1Zvino nyika yose yaiva yerurimi rwumwe neyeshoko rimwe.
2Zvino zvakaitika vachifamba kubva kumabvazuva, kuti vakawana bani munyika yeShinari, ndokugarako.
3Ndokuti umwe neumwe kumuvakidzani wake: Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise zvikuru. Zvino zvidhina zvakava mabwe kwavari, netara ikava dope kwavari.
4Zvino vakati: Uyai, ngatizvivakire guta neshongwe ine musoro urikudenga, uye ngatizviitirei zita, zvikasadaro tingapararira pamusoro pechiso chenyika yose.
5Zvino Jehovha wakaburuka kuzoona guta neshongwe, yakangi yavakwa nevanakomana vevanhu.
6Jehovha ndokuti: Tarira, rudzi nderwumwe, uye vane rurimi rwumwe vose, zvino ndizvo zvavanotanga kuita; uye ikozvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa.
7Uyai, ngatiburuke, tivhiringidze rurimi rwavo ipapo, kuti vasanzwa mutauro weumwe neumwe.
8Naizvozvo Jehovha wakavaparadzira kubva ipapo pamusoro pechiso chenyika, vakamira kuvaka guta.
9Naizvozvo vakatumidza zita raro kuti Bhabheri, nekuti ipapo Jehovha wakavhiringidza rurimi rwenyika yose; uye kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pachiso chenyika yose.
10Awa marudzi aShemu. Shemu wakange ane makore zana, akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwemafashame.
11Shemu ndokurarama, shure kwekubereka Aripakishadhi, makore mazana mashanu; akabereka vanakomana nevanasikana.
12Aripakishadhi ndokurarama makore makumi matatu nemashanu, akabereka Shera.
13Aripakishadhi ndokurarama, shure kwekubereka kwake Shera, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
14Shera ndokurarama makore makumi matatu, akabereka Ebheru.
15Shera ndokurarama, shure kwekubereka kwake Ebheru, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
16Ebheru ndokurarama makore makumi matatu nemana, akabereka Peregi.
17Ebheru ndokurarama, shure kwekubereka kwake Peregi, makore mazana mana nemakumi matatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
18Peregi ndokurarama makore makumi matatu, akabereka Rehu.
19Zvino Peregi wakararama, shure kwekubereka kwake Rehu, makore mazana maviri nemapfumbamwe; akabereka vanakomana nevanasikana.
20Rehu ndokurarama makore makumi matatu nemaviri, akabereka Serugu.
21Zvino Rehu wakararama, shure kwekubereka kwake Serugu, makore mazana maviri nemanomwe; akabereka vanakomana nevanasikana.
22Serugu ndokurarama makore makumi matatu, akabereka Nahori.
23Zvino Serugu wakararama, shure kwekubereka kwake Nahori, makore mazana maviri, akabereka vanakomana nevanasikana.
24Nahori ndokurarama makore makumi maviri nemapfumbamwe, akabereka Tera.
25Zvino Nahori wakararama, shure kwekubereka kwake Tera, makore zana negumi nemapfumbamwe, akabereka vanakomana nevanasikana.
26Tera ndokurarama makore makumi manomwe, akabereka Abhuramu, Nahori naHarani.
27Zvino izvi zvizvarwa zvaTera. Tera wakabereka Abhuramu, Nahori naHarani; Harani ndokubereka Roti;
28Harani akafa, baba vake Tera vasati vafa, panyika yechiberekerwa chake, muUri yevaKaradhea.
29Zvino Abhuramu naNahori vakazvitorera vakadzi; zita remukadzi waAbhuramu raiva Sarai; uye zita remukadzi waNahori raiva Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika, nababa vaIsika.
30Asi Sarai waiva mhanje, wakange asina mwana.
31Zvino Tera wakatora Abhuramu mwanakomana wake, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanakomana wemwanakomana wake, naSarai, muroora wake, mukadzi waAbhuramu mwanakomana wake; vakabva Uri yevaKaradhea navo, kuenda kunyika yeKanani; vakasvika Harani, vakagarapo.
32Zvino mazuva aTera aiva makore mazana maviri nemashanu; Tera akafira Harani.