu chose chineni kusvikira kumarudzi asingaperi.
13Ndinodzika gangauta rangu wangu mugore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
14Zvino zvichaitika kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, kuti mu­raraungu uyu ukaonekwa mugore;
15uye ndi­charangarira sungano yangu iri pakati pangu nemwi, nechisikwa chose chipenyu chenyama, nemvura haichazovi mafashame kuti iparadze nyama yose.
16Zvino murarabungu uchava mugore; uye ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pa­kati paMwari nechisikwa chose chipenyu chenyama chiri panyika.
17Zvino Mwari wakati kuna Nowa: Ndicho chiratidzo chesu­ngano yandakagadza pakati pangu nenyama yose iri pamusoro penyika.
18Zvino vanakomana vaNowa vakabuda muareka vaiva: Shemu naHamu naJafeti; uye Hamu ndiye baba vaKanani.
19Ava vatatu vanakomana vaNowa, nyika yose yakazadzwa nevakabva kwavari.
20Zvino Nowa wakatanga kuva murimi, aka­rima munda wemuzambiringa.
21Zvino wakamwa waini, akadhakwa, akazvifukura pakati petende rake.
22Zvino Hamu, baba vaKanani, akaona kusapfeka kwababa vake, akazi­visa vanakomana vamai vake vaviri panze.
23Zvino Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafu­dzi avo, vakaenda chinhembeshure, vakapfekedza kushama kwababa vavo; uye zviso zvavo zvaiva zvakatarira shure, vakasaona kushama kwababa vavo.
24Zvino Nowa wakamuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nemwanako­mana wake muduku.
25Zvino wakati: Kanani ngaapiwe rushambwa; achava muranda wevaranda kuvanakomana vamai vake.
26Zvino wkati: Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, uye Kanani ngaave muranda wake.
27Mwari ngaakurise Jafeti, uye ngaagare mumatende aShemu, naKanani ngaave muranda wake.
28Zvino Nowa wakararama shure kwemafashame makore mazana matatu nemakumi mashanu.
29Mazuva ose Noa aiva mazana mapfumbamwe nemakumi ma­shanu, akafa.