1Zvino Jehovha wakati kuna Abhuramu: Ibva panyika yekwako nekuhama dzako nekuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza.
2Zvino ndichakuita uve rudzi rukuru, nekukuropafadza, nekuita zita rako rive guru, uye uchava ropafadzo.
3Zvino ndicharopafadza vanokuropafadza, nekutuka unokutuka; uye mauri marudzi ose enyika acharopafadzwa.
4Abhuramu ndokuenda Jehovha sezvaakataura kwaari, naRoti wakaenda naye. Zvino Abhuramu wakange ane makore makumi manomwe nemashanu pakubva kwake Harani.
5Abhuramu ndokutora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana wemunin'ina wake, nenhumbi dzavo dzose dzavakange vaunganidza, nemweya yavakange vawana paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKanani; ndokusvika kunyika yeKanani.
6Abhuramu ndokugura nemunyika kusvika panzvimbo yeShekemu, pamuti wemuouki* weMore; uye vaKanani vaiva munyika iyo nguva iyoyo.
7Zvino Jehovha wakaonekera kuna Abhuramu, akati: Kumbeu yako ndichapa nyika iyi; ndokuvakira ipapo Jehovha aritari, iye wakange aonekera kwaari.
8Zvino wakabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, ndokudzika tende rake; Bheteri riri kumavirazuva uye Ai kumabvazuva. Zvino wakavakirapo Jehovha aritari, akadana zita raJehovha.
9Zvino Abhuramu wakafamba achienderera mberi akananga kuchamhembe.
10Zvino kwakava nenzara panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira kuEgipita kunogarako semweni; nekuti nzara yairwadza panyika.
11Zvino zvakaitika oswedera kupinda muEgipita kuti wakati kuna Sara, mukadzi wake: Tarira zvino, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka kuonekwa.
12Zvino zvichaitika vaEgipita pavachakuona, kuti vachati: Uyu mukadzi wake, ndokundiuraya, asi iwe vachakuchengeta uri mupenyu.
13Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti zvindinakire nekuda kwako, mweya wangu ugorarama nekuda kwako.
14Zvino zvakaitika kuiti Abhuramu paakasvika Egipita, vaEgipita vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.
15Nemachinda aFarao akamuona, ndokumurumbidza pamberi paFarao; mukadzi ndokuiswa mumba maFarao.
16Zvino wakabata Abhuramu zvakanaka nekuda kwake; uye akava nemakwai nenzombe nemakono emadhongi nevarandarume nevarandakadzi nemadhongi echikadzi nemakamera.
17Asi Jehovha wakatambudza Farao, neimba yake, nematambudziko makuru nekuda kwaSarai mukadzi waAbhuramu.
18Farao ndokudana Abhuramu akati, Chii ichi chawaita kwandiri? Nemhaka yei usina kundiudza kuti mukadzi wako.
19Wakareverei kuti ihanzvadzi yangu? kusvikira ndamutora kuva mukadzi wangu? Naizvozvo zvino tarira mukadzi wako, tora uende.
20Zvino Farao akaraira varume maererano naye, vakamudzinga nemukadzi wake nezvose zvaakange anazvo.